RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/04 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 9/04 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana musina iri, mungagovera Mwari Anodei Kwatiri? October: Basa chairo rokugovera bhurocha idzva, asi Nharireyomurindi neMukai! zvichagoverwa mumwedzi wacho wose. Kana vanhu vakafarira, suma bhurocha raAnodei wozodzokerazve nechinangwa chokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. November: Bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Edza kushandisa bhurocha racho kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. December: Bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama.

◼ Purogiramu yevhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge ichakurukurwa paMusangano Webasa muna December. Zvino yava kuwanikwa paDVD sechikamu cheTransfusion Alternatives—Documentary Series. DVD iyi ine purogiramu dzinotevera: Transfusion-Alternative Strategies—Simple, Safe, Effective; Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights; uye No Blood—Medicine Meets the Challenge. Kana muchida maDVD uye makaseti evhidhiyo munofanira kuodha nokuungano nokukurumidza sezvamungagona.

◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2005 ichapiwa musi weSvondo April 10. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano kupera kwevhiki yacho dzichava nehurukuro inokosha iyi vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro inokosha iyi musi weSvondo, April 10, 2005 usati wasvika.

◼ Fomu rinonzi Annual Congregation Property Documents Review Work Sheet (T-33-E) rinofanira kuzadzwa mwedzi waSeptember woga woga nomunyori weungano ine uridzi hwenzvimbo yeImba yoUmambo. Ungano imwe neimwe inoshandisawo imba yacho inofanira kukurumidza kuzopiwa fomu rinenge razadzwa. Kana paine zvinoda kugadziriswa, vakuru vanofanira kuzvitarisira kuti ungano ifare. Mutariri wedunhu paanoshanyira ungano yacho, achaongorora magwaro eimba yacho uye fomu reSafety Inspection Work Sheet (T-34-E).

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano vanofanira kushanyirwa.

◼ Ungano dzinofanira kukurumidza kupa vaparidzi magazini achangobuda eNharireyomurindi neMukai! padzinongoagamuchira. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vajairane nezviri maari vasati vaagovera mubasa romumunda.

◼ Sezvo October uchava nokupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanakisisa kuita upiyona hwebetsero.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe