Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naDecember 27, 2004. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaNovember 1 kusvika kune yaDecember 27, 2004. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Ndeipi imwe yenzira dzakanaka kwazvo yokuita kuti vateereri vafarire zvauri kukurukura? [be-CA p. 218 ndima 3]
2. Taura zvinhu zvishanu zvemashoko okupedzisira anobudirira. [be-CA p. 220 ndima 4–p. 221 ndima 4]
3. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti kutaura kwedu kwakarurama? [be-CA p. 224 bhokisi]
4. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti hurukuro dzedu pamisangano dzinoratidza kuremekedza kukuru basa rinoitwa neungano se“mbiru nechitsigi[r]o chechokwadi”? (1 Tim. 3:15) [be-CA p. 224 ndima 1-4]
5. Kana tikataura zviri kuitika mazuva ano, mashoko anobudiswa, uye zvakaitika, tingashandisa sei Zvirevo 14:15? [be-CA p. 225 ndima 1]
HURUKURO NHA. 1
6. Nguva yokubva paMafashamo kudzokera shure pakusikwa kwaAdhamu ingawanikwa sei? [si-CA p. 286 ndima 12]
7. Musi wokutanga kwoushumiri hwaJesu ungawanikwa sei, uye chikonzero chipi chiripo chokudavira kuti hwaiva makore matatu nehafu chete? [si-CA p. 291 ndima 16]
8. (a) “Murayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusarema” wakabudiswa rini? (b) Kwaizopera makore mangani kubva panguva iyoyo kusvikira paizoonekwa Jesu saMesiya? (Dhan. 9:24-27) [si-CA p. 291 ndima 18-19]
9. Chii chinobatanidzwa mukukumbira ruregerero kwechokwadi kunoguma ‘nokuita rugare nehama yedu’? (Mat. 5:23, 24) [w02-CA 11/1 p. 6 ndima 1, 5]
10. Ko 2 Madzimambo 13:18, 19 inotidzidzisei nezvokuita mabasa atakapiwa naMwari? [w02-CA 12/1 p. 31 ndima 1-2]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Nei vaIsraeri vaigona kupa mueni kana kuti kutengesera munhu wokune imwe nyika mhuka isina kubudiswa ropa yavaisazodya ivo pachavo? (Dheut. 14:21)
12. Tinodzidzei pana Dheuteronomio 20:5-7?
13. Nei kutora “guyo kana huyo, kuti ruve rubatso” kwaifananidzwa nokutora “upenyu hwomunhu”? (Dheut. 24:6)
14. Sezvo vaIsraeri vairambidzwa kudya mafuta chero api zvawo, chii chinorehwa nokudya kwavo “mafuta amakwayana”? (Dheut. 32:13, 14)
15. Muzuva ranhasi, chii chingafanana nenzira yokutadza yaAkani? (Josh. 7:1-26) [w86 12/15 p. 22 ndima 20]