RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/04 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 6/04 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naJune 28, 2004. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMay 3 kusvika kune yaJune 28, 2004. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Ndezvipi zvingaita kuti tikundikane kuita zvokukurukurirana kana kuti tinzwike setisina kunyatsosununguka patinenge tichitaura tiri pachikuva? [be-CA p. 179 ndima 4]

2. Nei kunatsiridza runako rwenzwi redu kusiri nyayawo zvayo yokufema zvakanaka uye yokusunungura tsandanyama dzakasungika? [be-CA p. 181 ndima 2]

3. Sezvatinoudza vamwe chokwadi cheBhaibheri, ndezvipi zvinobatsira zvatingaita kuti tive “zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose”? (1 VaK. 9:20-23) [be-CA p. 186 ndima 2-4]

4. Kunyatsoteerera muushumiri hwedu kunosanganisirei? [be-CA p. 187]

5. Nei zvichikosha kuremekedza vanhu vose vatinosangana navo muushumiri hwedu? [be-CA p. 190]

HURUKURO NHA. 1

6. Chinangwa chevaya vanopa mirayiridzo yechiKristu ndechei, uye chii chichatibatsira kuita chinangwa ichi? (Mat. 5:16; Joh. 7:16-18) [be-CA p. 56 ndima 3–p. 57 ndima 2]

7. Nei zvichibatsira kusiyanisa patinenge tichidzidzisa, uye Jesu akashandisa sei iyi nzira yokudzidzisa? [be-CA p. 57 ndima 3; p. 58 ndima 2]

8. Kudzidzisa kwaJesu kwakasvika sei pamwoyo yevanhu, mukusiyana nokwevaFarisi? [be-CA p. 59 ndima 2-3]

9. Tingabatsira sei vaya vatinodzidzisa kushandisa zvavanodzidza, tisingavasarudziri? [be-CA p. 60 ndima 1-3]

10. Tinofanira kupindura sei mibvunzo yevamwe pamusoro penhau dzinoda kuzvisarudzira? [be-CA p. 69 ndima 4–p. 70 ndima 1]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Nei Mosesi aifanira kunyatsotevera “mufananidzo wetabhernakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose”? (Eks. 25:9) [it-2 p. 1058 ndima 7]

12. Tingadzidzei nemapindurire akaita Aroni kuna Mosesi nezvenyaya yemhuru yendarama? (Eks. 32:24)

13. Tingadzidzei nezvokuratidza kutenda kwevaIsraeri pavaiteerera murayiro waJehovha uri pana Eksodho 34:23, 24?

14. Chibayiro chokuyananisira chaiitirwei? (Revh. 3:1)

15. Zvakaitwa pakugadzwa kwaAroni zvakanyorwa pana Revhitiko 8:23, zvinofananidzira sei zvakazoitika kuna Jesu? [it-2 p. 1113 ndima 4; w68 p. 399 ndima 24]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe