Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna October 1-17: Nharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira, govera bhurocha raAnodei, uchiedza nepaunogona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. October 18–November 14: Basa chairo rokuparadzira bhurocha raRambai Makarinda! November 15-30: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vacho vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Paunenge uchishandisa bhurocha racho, edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. December: Bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1990 asati asvika. Ungano dzisina mabhuku akadaro ekare dzingagovera Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri ya2005” uye inofanira kuchengetwa kuti ishandiswe mugore rose ra2005.
◼ Kana ukapiwa mubhedha kuchipatara, uchida kuti vakuru vomunharaunda iyoyo vakushanyire, uye kana muri mumaguta makuru, uchida kuti vakuru vari muBoka Rokufambira Varwere vave nezita rako, unofanira kuitei? Paunotaura kuti uri Chapupu chaJehovha, unofanirawo kutsanangura kuti unoda kuti mumwe mushumiri weZvapupu zvaJehovha akushanyire.
◼ Kutanga musi waSeptember 1, 2003 kusvikira pakupera kwaJune 2004, Dzimba dzoUmambo itsva 31 dzakavakwa dzikatsaurirwa. Izvi zvinoreva kuti tava nedzimba itsva 309 kubvira pakatanga purogiramu yokuvaka muna April 2000.
◼ MaDVD Matsva Aripo: (dvalt-*) Transfusion Alternatives—Documentary Series muChirungu. DVD iyi ichange ine purogiramu nhatu dzevhidhiyo dzinoti, Transfusion-Alternative Strategies—Simple, Safe, Effective (vcae), Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights (vcnr), uye No Blood—Medicine Meets the Challenge (vcnb). (dvalt-ASL) Munhu Mukurusa Ati Amborarama—Mutauro Wemasaini wokuAmerica
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo: (cdcl-E) Swedera Pedyo naJehovha—Chirungu