RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/04 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 8
  • Vhiki Inotanga naNovember 15
  • Vhiki Inotanga naNovember 22
  • Vhiki Inotanga naNovember 29
  • Vhiki Inotanga naDecember 6
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 11/04 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 8

Rwiyo 180

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Basa chairo rokuparadzira bhurocha raRambai Makarinda! richapera musi waNovember 14. Mumazuva anenge asara muna November, tichagovera bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Dzokorora kwenguva pfupi mharidzo dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 2004, papeji 3.

15 min: Batsirwa Zvizere noMusangano Webasa. Kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raHushumiri Hwedu, pamapeji 71-2. Musangano Webasa unotibatsira kuti tive vashumiri vechiKristu vari nani munzira dzipi shanu? Taura mienzaniso iri papurogiramu yomwedzi uno. Kufanogadzirira kunobatsirei? Nei tichifanira kuvapo nguva dzose? Muenzaniso upi womuMagwaro unoratidza maitirwo omusangano uyu?

20 min: “Ramba Uine Pfungwa Yokukurumidzira!”a Taurawo mashoko ari muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2000, pamapeji 12-13.

Rwiyo 19 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 15

Rwiyo 170

10 min: Zviziviso zveungano. Kana mazano ari papeji 4 achishanda mundima yeungano yenyu, ashandise kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 1 uye Mukai! yaNovember 8. Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa.

15 min: Unoziva Mufaro Unowanika Mukupa Here? Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaNovember 1, 2004, pamapeji 19-23.

20 min: Ita Kuti Vanhu Vafarire Uchishandisa Bhurocha Idzva. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunofanira kuitiswa nomutariri webasa. Tinofanira kudzokerazve kuti tiite kuti munhu wose akatora bhurocha raRambai Makarinda! afarire. Uchishandisa pakanzi zviri mukati papeji 2, taura kwenguva pfupi nezvebhurocha racho, uchiratidza zvikamu zvipfupi zvakasiyaniswa nezvimwe (zvakanyorwa nemabhii asiri matema-tema pasi pemisoro yakanyorwa nemabhii matema-tema). Patinodzokerazve, mashoko aya anogona kushandiswa pakukurukurirana kupfupi, kune zvakunoreva. Somuenzaniso, kana takaratidza mapeji 3-4 patakatanga kushanya, patinodzokerazve tingashandisa chikamu chakasiyaniswa nezvimwe chakanzi “Mwari Ane Hanya Nesu Zvechokwadi Here?” chiri papeji 5. Kurukura kuti izvozvo zvingaitwa sei. Dzokorora zvimwe zvikamu zvakasiyaniswa nezvimwe, zvakadai sezviya zviri pamapeji 6-8 uye 17-18 kana kuti zvimwe zvakakodzera ndima yenyu. Enzanisira kudzokerazve, uchishandisa chimwe chezvikamu zvakasiyaniswa nezvimwe. Rugwaro rumwe kana kuti akawanda arimo anofanira kuverengwa okurukurwa. Muparidzi anogumisa nokutaura chimwe chikamu chakasiyaniswa nezvimwe chingazokurukurwa paachazoshanyazve.

Rwiyo 66 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 22

Rwiyo 199

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: Kutanga Kudzidza Bhaibheri Nevaya Vakagamuchira Bhurocha Idzva. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunofanira kuitiswa nomutariri webasa. Dzokorora kwenguva pfupi kudzokerazve kwakaenzanisirwa paMusangano Webasa wapfuura, uchinyanya kutaura nezvechikamu chakasiyaniswa nezvimwe chawakataura pawakapedzisira kushanya. Ita kuti vaparidzi vamwe chete ivavo (kana zvichibvira) vashandise mashoko iwayo kuenzanisira kudzokerazve kwavanozoita. Zvadaro muparidzi anoshandisa butiro rokuseri kwebhurocha racho kutaura nezvechidzidzo cheBhaibheri, uye vanoronga kuzodzidza chidzidzo chokutanga chebhurocha raAnodei paanoshanyazve. Kurudzira vose kuti vafunge nezvokutanga kudzidza Bhaibheri nevaya vakagamuchira bhurocha raRambai Makarinda!

Rwiyo 58 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 29

Rwiyo 23

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaNovember. Enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 15 uye Mukai! yaDecember 8.

10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.

25 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 3.”b Shandisa mibvunzo iripo. Pashure pokukurukura ndima 3, iva nomuenzaniso mupfupi wechidzidzo cheBhaibheri pachishandiswa bhurocha raAnodei, chidzidzo 5, ndima 1. Ndima yacho yatoverengwa kare uye mubvunzo wacho watopindurwa. Ari kuitisa wacho nomudzidzi vanoverenga vokurukura Isaya 45:18 uye Muparidzi 1:4. Ari kuitisa wacho anobvunza mibvunzo iri nyore kuti akurudzire mudzidzi kutsanangura kuti rugwaro rumwe norumwe runoenderana sei nepfungwa iri kukurukurwa.

Rwiyo 178 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 6

Rwiyo 96

10 min: Zviziviso zveungano. Taura mabhuku achagoverwa muna December. Enzanisira mharidzo imwe kana kuti mbiri dzingashandiswa pakugovera bhuku raMunhu Mukurusa.

20 min: “Ungabatsira Here?”c Bvunzurudza muparidzi mumwe kana kuti vaviri vakaonga kubatsirwa kana kuti kukurudzirwa kwavakaitwa nevamwe.

15 min: Zvakaitika muungano. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika pavaidzokera kwavakagovera bhurocha raRambai Makarinda! Fanoronga kuti zvakaitika zvinofadza zvienzanisirwe semaitikiro azvakaita. Rumbidza vose pamusana pokutsigira kwavo basa chairo iri.

Rwiyo 101 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe