Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJune 14
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 4 (kana achikodzera ndima yenyu) kuti uenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 uye Mukai! yaJune 8. Mune mumwe muenzaniso, ratidza muparidzi achipupurira munzvimbo yemabhizimisi. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa.
20 min: “Jehovha Anobatsira Vaya Vanovimba Naye.”a Pakukurukura ndima 4, taurawo mashoko ari mubhuku reChikoro Choushumiri, papeji 67, ndima 2.
15 min: Nei Tisingafaniri Kushandisa Zvinodhaka? Kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raKurangarira, pamapeji 227-31. Kushandisa zvinodhaka “kuti unakidzwe” kwakajairika. Vazhinji vanoomerera pakuti kushandisa zvinodhaka kwakadaro hakukuvadzi; vamwe vanototi kushandisa kwakadaro ngakubvumirwe nomutemo. Kurukura kuti tingabatsira sei vakadaro. Taurawo mashoko ari mubhokisi riri papeji 10 yeMukai! yaNovember 8, 1999.
Rwiyo 179 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 21
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Ngirozi Dziri Kutibatsira.”b Kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro arimo kana nguva iripo.
20 min: Uchenjeri Hunobva Kumusoro Hunonzwisisa. (Jak. 3:17) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, pamapeji 251-2. Zvinorevei kuva munhu anonzwisisa? Nei kuchikosha muushumiri hwedu? Tingadzidzei kubva mumuenzaniso womuapostora Pauro? Vaparidzi vangafungisisa sei mamiriro ezvinhu evanhu vari mundima yavo? Tingabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuva vanonzwisisa? Fanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri varondedzere zvakaitika zvinobudisa zvakanakira kutanga kutaura kunoratidza kunzwisisa.
Rwiyo 53 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 28
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaJune. Uchishandisa mazano ari papeji 4 (kana achikodzera ndima yenyu), enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 15 uye Mukai! yaJuly 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ita kuti muparidzi atange nokutaura mashoko mashoma, oushamwari. Taura kuti kuita izvozvo kungaita kuti saimba anzwe akasununguka.
15 min: Zvinodiwa muungano.
18 min: “Chidzidzo Chebhuku Cheungano—Nei Tichichida.”c Shandisa mibvunzo iripo. Taurawo mashoko ari munyaya inoti “Batsira Mutariri Wako weChidzidzo Chebhuku Cheungano,” iri papeji 1 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2002.
Rwiyo 20 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 5
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Uchati Kudini? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Muna July naAugust, tichange tichigovera mabhurocha. Mabhurocha api ayo vaparidzi vakaona achibudirira mundima yenyu? Dzokorora mharidzo dzakanzi dzishandiswe dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 1998, papeji 8, kana kuti mune humwe Ushumiri hwekare. Taura kuti mharidzo imwe neimwe inosanganisira (1) mubvunzo, (2) rugwaro, uye (3) pfungwa iri kutaurwa nezvayo iri mubhurocha racho. Enzanisira mharidzo imwe kana kuti mbiri. Kurudzira vose kuti vashandise Bhaibheri pakutaura mashoko akanaka.
20 min: Zvinodiwa Nevana Kuvabereki. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru, pamapeji 6-7. Zvinokosha kuti vana vadzidze nhungamiro dzeBhaibheri dzinodzora kunamata kwechokwadi uye kunzwisisa basa rinokosha rinoitwa nevabereki mukuvadzidzisa. Kurukura mazano akapiwa okudzidza bhuku racho. Kumbira vabereki kuti vataure kuti vakashandisa sei bhuku racho. Ita kuti mwana mumwe kana kuti vaviri vataure kuti nei vachifarira bhuku iri.
Rwiyo 65 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.