Ungabatsira Here?
1 Jehovha anogara achitsvaka nzira dzokubatsira nadzo vashumiri vake vakavimbika. (2 Mak. 16:9; Isa. 41:10, 13) Achimufananidza nomufudzi ane hanya, Isaya akanyora kuti: “Uchaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, uchanatsa kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.” (Isa. 40:11) Chimbofunga nezvedzimwe nzira dzatingatevedzera nadzo kuva nehanya kwaJehovha.
2 Batsira Vatsva: Tinogona kubatsira vatsva kana tikavakoka tokurukura zvinhu zvinovaka. (Zvir. 13:20) Ichiyeuka kuti vamwe vakaibatsira sei payakatanga kuwadzana neungano, imwe hama yakati: “Kakawanda, imwe mhuri yaiita kuti ndive pachidzidzo chayo chemhuri. Sezvandaifambira mberi, mamwe mapiyona akaroorana echiduku aigara achindikoka kakawanda kuti tiswere tose muushumiri. Taigara tichikurukura zvinhu zvakanaka kwazvo zvine chokuita nokunamata.” Yakatizve: “Ndisati ndava muKristu, ndaiwanzovhakacha usiku hwomusi weChishanu noMugovera. Asi nguva yandakapedza ndiine hama dzangu yakagutsa chido chandaiva nacho chokushamwaridzana nevamwe.” Kuva nehanya kweungano yacho kwakabatsira hama iyi kuti ive yakasimba uye yakatsiga pakutenda, uye iye zvino iri kushanda senhengo yemhuri yeBheteri.—VaK. 2:6, 7.
3 Vakanai: Hama dzedu padzinoomerwa nezvinhu, tingaona paine mukana wokudzibatsira. Ungaronga kuti iwe nomuparidzi ari ndonda mupupurire norunhare here, kana kuti kumukoka kuti muende mose kune munhu anodzidza Bhaibheri, zvichida kutouya nomudzidzi wacho kumba kwomuparidzi uyu? Mubereki ane vana vaduku angada kubatsirwa here pamunenge muri muushumiri? Pane vanonyara here vangada kubatsirwa newe pamunenge muchidzokerazve kana kuti pamunenge muchiita rumwe rudzi rwoushumiri? Kufarira hama dzedu kuchaita kuti titsvake nzira dzokudzivaka nadzo.—VaR. 14:19.
4 Sezvatinotevedzera kuva nehanya kwaJehovha nevashumiri vake, tinosimbisana, tinobatsira kuita kuti ungano ibatane murudo, uye tinokudza Baba vedu vokudenga.—VaEf. 4:16.