RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/04 p. 5
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 12/04 p. 5

Bhokisi Remibvunzo

◼ Tinofanira kutarisira sei zvinhu zvatinoshandisa mubasa rouchapupu?

Zvinokosha kuti utange wanyatsotarisa zvinhu zvaunoshandisa usati watanga basa romumunda.

Bhegi rokuuchapupu rakanyatsoshongedzerwa zvakanaka rinofanira kunge riinei? Bhaibheri rinokosha. Isawo zvinyorwa zvepaimba neimba. Iva nechokwadi chokuti une bhuku riri kugoverwa mwedzi wacho. Magazini epanguva yacho, pamwe chete nematurakiti nemabhurocha, zvinodiwawo. Takura bhuku raKurangarira. Kuva noUshumiri Hwedu hwoUmambo hwomwedzi iwoyo kuchakubatsira kutanga wadzokorora mharidzo dzinenge dzataurwa usati waenda pasuo. Kana uchishanda mundima yaungangosangana nevanhu vanotaura mutauro wokumwe, zvingava zvakanaka kuva nekabhuku kaMashoko Akanaka Evanhu Vose. Kuva nerimwe remabhuku edu akagadzirirwa vechiduku kuchakubatsira kuti uve akagadzirira kutaura nevachiri kuyaruka.

Zvose zvaunoshandisa zvinofanira kuva zvakarongeka mubhegi mako. Magazini, mabhurocha, nematurakiti hazvifaniri kunge zvakaunyana kana kubvaruka. Bhegi racho harifaniri haro kuva idzva, asi rinofanira kunge rakachena uye richiratidzika zvakanaka. Bhegi rako rokuuchapupu ndechimwe chezvinhu zvaunoshandisa kuzivisa mashoko akanaka. Ita kuti rirambe richiratidzika zvakanaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe