Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2005
Mirayiridzo
Muna 2005 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri.
MUNOBVA HURUKURO: Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona [bi53-CA], Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki [bi7-CA], Nharireyomurindi [w-CA], Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri [be-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro (ra1996) [rs-CA].
Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko okugamuchira mobva maenderera mberi sezvinotevera:
UNYANZVI HWOKUTAURA: Maminitsi 5. Mutariri wechikoro, mupi wezano wechipiri, kana kuti mumwe mukuru anokwanisa achakurukura unyanzvi hwokutaura kubva mubhuku reChikoro Choushumiri. (Muungano dzine vakuru vashoma, mushumiri anoshumira anokwanisa angashandiswa.) Kutoti zvaratidzwa, mabhokisi ari pamapeji akaratidzwa anofanira kukurukurwawo. Basa rokuita rinofanira kusiyiwa. Irori nderokuti munhu aite oga uye rinogona kushandiswa pakupa zano pasiri paruzhinji.
HURUKURO NHA. 1: Maminitsi 10. Iyi inofanira kupiwa nomukuru anonyatsokwanisa kana mushumiri anoshumira, uye ichabva muNharireyomurindi, mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, kana kuti ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Inokurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi gumi pasina mibvunzo yokudzokorora. Chinangwa chacho hachisi chokungotaura mashoko acho ose asi kuisa pfungwa pakubatsira kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichabatsira ungano zvikuru. Musoro wakaratidzwa unofanira kushandiswa. Zvinotarisirwa kuti hama dzinopiwa hurukuro iyi dzichangwarira kuchengeta nguva. Zano risiri reparuzhinji ringapiwa kana zvakakodzera.
PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 10. Kwemaminitsi matanhatu okutanga, mukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa anofanira kunyatsoshandisa mashoko acho kuzvinodiwa muungano. Angataura chero pachikamu chipi nechipi chakapiwa mukuverenga Bhaibheri kwevhiki yacho. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yendima dzinofanira kuverengwa. Chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha. Mukurukuri anofanira kungwarira kusapfuudza maminitsi matanhatu echikamu chokutanga. Anofanira kuva nechokwadi chokuti maminitsi mana anosiyirwa vateereri kuti vataurewo. Vateereri vanofanira kukumbirwa kuti vataure mashoko mashoma (masekondi 30 kana kuti asingasviki) pamusoro pepfungwa dzakavanakidza pakuverenga Bhaibheri uye zvadzinobatsira. Ipapo mutariri wechikoro achakumbira vadzidzi vanofanira kuenda kumamwe makirasi kuti vabude.
HURUKURO NHA. 2: Maminitsi 4. Uku kuverenga kunoitwa nehama. Kakawanda kuverenga kwacho kuchabva muBhaibheri. Kamwe pamwedzi hurukuro iyi ichabva muNharireyomurindi. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga mashoko akapiwa asingapi sumo kana mhedziso. Vhiki imwe neimwe, kuwanda kwemashoko anoverengwa kuchati siyanei asi inofanira kuita maminitsi mana kana mashoma. Mutariri wechikoro anofanira kutanga atarira mashoko acho asati apa hurukuro dzacho, oita kuti dzienderane nezera uye mano zvevadzidzi. Mutariri wechikoro achafarira zvikuru kubatsira vadzidzi kunzwisisa zvavanoverenga, kutsetsenura, kusimbisa pfungwa kwakakodzera, kusiyanisa inzwi, kumbomira kwakakodzera, uye kuva akasununguka.
HURUKURO NHA. 3: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vachapiwa marongero avangaita kana kuti vachasarudza kubva pane ari papeji 82 yebhuku reChikoro Choushumiri. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakapiwa oushandisa zvinokodzera basa romumunda zvakakodzera ndima yeungano yenyu. Kana panobva mashoko ehurukuro yacho pasina kuratidzwa, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku anopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Vadzidzi vatsva vanofanira kupiwa hurukuro dzakaratidzwa panobva mashoko acho. Mutariri wechikoro achanyanyofarira nzira iyo mudzidzi anokurukura nayo mashoko acho uye nzira yaanobatsira nayo saimba kufunga zviri muMagwaro uye kunzwisisa pfungwa huru dzehurukuro yacho. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vanofanira kugona kuverenga. Mutariri wechikoro acharonga mubatsiri mumwe chete.
HURUKURO NHA. 4: Maminitsi 5. Mudzidzi anofanira kukurukura musoro wakapiwa. Kana panobva mashoko ehurukuro yacho pasina kuratidzwa, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku anopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Painopiwa hama, inotaurwa sehurukuro pachifungwa nezvevateereri vari muImba yoUmambo. Apo hanzvadzi inopiwa hurukuro iyi, nguva dzose inofanira kukurukurwa sezvakarongwa paHurukuro Nha. 3. Mutariri wechikoro angapa hama Hurukuro Nha. 4 pose paanoona kuti zvakakodzera kuita kudaro. Tapota onai kuti misoro ine tunyeredzi nguva dzose inofanira kupiwa hama kuti dzikurukure sehurukuro.
NGUVA: Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva, ndizvozvowo nemashoko omupi wezano. Hurukuro Nha. 2 kusvika ku4 dzinofanira kumiswa nokungwarira kana nguva yakwana. Kana hama dzinopa hurukuro yokutanga younyanzvi hwokutaura, Hurukuro Nhamba 1, kana kuti pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri dzikapfuudza nguva, dzinofanira kupiwa zano pasiri paruzhinji. Vose vanofanira kungwarira nguva yavo. Purogiramu yose: Maminitsi 45, tisingatauri nguva yorwiyo nomunyengetero.
ZANO: Miniti imwe. Kana mudzidzi mumwe nomumwe apedza kupa hurukuro, mutariri wechikoro haafaniri kupfuudza miniti imwe achitaura zvakanaka zvaaona pahurukuro yanga yakanaka. Chinangwa chake hachisi chokungoti “maita zvakanaka,” asi ndechokuonesa zvikonzero chaizvo nei makurukurire acho anga achibatsira. Maererano nezvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe, zano rokuwedzera rinovaka ringapiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva.
MUPI WEZANO WECHIPIRI: Dare revakuru ringasarudza mukuru ane unyanzvi, kana paine aripo kuwedzera kumutariri wechikoro, kuti ashande somupi wezano wechipiri. Kana muungano muine vakuru vakawanda, ipapo vakuru vanokwanisa vakasiyana vangachinjana kuita basa iri gore rimwe nerimwe. Basa rake richava rokupa zano pasiri paruzhinji kuhama dzinopa Hurukuro Nha. 1 uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri, kana richidiwa. Hazvirevi kuti anofanira kupa zano vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira pashure pokupa imwe neimwe yehurukuro idzodzo. Urongwa uhwu hucharamba huchishanda muna 2005 uye hungagadziridzwa gare gare.
FOMU ROUNYANZVI HWOKUTAURA: Riri mubhuku.
KUDZOKORORA: Maminitsi 30. Mwedzi miviri yoga yoga, mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora vateereri vachipindura. Kuchatangirwa nokukurukurwa kwounyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri sezviri pamusoro. Kudzokorora kwacho kuchabva mune zvinenge zvadzidzwa muchikoro mumwedzi miviri yadarika, kusanganisira zvevhiki iyoyo. Kana ungano yenyu iine gungano redunhu kana kuti mutariri wedunhu vhiki yokudzokorora, ipapo teverai mirayiridzo yakarongwa iri muUshumiri Hwedu Hwoumambo, hwaDecember 2003, papeji 6.
PUROGIRAMU
Jan. 3 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 16-20 Rwiyo 6
Unyanzvi Hwokutaura: Zvinonzwisiswa Nevamwe (be-CA p. 226 ¶1–p. 227 ¶1)
Nha. 1: Itya Mwari Wechokwadi (be-CA p. 272 ¶1–p. 273 ¶1)
Nha. 2: Joshua 16:1–17:4
Nha. 3: Nei Kungoverenga Bhaibheri Kusina Kukwana (rs-CA p. 315 ¶3–p. 316 ¶1)
Nha. 4: Kuva Mupfumi Kana Murombo Chiratidzo Chokuti Unotya Mwari Zvechokwadi Here Nhasi?
Jan. 10 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 21-24 Rwiyo 100
Unyanzvi Hwokutaura: Kutsanangura Mashoko Asina Kujairwa (be-CA p. 227 ¶2–p. 228 ¶1)
Nha. 1: Kuzivisa Zita raMwari (be-CA p. 273 ¶2–p. 274 ¶1)
Nha. 2: Joshua 23:1-13
Nha. 3: Chitendero Chechokwadi Chakavakirwa paBhaibheri uye Chinozivisa Zita raMwari (rs-CA p. 316 ¶2-3)
Nha. 4: Zvakakodzera Here Kunamata Jesu?
Jan. 17 Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 1-4 Rwiyo 97
Unyanzvi Hwokutaura: Kupa Tsananguro Inodiwa (be-CA p. 228 ¶2-3)
Nha. 1: Munhu Anoziviswa Nezita Racho (be-CA p. 274 ¶2-5)
Nha. 2: Vatongi 2:1-10
Nha. 3: Chitendero Chechokwadi Chinoratidza Kutenda Kwechokwadi Muna Jesu Kristu (rs-CA p. 316 ¶4)
Nha. 4: Ungazvidzivirira Sei Pamavhidhiyo Emimhanzi Anokuvadza?
Jan. 24 Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 5-7 Rwiyo 47
Unyanzvi Hwokutaura: Kubatanidzwa Kunoitwa Mwoyo (be-CA p. 228 ¶4-5)
Nha. 1: Zita raMwari—“Nhare Yakasimba” (be-CA p. 274 ¶6–p. 275 musoro muduku)
Nha. 2: Vatongi 6:25-35
Nha. 3: Bhaibheri Rinofanira Kuitei Parusununguko Rwedu Rwokusarudza?
Nha. 4: Chitendero Chechokwadi Hachisi Tsika asi Mararamiro (rs-CA p. 316 ¶5)
Jan. 31 Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 8-10 Rwiyo 174
Unyanzvi Hwokutaura: Inodzidzisa Vateereri Vako (be-CA p. 230 ¶1-6)
Nha. 1: Kupupurira Jesu (be-CA p. 275 musoro muduku–p. 276 ¶1)
Nha. 2: w03-CA 1/15 map. 19-20 ¶16-18
Nha. 3: Nhengo Dzechitendero Chechokwadi Dzinodanana uye Dzinoramba Dzakaparadzana Nenyika (rs-CA p. 317 ¶1-2)
Nha. 4: Kunyanya Kuda Zvinhu Zvokunyama Hakungorevi Chete Kuunganidza Pfuma
Feb. 7 Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 11-14 Rwiyo 209
Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Kuti Hurukuro Idzidzise Nokutsvakurudza (be-CA p. 231 ¶1-3)
Nha. 1: Kusimbisa Basa raJesu Somudzikinuri (be-CA p. 276 ¶2-3)
Nha. 2: Vatongi 12:1-15
Nha. 3: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvakabatana
Nha. 4: Nhengo Dzechitendero Chechokwadi Zvapupu Zvinoshingairira Umambo hwaMwari (rs-CA p. 317 ¶3)
Feb. 14 Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 15-18 Rwiyo 105
Unyanzvi Hwokutaura: Kutsanangura Magwaro (be-CA p. 231 ¶4-5)
Nha. 1: Kusimbisa Basa raJesu soMupristi Mukuru uye Musoro Weungano (be-CA p. 277 ¶1-2)
Nha. 2: Vatongi 15:9-20
Nha. 3: aKana Mumwe Munhu Akati, ‘Chero Bedzi Uchidavira Muna Jesu, Chechi Yaunopinda Haina Basa’ (rs-CA p. 319 ¶3)
Nha. 4: Nei Kurarisa Munhu Asi Achikwanisa Kuona Kana Kunzwa Kusina Kukodzera VaKristu
Feb. 21 Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 19-21 Rwiyo 53
Unyanzvi Hwokutaura: Kutsanangura Zvinoreva Mashoko (be-CA p. 232 ¶1)
Nha. 1: Kusimbisa Basa raJesu saMambo Anotonga (be-CA p. 277 ¶3-4)
Nha. 2: w03-CA 2/1 map. 17-18 ¶18-21
Nha. 3: bKana Mumwe Munhu Akati, ‘Chii Chinoita Kuti Mufunge Kuti Kunongova Nechitendero Chimwe Chechokwadi?’ (rs-CA p. 320 ¶1)
Nha. 4: Ndezvipi Zvimwe “Zvinhu Zvakadzika zvaMwari”? (1 VaK. 2:10)
Feb. 28 Kuverenga Bhaibheri: Rute 1-4 Rwiyo 120
Unyanzvi Hwokutaura: Kutsanangura Magwaro (be-CA p. 232 ¶2-4)
Kudzokorora
Mar. 7 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 1-4 Rwiyo 221
Unyanzvi Hwokutaura: Kusarudza Mashoko Achabatsira Vateereri Vako (be-CA p. 232 ¶5–p. 233 ¶4)
Nha. 1: Kuisa Kristu Senheyo (be-CA p. 278 ¶1-4)
Nha. 2: 1 Samueri 2:1-11
Nha. 3: Jesu Haana Kuenda Kudenga Nomuviri Wenyama (rs-CA p. 334 ¶2-4)
Nha. 4: Nei vaKristu Vechokwadi Vasingashandisi Ruzivo Rwenyeredzi Kuziva Zvichaitika Kwavari
Mar. 14 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 5-9 Rwiyo 151
Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mashoko Akapiwa (be-CA p. 234 ¶1–p. 235 ¶3)
Nha. 1: Aya Mashoko Akanaka oUmambo (be-CA p. 279 ¶1-4)
Nha. 2: 1 Samueri 5:1-12
Nha. 3: Nei Jesu Aioneka Mumiviri Yenyama (rs-CA p. 334 ¶5–p. 335 ¶3)
Nha. 4: Kusimbisa Kwatingaita Ukama Hwedu naJehovha
Mar. 21 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 10-13 Rwiyo 166
Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira (be-CA p. 236 ¶1-5)
Nha. 1: Kutsanangura Kuti Umambo Chii (be-CA p. 280 ¶1-5)
Nha. 2: 1 Samueri 10:1-12
Nha. 3: VaKristu Vanofanira Kubata Sei Vadiwa Vavo Vasiri Zvapupu?
Nha. 4: Vaya Vachamutswa Kuti Vagotonga naKristu Vachafanana Naye (rs-CA p. 335 ¶5–p. 336 ¶4)
Mar. 28 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 14-15 Rwiyo 172
Unyanzvi Hwokutaura: Mibvunzo Yokusuma Pfungwa Dzinokosha (be-CA p. 237 ¶1-2)
Nha. 1: Kutsanangura Kuti Umambo Hunei Chokuita Nesu (be-CA p. 281 ¶1-4)
Nha. 2: w03-CA 3/15 map. 19-20 ¶17-21
Nha. 3: Nei VaKristu Vachibhadhara Mitero Yavo
Nha. 4: Zvicharehwa Norumuko Rwevanhu Vose Zvavo (rs-CA p. 336 ¶5–p. 337 ¶3)
Apr. 4 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 16-18 Rwiyo 27
Unyanzvi Hwokutaura: Mibvunzo Yechikonzero Chiri Panyaya Yacho (be-CA p. 237 ¶3–p. 238 ¶2)
Nha. 1: Nei Dzidzo Ichikosha kuvaKristu (w03-CA 3/15 p. 10 ¶1–p. 11 ¶5)
Nha. 2: 1 Samueri 17:41-51
Nha. 3: Nei Vaya Vachamutswa Vasingazotongerwi Zvavakaita Munguva Yakapfuura (rs-CA p. 338 ¶2)
Nha. 4: Kufungisisa Zvinozoguma Zvaitika Kunogona Kutibatsira Kuda Zvakanaka Tovenga Zvakaipa
Apr. 11 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 19-22 Rwiyo 73
Unyanzvi Hwokutaura: Mibvunzo Yokubudisa Zviri Mukati (be-CA p. 238 ¶4-6)
Nha. 1: Kufambira Mberi Kungaita Vechiduku Mune Zvokunamata (w03-CA 4/1 map. 8-10)
Nha. 2: 1 Samueri 20:24-34
Nha. 3: Nei Kuva Nomwero Kwechokwadi Kuri Unhu Hunokwezva
Nha. 4: “Vamwe Vose Vakafa” Vanova Sei Vapenyu Pasi Pano (rs-CA p. 338 ¶3–p. 339 ¶2)
Apr. 18 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 23-25 Rwiyo 61
Unyanzvi Hwokutaura: Mibvunzo Yokuwedzera Kusimbisa (be-CA p. 239 ¶1-2)
Nha. 1: Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose (w03-CA 11/1 map. 4-7)
Nha. 2: w03-CA 5/1 p. 17 ¶11-14
Nha. 3: Vaya Vanobatanidzwa Murumuko Rwepasi Pano (rs-CA p. 339 ¶3–p. 340 ¶3)
Nha. 4: Nei Pakava Nesungano Yakaitwa naAbrahamu
Apr. 25 Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 26-31 Rwiyo 217
Unyanzvi Hwokutaura: Mibvunzo Yokufumura Kufunga Kusiri Iko (be-CA p. 239 ¶3-5)
Kudzokorora
May 2 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 1-3 Rwiyo 91
Unyanzvi Hwokutaura: Fananidzo uye Enzaniso Dzinodzidzisa (be-CA p. 240 ¶1–p. 241 ¶1)
Nha. 1: Dzidzo Haisi Yokuti Ungowana Basa (w03-CA 3/15 p. 11 ¶6–p. 14 ¶4)
Nha. 2: 2 Samueri 2:1-11
Nha. 3: Zviitiko Zvine Chokuita Nokuvapo kwaKristu Zvinoitika Kwemakore Akawanda (rs-CA p. 117 ¶1–p. 118 ¶1)
Nha. 4: Zvikomborero Zvizhinji Zvokuva Akatendeseka
May 9 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 4-8 Rwiyo 183
Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mienzaniso (be-CA p. 241 ¶2-4)
Nha. 1: Jehovha Anofarira Vechiduku Zvechokwadi (w03-CA 4/15 p. 29 ¶3–p. 31 ¶3)
Nha. 2: 2 Samueri 5:1-12
Nha. 3: Sungano yoMutemo Yakaitei?
Nha. 4: Kudzoka kwaKristu Hakuonekwi (rs-CA p. 118 ¶2-4)
May 16 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 9-12 Rwiyo 66
Unyanzvi Hwokutaura: Mienzaniso iri muMagwaro (be-CA p. 242 ¶1-2)
Nha. 1: Jehovha Anoona Zvaunoita Here? (w03-CA 5/1 map. 28-31)
Nha. 2: 2 Samueri 9:1-13
Nha. 3: Kudzoka Kuchaita Jesu uye Kuonekwa Kwaachaitwa Nemaziso Ose (rs-CA p. 119 ¶1–p. 120 ¶3)
Nha. 4: Shoko raMwari Ibenyu Munzira Dzipi? (VaH. 4:12)
May 23 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 13-15 Rwiyo 103
Unyanzvi Hwokutaura: Zvichanzwisiswa Here? (be-CA p. 242 ¶3–p. 243 ¶1)
Nha. 1: Nhoroondo yaNoa—Ine Zvainoreva Kwatiri Here? (w03-CA 5/15 map. 4-7)
Nha. 2: 2 Samueri 13:10-22
Nha. 3: Tinofanira Kunzwisisa Sei Johani 11:25, 26?
Nha. 4: Zviitiko Zvine Chokuita Nokuvapo kwaKristu (rs-CA p. 120 ¶4–p. 121 ¶3)
May 30 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 16-18 Rwiyo 132
Unyanzvi Hwokutaura: Mifananidzo Inobva Muzvinhu Zvinozivikanwa (be-CA p. 244 ¶1-2)
Nha. 1: Funga Zvakanaka uye Ita Nokuchenjera (w03-CA 7/15 map. 21-3)
Nha. 2: w03-CA 5/15 map. 16-17 ¶8-11
Nha. 3: VaKristu Havatarisirwi Kuti Vachengete Sabata (rs-CA p. 345 ¶3–p. 346 ¶4)
Nha. 4: Nei Kuzvininipisa Kusiri Kukanganisa
June 6 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 19-21 Rwiyo 224
Unyanzvi Hwokutaura: Mifananidzo Yakakodzera Vateereri Vako (be-CA p. 244 ¶3–p. 245 ¶4)
Nha. 1: Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira (w03-CA 10/1 p. 20 ¶1–p. 21 ¶5)
Nha. 2: 2 Samueri 19:1-10
Nha. 3: MuKristu Angapinda Sei Muzororo raMwari?
Nha. 4: Hapana Chinyorwa cheBhaibheri Chokuti Adhamu Akachengeta Zuva reSabata (rs-CA p. 347 ¶1-3)
June 13 Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 22-24 Rwiyo 74
Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Zvinobudirira Zvinhu Zvinooneka (be-CA p. 247 ¶1-2)
Nha. 1: Iva Anodzidzisika uye Ngwarira Rurimi Rwako (w03-CA 9/15 p. 21 ¶1–p. 22 ¶4)
Nha. 2: 2 Samueri 24:10-17
Nha. 3: Jesu Haana Kukamura Mutemo waMosesi Kuti Mumwe Uve “Wetsika” uye Mumwe “Wokuzvibata” (rs-CA p. 348 ¶1-2)
Nha. 4: MuKristu Anofanira Kunge Akaparadzana Nenyika Munzira Dzipi?
June 20 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 1-2 Rwiyo 2
Unyanzvi Hwokutaura: Mashandisiro Akaita Jesu Zvinhu Zvinooneka (be-CA p. 247 ¶3)
Nha. 1: Kudzidza Nzira Yokugutsikana (w03-CA 6/1 map. 8-11)
Nha. 2: w03-CA 6/1 map. 12-13 ¶1-4
Nha. 3: Chii Chainyanya Kukosha Pamusoro poMurayiro Wechigumi?
Nha. 4: Mirayiro Gumi Yakaguma noMutemo waMosesi (rs-CA p. 348 ¶3–349 ¶1)
June 27 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 3-6 Rwiyo 167
Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Dzokushandisa Zvinhu Zvinooneka (be-CA p. 248 ¶1-3)
Kudzokorora
July 4 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 7-8 Rwiyo 194
Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mepu, Purogiramu Dzakadhindwa Dzemagungano, uye Mavhidhiyo (be-CA p. 248 ¶4–p. 249 ¶2)
Nha. 1: Koshesa Hama dzechiKristu Dzakwegura (w03-CA 9/1 map. 30-1)
Nha. 2: 1 Madzimambo 8:1-13
Nha. 3: Jesu Akakunda Nyika Sei?
Nha. 4: Nei Tsika Dzokuzvibata Dzisina Kubviswa Pakaguma Mirayiro Gumi (rs-CA p. 349 ¶2-3)
July 11 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 9-11 Rwiyo 191
Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Zvinhu Zvinooneka Paboka Guru (be-CA p. 249 ¶3–p. 250 ¶1)
Nha. 1: Uchapupu Hwokuti Jesu Kristu Akafamba Pasi Pano (w03-CA 6/15 map. 4-7)
Nha. 2: 1 Madzimambo 9:1-9
Nha. 3: Zvinoreva Sabata kuvaKristu (rs-CA p. 350 ¶1–p. 351 ¶1)
Nha. 4: Kupindwa Muropa Nezvinodhaka Kungakurirwa Nokutevera Zviri muBhaibheri
July 18 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 12-14 Rwiyo 162
Unyanzvi Hwokutaura: Nei Nzira Yokukurukura Nomunhu Uchiita Kuti Afunge Ichikosha (be-CA p. 251 ¶1-3)
Nha. 1: Kubva Mupfungwa, Zviito uye Zvinozoitika (w03-CA 1/15 p. 30 ¶1-3)
Nha. 2: 1 Madzimambo 12:1-11
Nha. 3: Kubatsirwa Kwatingaitwa Nokutenda Kuti Tikurire Miedzo
Nha. 4: Vanotaurwa neBhaibheri seVasande (rs-CA p. 421 ¶1-3)
July 25 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 15-17 Rwiyo 158
Unyanzvi Hwokutaura: Pokutangira (be-CA p. 251 ¶4–p. 252 ¶3)
Nha. 1: ‘Manzwisisiro Atingaita Zvinodiwa naJehovha’ (w03-CA 12/1 p. 21 ¶3–p. 23 ¶2)
Nha. 2: w03-CA 7/15 p. 19 ¶15-17
Nha. 3: Nei Tisinganyengeteri ku“Vasande” (rs-CA p. 421 ¶4–422 ¶2)
Nha. 4: Mudzimu Mutsvene Unonyaradza Sei vaKristu?
Aug. 1 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 18-20 Rwiyo 207
Unyanzvi Hwokutaura: Nguva Yokusapikisa (be-CA p. 252 ¶4–p. 253 ¶1)
Nha. 1: Pwere, Fambai Zvakafanira Jehovha (w03-CA 10/15 p. 23 ¶1–p. 24 ¶1)
Nha. 2: 1 Madzimambo 18:1-15
Nha. 3: VaKristu Vose Vanogona Kubereka Zvibereko Zvakawanda
Nha. 4: Chokwadi Pamusoro Pokunamata Zvinhu uye Zvifananidzo zve“Vasande” (rs-CA p. 422 ¶3–p. 423 ¶4)
Aug. 8 Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 21-22 Rwiyo 92
Unyanzvi Hwokutaura: Kubvunza Mibvunzo uye Kupa Zvikonzero (be-CA p. 253 ¶2–p. 254 ¶2)
Nha. 1: Chinopedza Urombo Zvachose (w03-CA 8/1 map. 4-7)
Nha. 2: 1 Madzimambo 21:15-26
Nha. 3: Vasande vechiKristu Vechokwadi Vanoitawo Chivi (rs-CA p. 424 ¶1)
Nha. 4: Nei Tichifanira Kuva Noushingi, uye Tingahukudziridza Sei?
Aug. 15 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 1-4 Rwiyo 16
Unyanzvi Hwokutaura: Zvikonzero Zvinogutsa Zvinobva paShoko raMwari Chete Chete (be-CA p. 255 ¶1–p. 256 ¶2)
Nha. 1: Makagamuchira Pachena, Ipai Pachena (w03-CA 8/1 map. 20-2)
Nha. 2: 2 Madzimambo 3:1-12
Nha. 3: Nei Vanhu Vaivapo Mafashamo Asati Aitika Vairarama Kwenguva Yakareba?
Nha. 4: Ruponeso Rwenyika Yose Harusi rwepaMagwaro (rs-CA p. 341 ¶1)
Aug. 22 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 5-8 Rwiyo 193
Unyanzvi Hwokutaura: Tsigira Zvikonzero Nouchapupu Hwokuwedzera (be-CA p. 256 ¶3-5)
Nha. 1: Kudzidza Unyanzvi Hwokuva Anongwarira (w03-CA 8/1 map. 29-31)
Nha. 2: w03-CA 8/1 p. 19 ¶18-22
Nha. 3: Vanhu Vose Pakupedzisira Vachaponeswa Here? (rs-CA p. 341 ¶2)
Nha. 4: Unhu Hupi hwaJona Hwakanaka Hwatinofanira Kutevedzera?
Aug. 29 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 9-11 Rwiyo 129
Unyanzvi Hwokutaura: Kupa Uchapupu Hwakakwana (be-CA p. 257 ¶1-4)
Kudzokorora
Sept. 5 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 12-15 Rwiyo 175
Unyanzvi Hwokutaura: Kushingairira Kusvika Pamwoyo (be-CA p. 258 ¶1-5)
Nha. 1: Uri Kutsvaka Jehovha Nomwoyo Wose Here? (w03-CA 8/15 map. 25-8)
Nha. 2: 2 Madzimambo 12:1-12
Nha. 3: Nei Tichifanira Kutsvaka Unyoro?
Nha. 4: “Marudzi Ose Evanhu” Achaponeswa (rs-CA p. 341 ¶3)
Sept. 12 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 16-18 Rwiyo 203
Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Kuti Vanhu Vabudise Zviri Mumwoyo Yavo (be-CA p. 259 ¶1-3)
Nha. 1: Vanhu Vaiyeukei Pamusoro paJesu? (w03-CA 8/15 p. 6 ¶6–p. 8 ¶6)
Nha. 2: 2 Madzimambo 16:10-20
Nha. 3: Bhaibheri Rinoti Vamwe Havazomboponeswi (rs-CA p. 342 ¶1-3)
Nha. 4: Tingava Sei Nechokwadi Chezvinhu Zvinogamuchirika kunaShe?
Sept. 19 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 19-22 Rwiyo 89
Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Kuti Vanzwe Kuti Vari Kubatsirwa (be-CA p. 259 ¶4–p. 260 ¶1)
Nha. 1: “Ramba Wakabata Muenzaniso Wemashoko Anopa Utano” (w03-CA 1/1 p. 29 ¶3–p. 30 ¶4)
Nha. 2: 2 Madzimambo 19:20-28
Nha. 3: Kana Munhu Aponeswa Hazvirevi Kuti Aponeswa Zvachose (rs-CA p. 342 ¶4–p. 343 ¶2)
Nha. 4: Tingadzidzei Kuhama Dzedu dzechiKristu dzokuSimina Yekare?
Sept. 26 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 23-25 Rwiyo 84
Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Vamwe Kuti Vatye Mwari (be-CA p. 260 ¶2-3)
Nha. 1: Bhaibheri Nemabhuku Aro Matsvene—Chikamu 1 (si-CA p. 299 ¶1–p. 300 ¶6)
Nha. 2: w03-CA 8/15 p. 20 ¶6-10
Nha. 3: Tine Tariro Pamusoro Peramangwana
Nha. 4: Nei Kutenda Kuchifanira Kuva Nemabasa (rs-CA p. 343 ¶3–p. 344 ¶1)
Oct. 3 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 1-4 Rwiyo 51
Unyanzvi Hwokutaura: Mufambiro Wedu Unokosha Kuna Mwari (be-CA p. 260 ¶4-5)
Nha. 1: Bhaibheri Nemabhuku Aro Matsvene—Chikamu 2 (si-CA map. 300-2 ¶7-16)
Nha. 2: 1 Makoronike 4:24-43
Nha. 3: Maziviro Atingaita Kuti Dhiyabhorosi Ariko Chaizvoizvo (rs-CA p. 357 ¶1-4)
Nha. 4: Jehovha Anotida Somunhu Mumwe Nomumwe
Oct. 10 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 5-7 Rwiyo 195
Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Vamwe Kuzviongorora (be-CA p. 261 ¶1-3)
Nha. 1: Bhaibheri Nemabhuku Aro Matsvene—Chikamu 3 (si-CA map. 302-5 ¶17-26)
Nha. 2: 1 Makoronike 5:18-26
Nha. 3: Zvatinoziva nezve“Zuva raJehovha”
Nha. 4: Satani Haasingori Ushati Huri Muvanhu (rs-CA p. 358 ¶1-3)
Oct. 17 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 8-11 Rwiyo 201
Unyanzvi Hwokutaura: Kutsigira Kuteerera Zvichibva Pamwoyo (be-CA p. 261 ¶4–p. 262 ¶2)
Nha. 1: Rugwaro rwechiHebheru rweMagwaro Matsvene—Chikamu 1 (si-CA map. 305-6 ¶1-5)
Nha. 2: 1 Makoronike 10:1-14
Nha. 3: Mwari Haana Kusika Dhiyabhorosi (rs-CA p. 358 ¶4)
Nha. 4: Tinofanira Kuchenjerera Vanaani?
Oct. 24 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 12-15 Rwiyo 80
Unyanzvi Hwokutaura: Kushanda Pamwe naJehovha Pakusvika Pamwoyo Yevanhu (be-CA p. 262 ¶3)
Nha. 1: Rugwaro rwechiHebheru rweMagwaro Matsvene—Chikamu 2 (si-CA map. 306-7 ¶6-9)
Nha. 2: w03-CA 11/1 map. 10-11 ¶10-13
Nha. 3: Zvazvinoreva Chaizvoizvo Kufamba Muzita raJehovha
Nha. 4: Chakaita Kuti Mwari Asaparadza Satani Pakarepo Pashure Pokunge Apanduka (rs-CA p. 359 ¶1-2)
Oct. 31 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 16-20 Rwiyo 129
Unyanzvi Hwokutaura: Kugona Kuchengeta Nguva Zvakanaka (be-CA p. 263 ¶1–p. 264 ¶4)
Kudzokorora
Nov. 7 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 21-25 Rwiyo 215
Unyanzvi Hwokutaura: Kukurudzira Zvinobudirira (be-CA p. 265 ¶1-3)
Nha. 1: Rugwaro rwechiHebheru rweMagwaro Matsvene—Chikamu 3 (si-CA map. 307-10 ¶10-16)
Nha. 2: 1 Makoronike 22:1-10
Nha. 3: Usarerutsa Simba raDhiyabhorosi (rs-CA p. 360 ¶1-3)
Nha. 4: cNzira Inogona Kusimbiswa Nayo Imba
Nov. 14 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 26-29 Rwiyo 35
Unyanzvi Hwokutaura: Kukurudzira Nokuti Une Rudo (be-CA p. 266 ¶1-4)
Nha. 1: Rugwaro rwechiHebheru rweMagwaro Matsvene—Chikamu 4 (si-CA map. 310-12 ¶17-25)
Nha. 2: 1 Makoronike 29:1-9
Nha. 3: Nei Vashumiri vaJehovha Vachitambudzwa
Nha. 4: Kusunungurwa Pasimba raSatani Rakaipa Kwava Pedyo (rs-CA p. 361 ¶1–p. 362 ¶1)
Nov. 21 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 1-5 Rwiyo 46
Unyanzvi Hwokutaura: Kukurudzira Kunobva muMagwaro (be-CA p. 266 ¶5–267 ¶1)
Nha. 1: Rugwaro rwechiHebheru rweMagwaro Matsvene—Chikamu 5 (si-CA map. 312-14 ¶26-31)
Nha. 2: 2 Makoronike 2:1-10
Nha. 3: Nzwisisa Chinangwa Chechirango
Nha. 4: dKusangana Pabonde Kwose Kwakaipa Here? (rs-CA p. 243 ¶3–p. 244 ¶2)
Nov. 28 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 6-9 Rwiyo 106
Unyanzvi Hwokutaura: Kuva ‘Norusunguko Rwokutaura’ (be-CA p. 267 ¶2-3)
Nha. 1: Magwaro echiKristu echiGiriki eMagwaro Matsvene—Chikamu 1 (si-CA map. 315-16 ¶1-7)
Nha. 2: w03-CA 12/1 map. 15-16 ¶3-6
Nha. 3: Nzira Yatinoratidza Nayo Kuti Tinofarira Jehovha Kwazvo
Nha. 4: eZvinotaura Bhaibheri Pamusoro Poungochani (rs-CA p. 245 ¶2-4)
Dec. 5 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 10-14 Rwiyo 116
Unyanzvi Hwokutaura: Nei Zvichikosha Kuva Anokurudzira (be-CA p. 268 ¶1-3)
Nha. 1: Magwaro echiKristu echiGiriki eMagwaro Matsvene—Chikamu 2 (si-CA map. 316-17 ¶8-16)
Nha. 2: 2 Makoronike 12:1-12
Nha. 3: Nei Tichida Mutsa Usina Kufanirwa waMwari
Nha. 4: Kuchinja Kunofanira Kuitwa Kuti Tifadze Mwari (rs-CA p. 245 ¶5–p. 246 ¶1)
Dec. 12 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 15-19 Rwiyo 182
Unyanzvi Hwokutaura: Kuvayeuchidza Zvakaitwa naJehovha (be-CA p. 268 ¶4–p. 269 ¶2)
Nha. 1: Magwaro echiKristu echiGiriki eMagwaro Matsvene—Chikamu 3 (si-CA map. 317-19 ¶17-25)
Nha. 2: 2 Makoronike 19:1-11
Nha. 3: Nei Munhu Akakwana Aigona Kuita Chivi (rs-CA p. 64 ¶2–p. 65 ¶3)
Nha. 4: Zvatingadzidza Kumhuri yaJesu
Dec. 19 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 20-24 Rwiyo 186
Unyanzvi Hwokutaura: Kuratidza Kuti Jehovha Akabatsira Sei Vanhu Vake (be-CA p. 269 ¶3-5)
Nha. 1: Magwaro echiKristu echiGiriki eMagwaro Matsvene—Chikamu 4 (si-CA map. 319-20 ¶26-32)
Nha. 2: w03-CA 12/15 map. 16-17 ¶13-15
Nha. 3: Zvakanakira Kuziva Nzira Yokugutsikana Nayo
Nha. 4: Nei Tichifanira Kuona Chivi Sezvachiri (rs-CA p. 66 ¶1–p. 67 ¶2)
Dec. 26 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 25-28 Rwiyo 137
Unyanzvi Hwokutaura: Kufarira Zviri Kuitwa naMwari Iye Zvino (be-CA p. 270 ¶1–p. 271 ¶1)
Kudzokorora
[Mashoko Omuzasi]
a Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo, zvichanyatsokodzera ndima yenyu.
b Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo, zvichanyatsokodzera ndima yenyu.
c Inopiwa hama bedzi.
d Inopiwa hama bedzi.
e Inopiwa hama bedzi.