Chikamu 7—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kunyengetera Pamunodzidza
1. (a) Nei zvakakodzera kutanga uye kupedza chidzidzo cheBhaibheri nomunyengetero? (b) Tinozotanga kunyengetera pachidzidzo cheBhaibheri zvaita sei?
1 Kuti vadzidzi veBhaibheri vafambire mberi mune zvokunamata, zvinokosha kuti Jehovha avakomborere. (1 VaK. 3:6) Saka, zvakakodzera kutanga uye kupedza chidzidzo nomunyengetero. Tinogona kuzviita patinotanga chaipo kudzidza nevanhu vanofarira zvechitendero. Kune vamwe vadzidzi, tingafanira kunzwisisa kuti ndirini patinozotanga nomunyengetero. Ungashandisa Pisarema 25:4, 5 uye 1 Johani 5:14 kubatsira mudzidzi kuona kuti nei munyengetero uchifanira kupiwa uyewo ungashandisa Johani 15:16 kutsanangura kukosha kwokunyengetera kuna Jehovha kuburikidza naJesu Kristu.
2. Kana hanzvadzi ikaenda kuchidzidzo cheBhaibheri nehama yakabhabhatidzwa kana nomuparidzi wechirume asina kubhabhatidzwa, ndiani anofanira kunyengetera?
2 Ndiani anofanira kunyengetera pachidzidzo cheBhaibheri? Kana hama yakabhabhatidzwa ikaenda nehanzvadzi kuchidzidzo cheBhaibheri, ndiyo inofanira kunyengetera, kunyange zvazvo hanzvadzi yacho iriyo inoitisa yakapfeka chifukidziro chomusoro. (1 VaK. 11:5, 10) Asi, kana muparidzi woUmambo asina kubhabhatidzwa wechirume akaenda nehanzvadzi kuchidzidzo, hanzvadzi inofanira kunyengetera. Muchinoitika chakadaro, inofanira kupfeka chifukidziro chomusoro painenge ichinyengetera uye ichiitisa chidzidzo chacho.
3. Ndezvipi zvakakodzera kutaura muminyengetero inopiwa pachidzidzo cheBhaibheri?
3 Zvingataurwa Mumunyengetero Wacho: Minyengetero inoitwa pachidzidzo cheBhaibheri haifaniri kureba, asi inofanira kuva yakananga. Kunze kwokukumbira kukomborerwa naMwari pachidzidzo chacho uye kutenda chokwadi chinenge chadzidzwa, zvakakodzera kurumbidza Jehovha nokuti ndiye Anopa mirayiridzo. (Isa. 54:13) Tinogona kutaurawo mashoko anoratidza kuti tinofarira mudzidzi nomwoyo wose uye kuti tinoonga sangano riri kushandiswa naJehovha. (1 VaT. 1:2, 3; 2:7, 8) Kukumbira kwedu kuti Jehovha akomborere zviri kuedza kuitwa nomudzidzi kuti ashandise zvaari kudzidza kunogona kumubatsira kuona kukosha kwokuva ‘muiti weshoko.’—Jak. 1:22.
4. Kutanga uye kupedza chidzidzo cheBhaibheri nomunyengetero kunobatsira munzira dzipi?
4 Munyengetero unobatsira pazvinhu zvakawanda. Unotiunzira chikomborero chaMwari. (Ruka 11:13) Unosimbisa kukosha kwokudzidza Shoko raMwari. Mudzidzi paanoteerera minyengetero yedu, anenge achidzidza kunyengetera. (Ruka 6:40) Uyewo, minyengetero inobva pamwoyo yakazara nokuda Mwari uye kuonga unhu hwake husina chinoenzana nahwo zvinogona kubatsira mudzidzi kutanga kuva noukama hwomunhu oga naJehovha.