RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/04 p. 1
  • ‘Idai Jehovha, Imi Vatsvene Mose’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Idai Jehovha, Imi Vatsvene Mose’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • “Rambai Muchiita Izvi Muchindiyeuka”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ita Kuti Vamwe Vabatsirwe Norudzikinuro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Rambai Muchiita Izvi”—Chirangaridzo Chichaitwa Musi waApril 5
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 3/04 p. 1

‘Idai Jehovha, Imi Vatsvene Mose’

Rufu rwaJesu Ruchachengetwa Musi waApril 4

1 Makore akapfuura, Ukraine payaiva pasi pechiKomonisiti, zviremera zvainyatsoongorora hama—kunyanya paiswedera zuva roKudya kwaShe Kwemanheru—zvichifunga kuti zvaizowana nzvimbo yaipindirwa misangano. Iri rakanga ragara riri dambudziko, sezvo zviremera zvaiziva nguva yechirangaridzo. Hama dzaizoitei? Imwe hanzvadzi yaiva neimba yaiva nouriri hwepasi hwaizara mvura. Sezvo zviremera zvaisambofungira kuti vanhu vangaungana imomo, hama dzakavaka dara pamusoro pemvura yaipfuura mabvi. Kunyange zvazvo dzaifanira kugara dzakachonjomara padara racho pasi pedenga rakadzikira, hapana akambodzidzongonyedza sezvo ungano yaifara nokuchengeta Chirangaridzo.

2 Kutsunga kwehama dzedu dzokuUkraine kuteerera murayiro wokuchengeta rufu rwaJesu kwaiva kuratidzwa kwakanaka chaizvo kwokuda kwadzo Mwari. (Ruka 22:19; 1 Joh. 5:3) Pose patinotarisana nezvipingamupinyi muupenyu hwedu ngatikurudzirwei nemienzaniso yakadaro totsunga kuti tivepo kuti tichengete Kudya kwaShe Kwemanheru pana April 4. Kana tikadaro, tinoratidza kuti tinofungawo sezvaiita munyori wepisarema uyo akanyora kuti: “Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose.”—Pis. 31:23.

3 Batsira Vamwe Kuti Vawedzere Kuda Mwari: Kuda Mwari kunoita kuti tikoke vamwe kuti vauye kuzochengeta nesu rufu rwaKristu. Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary yakakurudzira mumwe nomumwe wedu kuti anyore vose vaanoda kuzokoka kuti vauye kuChirangaridzo. Uri kukoka vose vawakanyora papepa here? Wana nguva yokuvatsanangurira kukosha kwenguva iyi. Kuvayeuchidza noushamwari zuva nenguva yeChirangaridzo, uye kana zvakakodzera, kuvaudza kuti ungada kuuya kuzovatora zvingavakurudzira kuti vapinde.

4 Pamusangano wacho, edza nepaunogona napo kukwazisa vaya vakakokwa vakauya, uye vaite kuti vanzwe vakasununguka. Ungavabatsira sei kuti vawedzere kuda kwavanoita Jehovha? Iva anoda kupindura mibvunzo yavo. Iva akagadzirira kumuratidza kuti ungada kudzidza naye Bhaibheri kana zvakakodzera. Vakoke kuti vauye kuzopinda misangano yedu yeungano yevhiki nevhiki. Vakuru vangada kunyanyoongorora kana paine vaKristu vasingachaiti basa varipo. Vangaronga kushanyira vakadai vovakurudzira kuti vatangezve basa, zvichida vachivakira pane zvanga zviri muhurukuro yeChirangaridzo.—VaR. 5:6-8.

5 Kudzamisa Kuda Kwatinoita Jehovha: Kufunga nezvechipo chorudzikinuro kunogona kudzamisa kuda kwatinoita Jehovha noMwanakomana wake. (2 VaK. 5:14, 15) Mumwe agara achipinda Chirangaridzo kwenguva refu akati: “Tinotarisira Chirangaridzo. Chinoramba chichiwedzera kuva chakanaka gore rimwe nerimwe. Ndinoyeuka ndimire muimba yemariro makore 20 apfuura, ndakatarira baba vangu vanodiwa uye zvichiita kuti ndinyatsoona kudiwa kworudzikinuro. Izvi zvisati zvaitika yaiva nhau yandaiita zvokungoverenga. Chokwadi, ndaiziva magwaro ose uye matsanangurirwe awo! Asi pandakatarisana norufu chairwoirwo ndipo apo mwoyo wangu wakafarira zvatichaitirwa norudzikinuro runokosha.”—Joh. 5:28, 29.

6 Sezvo zuva reChirangaridzo chegore rino rinosvika, wana nguva yokugadzirira mwoyo wako nguva iyoyo. (2 Mak. 19:3) Fungisisa kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo kwakarongwa mukabhuku kaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2004 uye paKarenda ya2004. Vamwe vanofarira kudzokorora zvitsauko 112–16 zvebhuku raMunhu Mukurusa pavanenge vachidzidza semhuri. Vamwe vanowedzera kutsvakurudza vachishandisa mamwe mabhuku akapiwa neboka romuranda akatendeka nowakangwara. (Mat. 24:45-47) Tose zvedu tinogona kunyengeterera chipo chorudzikinuro nomwoyo wose. (Pis. 50:14, 23) Chokwadi, mumwaka uno weChirangaridzo, ngatirambei tichifunga nezvokutida kwaJehovha uye ngatitsvakei nzira dzokuratidza kumuda kwatinoita.—Mako 12:30; 1 Joh. 4:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe