Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano asi vasingasonganiri neungano, edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Chinangwa chacho chinofanira kuva chokutanga kudzidza Bhaibheri, kunyanya nevanhu vakatodzidza bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, kana mumwe munhu akati haana mwana, govera bhurocha raAnodei. Edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. July naAugust: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, uye “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” kana rimwe bhurocha ripi zvaro rakakodzera.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waJune 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yezvinodiwa zveImba yoUmambo, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.
◼ Une zvawakasangana nazvo mubasa romumunda zvinofadza here zvingakurudzira vamwe? Tapota zvinyore wopawo mutariri anotungamirira wenyu kuti averenge. Achaongorora kuti ave nechokwadi chokuti zvose zvinodiwa zviripo zvakadai semazita, misi, uye nzvimbo. Kopi yokupedzisira inenge yagadziriswa inofanira kutumirwa kuhofisi yebazi.
Chiziviso Chinokosha
Pane zvakagadziriswa pakokorodzano dzoruwa dza2005 dzeShona dzichaitirwa muHarare. Panzvimbo pokuva nekokorodzano mbiri bedzi sezvakamboziviswa, dzava kuzova nhatu, sezvinotevera:
[Chati iri papeji 7]
(Kana uchida mashoko azere, ona Ushumiri hwacho)
Musi weKokorodzano Matunhu Achapinda Ikoko
Harare West:
Aug. 5-7 Matunhu 33, 34. Dunhu 15: Chakari North, Chegutu Central/East/West, Chirundazi, Eiffel Flats, Madzongwe, Martin, Mhondoro-Ngezi bedzi. Dzimwe ungano dzose dziri muDunhu 15 dzinoenda kuGweru kusiya kweChengwe, Makwechere, neSanyati idzo dzichaenda kuGokwe.
Harare Central:
Aug. 19-21 Matunhu 23, 44. Dunhu 32: Concession, Dambo, Glendale, Iron Duke, Jumbo North, Mazowe Inn, Nzvimbo, Ruya. Dzimwe ungano dzose dziri muDunhu 32 dzichaenda kuMahuwe.
Harare South:
Sept. 2-4 Matunhu 14 ne43(a) bedzi.
Kokorodzano dzose dzoruwa dziri pamusoro apa dzichaitirwa paCity Sports Centre, muHarare.