RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/05 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 14
  • Vhiki Inotanga naFebruary 21
  • Vhiki Inotanga naFebruary 28
  • Vhiki Inotanga naMarch 7
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 2/05 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naFebruary 14

Rwiyo 174

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achishanda mundima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 1 neAwake! yaFebruary 8. Taura kwenguva pfupi kuti mharidzo dzokuenzanisira dzingaitwa sei kuti dzienderane nendima yenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005, papeji  8.

35 min: “Mwaka weChirangaridzo—Nguva Yebasa Rakawedzera.”a Ichakurukurwa nomutariri webasa. Pakukurukura ndima 6 taura zviri muAwake! yaSeptember 8, 2004, pamapeji 12-13. Zivisa vaya vakatora upiyona hwebetsero. Kurukura nezvemisangano yebasa romumunda yokuwedzera yakarongwa. Kurudzira vose kuwedzera basa ravo rezvokunamata nedzimwe nzira mumwaka uno weChirangaridzo.

Rwiyo 14 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 21

Rwiyo 31

10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura pfungwa huru dziri mubhokisi riri papeji 6, rinoti, “Vabatsire Kuti Vazopupurirwazve.” Kurudzira vose kuzadza fomu rinonzi Tapota Muonei (S-43) nokukurumidza kana zvichidiwa.

20 min: “Ongai Mutsa Worudo waJehovha.”b Zivisa nguva nenzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo uyewo zita romukurukuri uye zvimwe zvingadiwa. Pakukurukura ndima 4, iva nomuenzaniso mupfupi womuparidzi ari kukokera munhu kuChirangaridzo pane vaanogara achiendesera magazini. Masiripi okukokera Chirangaridzo anofanira kupiwa musangano wacho wapera, kana izvi zvisati zvatoitwa.

15 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 6.”c Ivawo nomuenzaniso wemaminitsi mana apo mudzidzi weBhaibheri anobvunza kuti pane vakapinda Chirangaridzo, nei vari vashomanana vakadya chingwa newaini. Muitisi wacho anomuonga nokubvunza kwaaita, ounyora, uye otaura kuti vangazoukurukura vapedza zvavari kudzidza vhiki iyoyo. Vapedza kudzidza, muitisi anokurukura nomudzidzi nyaya iri pasi pomubvunzo unoti “Ndiani anofanira kudya chingwa nokunwa waini?” iri mubhuku raKurangarira pamapeji 57-9. Vanoiverenga pamwe chete, uye mudzidzi anoonga mhinduro yakajeka yezvaabvunza.

Rwiyo 21 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 28

Rwiyo 42

15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaFebruary. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achishanda mundima yenyu) enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 15 kana kuti Awake! yaFebruary 22. Dzimwewo mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Pakugumisa imwe yemharidzo dzacho, ratidza muparidzi achikoka saimba kuChirangaridzo achishandisa peji yokupedzisira yeAwake! yaMarch 8.

20 min: Iva Nehanya Nevaya Vasina Simba. (Mab. 20:35) Wasuma kweisingapfuuri miniti imwe, kurukura nemibvunzo nemhinduro Nharireyomurindi yaJuly 1, 2004, pamapeji, 17-18, ndima 12-16, sezvinongoitwa paChidzidzo cheNharireyomurindi. Ita kuti ndima dzacho dziverengwe nehama inoverenga zvakanaka. Simbisa kuti mashoko acho angashandiswa sei zvichienderana neChirangaridzo chiri kuuya uye hurukuro chaiyo.

10 min: Govera Rambai Makarinda! Kurukura uye enzanisira mharidzo dzingashandiswa pakugovera bhurocha racho muna March. Mharidzo dzokuenzanisira dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 kana kuti dzimwe mharidzo dzinobudirira mundima yenyu dzingashandiswa.

Rwiyo 72 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 7

Rwiyo 12

10 min: Zviziviso zveungano. Dzokorora pfungwa huru dziri mubhokisi rakanzi “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo.”

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Govera Magazini Muushumiri Hwako.”d Pakukurukura ndima 3 ne4, ita kuti mashoko acho ashande muungano yenyu. Bvunzurudza kwenguva pfupi muparidzi mumwe kana kuti vaviri vanobudirira pakugovera magazini munzvimbo dzebhizimisi, pamugwagwa, munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, kana kuti pakupupurira zvisina kurongwa. Vakumbire kutsanangura kuti vanogovera sei magazini mumamiriro ezvinhu aya. Iva nomuenzaniso mupfupi wemharidzo kana kuti enzanisira semaitikire azvakaita.

Rwiyo 192 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe