Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naOctober 25, 2004. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaSeptember 6 kusvika kune yaOctober 25, 2004. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Tingaita sei kuti matauriro edu arambe achikurudzira patinenge tichipa hurukuro yebasa rakati rechiKristu? [be-CA p. 203 ndima 3-4]
2. Kudzokorora kudini, uye nei kuchikosha? [be-CA p. 206 ndima 1-4]
3. Tingasimbisa sei musoro wehurukuro yedu? [be-CA p. 210 ndima 1-5, bhokisi]
4. Tingasarudza sei pfungwa huru dziri muhurukuro yatakanzi tipe? [be-CA p. 212 ndima 1-4]
5. Nei tichifanira kungwarira kusava nepfungwa huru dzakawandisa? [be-CA p. 213 ndima 2-4]
HURUKURO NHA. 1
6. Zvii zvakaitika Mafashamo asati aitika zvingave zvakaita kuti zviomere vanhu kutenda kuti chinhu chose chaiva chakavapoteredza chaizoguma? [w02-CA 3/1 map. 5-6]
7. Nei zvichikosha kuti vanhu vakararama naJesu vaimuti “Mudzidzisi” kwete “Muporesi”? (Ruka 3:12; 7:40) [w02-CA 5/1 p. 4 ndima 3; p. 6 ndima 5]
8. Zvirevo 11:24, 25 inosimbisa sei kukosha kwokushanda zvizere muushumiri hwomumunda? [w02-CA 7/15 p. 30 ndima 2-4]
9. Ndeipi nhau yokuvimbika yakamutswa nokupandukira kwakaitwa muEdheni, uye kupandukira ikoko kwakaguma nei? (Gen. 3:1-6) [w02-CA 10/1 p. 5 ndima 6; p. 6 ndima 2-3]
10. Nguva yokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi muJerusarema inozivikanwa sei? [si-CA p. 285 ndima 5]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Sezvo Jehovha akaudza Bharami kuti aende nevarume vaBharaki, nei Akatsamwira Bharami paakaenda navo? (Num. 22:20-22)
12. Murume ane mukadzi muKristu angachinja mhiko dzomukadzi wake here? (Num. 30:6-8)
13. “Maguta . . . outiziro” anomiririrei nhasi? (Num. 35:6) [w95-CA 11/15 p. 17 ndima 8]
14. Murayiro uri pana Dheuteronomio 6:6-9 ‘wokusungirira mutemo waMwari paruoko uye mumusoro sorundanyara’ unofanira kunzwisiswa sezvauri chaizvo here?
15. Mashoko okuti “nguo dzako hadzina kukusakarira” anongoreva kuti mbatya dzevaIsraeri dzaitsiviwa neitsva here? (Dheut. 8:4)