RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/05 p. 1
  • Ongai Mutsa Worudo waJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ongai Mutsa Worudo waJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • ‘Idai Jehovha, Imi Vatsvene Mose’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Ita Kuti Vamwe Vabatsirwe Norudzikinuro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Nei Tichipinda Chirangaridzo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 2/05 p. 1

Ongai Mutsa Worudo waJehovha

Chirangaridzo Chorufu rwaKristu Chichachengetwa Musi waMarch 24

1. Jehovha akatiratidza sei mutsa worudo?

1 Munyori wepisarema akati: “Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake [mutsa wake worudo] uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu.” (Pis. 107:8) Mutsa worudo waMwari unopfuura kungova nehanya kwake zvikuru nevanhu. Izvi zvinobudiswa pachena nemashoko okurumbidza akafuridzirwa anoti: “Ngoni dzenyu, [mutsa wenyu worudo] Jehovha, dzakanditsigira.” (Pis. 94:18) Zvechokwadi uyu mutsa worudo wakaratidzwa naJehovha nokutipa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi!—1 Joh. 4:9, 10.

2. Tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha?

2 Sezvo Chirangaridzo chorufu rwaKristu chinosvika, tingaonga sei ‘Mwari womutsa worudo’? (Pis. 59:17) Mumwe nomumwe wedu achada kuva nenguva yokufungisisa pamusoro pemazuva okupedzisira aJesu ari pasi pano. (Pis. 143:5) Zvichava zvinobatsirawo kutevera purogiramu chaiyo yokuverenga Bhaibheri yakarongerwa Chirangaridzo, sezviri mukabhuku keKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2005 uye, kana zvichibvira, kuwedzerawo kuverenga nokutsvakurudza muzvitsauko 112-16 zvebhuku raMunhu Mukurusa nemamwewo mabhuku eBhaibheri. Fungisisa ndima dzaunoverenga, uye nyatsonyura madziri. (1 Tim. 4:15) Kudzidza Shoko raMwari nokunyengetera hakungosimbisi mwoyo wedu asiwo kunoratidza kuti tinoda Jehovha.—Mat. 22:37.

3, 4. (a) Tingatevedzera sei mafungiro ehama dzedu dzokuLiberia? (b) Ndivanaani vauri kuronga kukoka kuChirangaridzo?

3 Kurudzira Vamwe Kuti Vaonge Mwari: Gore rapera, 16 760 607 vakapinda Chirangaridzo pasi pose. Mune mumwe musha muLiberia, hama dzakanyorera mukuru weguta tsamba, dzichimuzivisa nezvokuda kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru muguta rake. Mukuru wacho akatendera hama dzacho kushandisa nhandare yebhora pachiitiko chacho uye akaita kuti chiziviso chipiwe munharaunda yacho yose, achikokera vanhu kuti vapinde. Kunyange zvazvo maingova nevaparidzi vashanu chete mumusha wacho, vakapinda Chirangaridzo vaiva 636!

4 Saizvozvowo, tinoda kubatsira vakawanda sezvingabvira kuti vachengete nesu Chirangaridzo. Wadii kunyora vaya vaunoda kukoka? Mienzaniso iri papeji yokupedzisira yeAwake! yaMarch 8 neNharireyomurindi yaMarch 15 ine mashoko okukokera Chirangaridzo. Masiripi okukokera Chirangaridzo akadhindwa anogona kushandiswawo. Taipa kana kuti nyora zvakanaka pasiripi nguva nenzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo uye siyira munhu mumwe nomumwe waunokoka. Sezvo March 24 anosvika, endazve unoyeuchidza mumwe nomumwe uye wopedzisa urongwa hwakaitwa.

5. Tingakurudzira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vapinde?

5 Tingabatsira sei vadzidzi veBhaibheri vasati vava kupinda misangano kuti vabatsirwe zvizere pachiitiko ichi? Pedza maminitsi mashomanana pose pamunenge muchidzidza uchivabatsira kunzwisisa kukosha kwokuchengeta kwacho. Mashoko akanaka chaizvo anogona kuwanikwa muNharireyomurindi yaMarch 15, 2004, pamapeji 3-7, uye mubhuku raKurangarira pamapeji 56-9.

6. Nei zvichikosha kuti tigamuchire vaeni paChirangaridzo?

6 Gamuchira Vaeni: PaChirangaridzo, taura nevaeni uye vagamuchire. (VaR. 12:13) Ronga kuti ugare nevaya vawakakoka, uye iva nechokwadi chokuti vane Bhaibheri nebhuku renziyo. Ndisu tinofanira kutanga kukwazisa chero hama nehanzvadzi dzisingachaiti basa dzaita zvadzinogona kuti dzivepo. Kuvafarira kwedu kworudo kungavabatsira kuti vatangezve kusonganirana neungano. (Ruka 15:3-7) Pachiitiko ichi chitsvene kupfuura zvimwe zvose, ngatiitei zvose zvatinogona kuti tikurudzire vamwe kuti vave pamwe nesu mukuonga Jehovha nokuda ‘kwomutsa wake worudo unoshamisa.’—Pis. 31:21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe