Ngirozi Dziri Kutibatsira
1 “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” Mashoko iwayo anokurudzira sei vose vanoteerera murayiro waJesu unoti: “Naizvozvo endai muite . . . vadzidzi”! (Mat. 28:18-20) Imwe nzira inokosha iyo Jesu anoratidza nayo kuti ane vaKristu vechokwadi ndeyokushandisa ngirozi dzake. (Mat. 13:36-43) Zvinofadza chaizvo kuzivisa “mashoko akanaka asingaperi” takabatana nezvisikwa izvi zvomudzimu zvakatendeka!—Zvak. 14:6, 7.
2 Muushumiri Hwedu: Bhaibheri rinozivisa kuti ngirozi dzinotumwa “kuzoshumira avo vachagara nhaka yoruponeso.” (VaH. 1:14) Muzana remakore rokutanga, ngirozi dzaibatsira kutungamirira vateveri vaJesu kune vakafanira. (Mab. 8:26) Nhasi, vashumiri vaMwari vanoramba vachiona uchapupu hwokutungamirira kwengirozi. Panguva dzakawanda, vanasaimba vakati vakanga vachinyengeterera kubatsirwa pavakashanyirwa neChapupu. Isu pamwe chete nengirozi tinofara chaizvo vakadaro pavanobvuma shoko roUmambo!—Ruka 15:10.
3 Patinotambudzwa: Dhanieri, shamwari dzake nhatu dzechiHebheru, muapostora Petro, nevamwe vakawanda avo vakasangana nemiedzo mikuru vakaona kudzivirira kwaJehovha achishandisa ngirozi, “mhare dzine simba.” (Pis. 103:20; Dhan. 3:28; 6:21, 22; Mab. 12:11) Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva tinganzwa setisingabatsiri patinotambudzwa, tinogona kukurudzirwa nechakaitika kumuranda waErisha paakaudzwa kuti “vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” (2 Madz. 6:15-17) Kunyange kana tikamanikidzwa kuparadzana nehama dzedu dzechiKristu, hatifaniri kuora mwoyo. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya.”—Pis. 34:7.
4 Nokukurumidza mauto engirozi achatasva mabhiza achiuya kuzobvisa kushorwa kwose kwoumambo hwaKristu. (Zvak. 19:11, 14, 15) Patinenge tichimirira zuva iroro, ngatirambei tichirumbidza Jehovha noushingi, tichivimba zvakazara nokutsigira kune simba kwemauto okudenga achitungamirirwa naKristu.—1 Pet. 3:22.