RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/04 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 6/04 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vacho vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Paunoshandisa bhurocha racho, edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro pane anotevera rine mapeji 32: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana musina iri, mungagovera Mwari Anodei Kwatiri?

◼ Kuti muve nechokwadi chokuti Imba yoUmambo yakachengeteka, munhu wokupedzisira kubvapo anofanira kukiya musuo ova nechokwadi chokuti zvimwe zvinhu zvose zvinochengetedza zviri kushanda. Kana munhu iyeye asingakwanisi kuita izvi, anofanira kudana mumwe munhu anokwanisa uye omirira kusvikira uya asvika iye asati abva. Vakuru vanofanira kuchengeta pepa rine mazita evaparidzi vose vanenge vachengeteswa kiyi dzeImba yoUmambo.

◼ Tinofara chaizvo kukuzivisai kuti musi waApril 1 gore rino ungano yokutanga yoMutauro Wemasaini yakatangwa muZimbabwe—Ungano yeHarare Sign Language! Panguva ino, pane mapoka oMutauro Wemasaini kuBulawayo, Mutare neGweru. Mapiyona Chaiwo ari kushanda ndima yoMutauro Wemasaini kuChitungwiza neMasvingo. Tinofara kuti Jehovha ari kukomborera basa mundima iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe