Chidzidzo Chebhuku Cheungano—Nei Tichichida
1. Urongwa hweChidzidzo Chebhuku Cheungano hwakatanga sei?
1 Muna 1895, mapoka okudzidza eVadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, akasvika pakuzivikanwa seMapoka Emambakwedza (Dawn Circles) eChidzidzo cheBhaibheri. Mavhoriyamu eMillennial Dawn ndiwo aidzidzwa. Gare gare, misangano iyi yakazonzi Mapoka eBheriya eChidzidzo cheBhaibheri. (Mab. 17:11) Vanhu vashoma vaiwanzoungana mudzimba dzavo manheru aiva akavanakira. Misangano iyi ndiko kutanga kwakaita Chidzidzo Chebhuku Cheungano.
2. Tingabatsira sei kuti pave no“kukurudzirana” pachidzidzo chebhuku?
2 Kukurudzira uye Kubatsira: Sezvo mapoka echidzidzo chebhuku achiregwa ari maduku, pane mukana mukuru wokuti vaya vanopinda varatidze kutenda kwavo. Zvinoguma “nokukurudzirana . . . , mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe.”—VaR. 1:12.
3, 4. Urongwa hwechidzidzo chebhuku cheungano hunotibatsira sei kuita ushumiri hwedu?
3 Kucherechedza madzidzisiro anoita mutariri wechidzidzo chebhuku kungatibatsira ku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Tim. 2:15) Ona kuti anosimbisa sei Magwaro ezviri kudzidzwa. Kana zvichikodzera bhuku riri kudzidzwa, angasimbisa pfungwa huru pakunopera kwechidzidzo chacho nokudzokorora, achingoshandisa Bhaibheri chete. Muenzaniso wake wakanaka ungatibatsira kuvandudza madzidzisiro edu muushumiri hwechiKristu.—1 VaK. 11:1.
4 Kuwedzera pakuitisa chidzidzo chevhiki nevhiki, mutariri wechidzidzo chebhuku anotungamirira basa rokuparidza. Achishandira pamwe nomutariri webasa, anoita urongwa hwakakodzera hwebasa romumunda. Anoedza kubatsira vose vari muboka racho kuti vaite mutoro wavo wechiKristu wokuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi.—Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 9:16.
5. Somunhu oga, tinobatsirwa sei nechidzidzo chebhuku?
5 Mutariri wechidzidzo chebhuku ane hanya zvikuru nokubudirira mune zvokunamata kwomumwe nomumwe ari muboka rake. Anoratidza kufarira uku pamisangano yeungano uye sezvaanoshanda nevamwe mubasa romumunda. Anoshandisawo nguva yaanoshanyira hama mumisha yadzo kuti adzikurudzire mune zvokunamata. Vose vanofanira kunzwa vakasununguka kutaura nomutariri wechidzidzo chebhuku kuti vabatsirwe mune zvokunamata pose pavanodira.—Isa. 32:1, 2.
6. (a) Mune dzimwe nyika hama dzedu dzakasimbiswa sei nokuungana mumapoka maduku? (b) Iwe pachako wakabatsirwa sei nourongwa hwechidzidzo chebhuku?
6 Simbisanai: Munyika dzinorambidza basa revanhu vaMwari, hama dzinowanzoungana mumapoka maduku. Imwe hama yakayeuka kuti: “Kunyange zvazvo mabasa edu echiKristu akarambidzwa, pose pazvaibvira taiita misangano yedu yevhiki nevhiki mumapoka evanhu vari pakati pe10 ne15. Pamisangano yacho taiwana simba rezvokunamata, kubva pakudzidza kwedu Bhaibheri uye pakushamwaridzana pashure pechidzidzo chacho. Taienzanisa zviitiko zvedu, uye izvi zvaitibatsira kuziva kuti mumwe nomumwe wedu aiva nedambudziko rakafanana.” (1 Pet. 5:9) Naizvozvo, isuwo ngatisimbisanei nokutsigira zvizere urongwa hweChidzidzo Chebhuku Cheungano.—VaEf. 4:16.