Chikamu 9—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kubatsira Vadzidzi Kuparidza Zvisina Kurongwa
1 Andireya naFiripi pavakaziva kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya akapikirwa, havana kurega kutaurira vamwe mashoko acho anofadza. (Joh. 1:40-45) Saizvozvowo nhasi, vadzidzi veBhaibheri pavanotanga kuratidza kutenda mune zvavanenge vari kudzidza, vanonzwa vachida kutaura nezvazvo. (2 VaK. 4:13) Tingavakurudzira sei kuti vapupurire zvisina kurongwa tovabatsira kuti vazviite zvakanaka?
2 Ungangobvunza mudzidzi kana akambotaura nevamwe nezvezvaakadzidza muBhaibheri. Zvimwe pane shamwari kana kuti vomumhuri vaangakoka kuti vavepowo paanenge achidzidza. Mubvunze kana vamwe vevaanoshanda navo, vaanodzidza navo kuchikoro, kana kuti vamwe vaanoshamwaridzana navo vakaratidza kufarira. Nokuita izvi, anogona kutanga kuparidza. Mubatsire kuti aone kukosha kwokunzwisisa uye kuva anoremekedza nokuva ane mutsa paanenge achitaura nevamwe nezvaJehovha Mwari nezvinangwa zvake.—VaK. 4:6; 2 Tim. 2:24, 25.
3 Kuudza Vamwe Zvavanotenda: Zvinokosha zvikuru kurovedza vadzidzi veBhaibheri kushandisa Shoko raMwari pavanenge vachiudza vamwe zvavanotenda. Papfungwa dzaunenge wasarudza pamunenge muchidzidza, bvunza mudzidzi kuti: “Mungashandisa sei Bhaibheri kutsanangurira mhuri yenyu chokwadi ichi?” kana kuti “Magwaro api eBhaibheri amungashandisa kuti shamwari ione kuti izvi ndezvechokwadi?” Ona mapinduriro aanoita, uye muratidze kuti angaitei kuti zvaanodzidzisa zvibve muMagwaro. (2 Tim. 2:15) Nokuita kudaro, unenge uchibatsira mudzidzi wacho kuti aparidze zvisina kurongwa, uye zvakarongwa aine ungano paanenge ava muparidzi.
4 Kuchenjera kugadzirira vadzidzi veBhaibheri kutarisana nokushorwa. (Mat. 10:36; Ruka 8:13; 2 Tim. 3:12) Vamwe pavanobvunza mibvunzo kana kuti pavanotaura nezveZvapupu zvaJehovha, izvi zvingapa vadzidzi mukana wokuparidza. Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei? ringavabatsira ‘kuti vagare vakagadzirira kuzvidzivirira.’ (1 Pet. 3:15) Rine mashoko akarurama angashandiswa nevatsva kubatsira shamwari nevomumhuri vanenge vachida kunyatsonzwisisa zvechokwadi zvatinotenda zvinobva muBhaibheri uye basa redu.