Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMay 9
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 1 neAwake! yaMay 8. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa. Mune imwe yemharidzo dzacho, enzanisira kugovera magazini zvisina kurongwa muchifambiso chavose.
15 min: Shandisa Shoko raMwari Kusvika Pamwoyo. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2005, mapeji 28-31. Kurukura kuti Jesu akashandisa sei Magwaro kuti abatsire Petro. Kurukura kuti tingatevedzera sei muenzaniso waJesu kana mafungiro nemanzwiro evana vedu, neevatinodzidza navo Bhaibheri, kunyange edu achifanira kugadziriswa.
20 min: “Rongai Purogiramu Yemhuri Inobatsira.” Muhurukuro yokusuma yemaminitsi asingasviki maviri, taura kuti kuva nepurogiramu yakanyorwa kunobatsira sei uye kurukura kuti purogiramu isina chinhu iri papeji 6 inozadzwa sei. Zvadaro wozokurukura nemibvunzo nemhinduro nyaya inoti “Purogiramu Yemhuri—Misangano Yeungano.” Kumbira vateereri kuti vataure kuti vanoita sei kuti mamwe mabasa avanoita asakanganisa kupinda kwavo misangano yeungano. Zvimwe zvine chokuita nepurogiramu yemhuri zvichakurukurwa muvhiki dzinotevera.
Rwiyo 176 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 16
10 min: Zviziviso zveungano. Taurawo “Chiziviso Chinokosha” chiri papeji 7.
15 min: “Purogiramu Yemhuri—Kuparidza Semhuri.”a Kumbira vateereri kuti vataure zvakanakira kugara vachiparidza pamwe chete semhuri.
20 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 9.”b Pakukurukura ndima 2, taura pfungwa imwe kana kuti mbiri kubva muUshumiri Hwedu hwoUmambo, hwaDecember 2004 peji 8. Iva nomuenzaniso mupfupi wechidzidzo cheBhaibheri chiri kuitiswa. Mapedza chidzidzo 2 mubhurocha raAnodei, anoitisa chidzidzo chacho anobvunza ari kudzidza kuti: “Maizotsanangurira sei shamwari yenyu kuti Mwari anonzi ani?” Mudzidzi wacho anotsanangura kushandisa kwaaizoita Pisarema 83:18, pashure pacho muitisi wechidzidzo anomurumbidza.
Rwiyo 134 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 23
12 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu), enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 15 neAwake! yaMay 22. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa.
18 min: “Zuva raJehovha Rava Pedyo.”c Paunenge uchigadzirira hurukuro iyi, ona bhuku raUprofita hwaDhanieri, peji 59, ndima 28.
15 min: “Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri.”d Fanoronga kuti munhu mumwe kana vaviri vataure marongero avanoita kudzidza kwavanoita semhuri uye zvavanoedza kuita kuti varambe vachidzidza nguva dzose.
Rwiyo 152 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 30
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaMay. Taura mabhuku achagoverwa muna June. Enzanisira kugoverwa kungaitwa mabhuku acho uchishandisa mharidzo imwe kana kuti mbiri pane dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 (kana dzichikodzera ndima yenyu). Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa.
20 min: “Purogiramu Yemhuri—Rugwaro Rwezuva.”e Kumbira vateereri kuti vataure kuti mhuri yavo inobatsirwa sei nokuita rugwaro rwezuva pamwe chete uye kuti ipurogiramu ipi yavakaona ichibatsira.
15 min: Rondedzera kana kuti enzanisira zvakaitika mubasa romumunda semaitikiro azvakaita muna March, April naMay. Fanoronga kuti mumwe kana kuti vaviri vataure kuedza kwavakaita kuwedzera kushanda muushumiri mumwaka weChirangaridzo uye zvikomborero zvavakazowana.
Rwiyo 115 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 6
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Farira Kugara Uchiendesera Vanhu Magazini.”f Pakukurukura ndima 3, taurawo zviri mubhuku raKurangarira, pamapeji 368-73. Mashoko aya anogona kushandiswa kugadzirira magwaro akasiyana-siyana okuzopota uchikurukura rumwe chete nevanhu pamusoro pezvichaitwa noUmambo hwaMwari. Iva nomuenzaniso wokuratidza kuti muparidzi angakurukurirana sei rugwaro rumwe chete nomunhu waanogara achiendesera magazini. Muparidzi anofanira kukurukura nokuenzanisira kwenguva pfupi kushanda kunoita rugwaro rwacho kuti abatsire saimba kurunzwisisa zvakarurama uye kuti aone kukosha kwarwo muupenyu hwake.
Rwiyo 107 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
f Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.