RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/04 pp. 3-5
  • Ramba Uchizivisa Mabasa aJehovha Anoshamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchizivisa Mabasa aJehovha Anoshamisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • ‘Paridza Shoko raMwari Kwazvo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 2/04 pp. 3-5

Ramba Uchizivisa Mabasa aJehovha Anoshamisa

1. Ndeapi mamwe emabasa anoshamisa aJehovha aunonyanya kuyemura?

1 Hapana angaenzana naMwari wedu mukuru, Jehovha! Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi.” (Pis. 40:5) Mabasa aJehovha anoshamisa anosanganisira kusikwa kwezvinhu zvose, Umambo hwaMesiya, zviito zvomutsa une rudo kuvanhu vake, uye basa rokuparidza pasi pose. (Pis. 17:7, 8; 139:14; Dhan. 2:44; Mat. 24:14) Kuda Jehovha uye kuyemura zvose zvaakaita zvinotikurudzira kuudza vamwe nezvake. (Pis. 145:5-7) Muna March, April, naMay, tichava nomukana wokuita izvi zvizere.

2. Isu pachedu tinobatsirwa sei nokuita upiyona hwebetsero?

2 Sapiyona Webetsero: Pamwedzi mumwe chete kana kuti inopfuura yebasa chairo rakawedzerwa, ungaronga purogiramu yako here kuti upedzere maawa 50 muushumiri? Chokwadi, chero kugadziridza kupi kwaungaita purogiramu yako kuchabatsira. (VaEf. 5:16) Vakawanda vakaona kuti kuita upiyona hwebetsero kunovabatsira kunatsiridza ushumiri hwavo. Vanonzwa vakasununguka zvikuru pasuo uye vanoshandisa Bhaibheri kakawanda. Kupedzera nguva yakawanda muushumiri kunoita kuti zvive nyore kutevera vose vanofarira vavanowana, uye vamwe vakanga vasina kumboitisa chidzidzo cheBhaibheri vakatanga chimwe pavaiita upiyona hwebetsero. Upiyona hwebetsero zvahuri basa rinofadza, hunoda kushanda nesimba kuti tibatsire vamwe.—Mab. 20:35.

3. Vamwe vakakwanisa sei kuita upiyona hwebetsero kunyange vaiva nemamiriro ezvinhu akaoma?

3 Usakurumidza kugumisa kuti mamiriro ako ezvinhu haakubvumiri kuita upiyona hwebetsero. Mumwe mukuru akaita upiyona hwebetsero gore rapera ane vana vaviri uye anoshanda basa renguva dzose. Hama iyi yakabatikana kudaro yakazviita sei? Sezvo ichishanda pakati pevhiki, yakaronga kupedzera nguva refu iri mubasa pakupera kwevhiki, ichitanga nokupupura kwomumugwagwa na7:00 mangwanani pamisi yoMugovera. Vanoverengeka vari muungano yacho vaiva nemamiriro ezvinhu akadaro vakapayonawo, uye vakatsigirana nokukurudzirana. Mune imwe ungano, imwe hanzvadzi ine makore 99 yakasarudza kupayona muna May pashure pokunge mwanasikana wayo aikumbira kuti vapayone vose. Vamwe vari muungano vakabatsira hanzvadzi iyi yakura kuenda pamba nemba uye pazvidzidzo zveBhaibheri vachisunda wiricheya yayo. Yakapupurirawo norunhare, kupupura kwomumugwagwa, uye kunyora tsamba. Ine chokwadi chokuti haina kuita izvi nesimba rayo, asi nokubatsirwa naJehovha chete.—Isa. 40:29-31.

4. Ndezvipi zvinhu zvatingafunga nezvazvo patinenge tichigadzira purogiramu youpiyona hwebetsero?

4 Edza kunyora purogiramu inonyatsokodzerana nemamiriro ako ezvinhu. Unoshanda nguva dzose here kana kuti unoenda kuchikoro? Purogiramu kunyanya yepakupera kwevhiki ingashanda chaizvo kwauri. Kana uine zvinetso zvoutano uye usina simba rokuswera uri muushumiri, purogiramu inoda kuti upedze nguva shomanana zuva rimwe nerimwe ingava yakanakisisa. Taura nevamwe nezvechido chako chokuita upiyona hwebetsero. Zvichida vachadawo kuita kudaro.

5. Pwere dzingavavarira kuitei muna March, April, naMay?

5 Nzira Idzo Pwere Dzingaitawo Basa Iri: Jehovha anofara apo vechiduku vanotaura nezvemabasa ake anoshamisa. (Pis. 71:17; Mat. 21:16) Kana uri muduku uye wakabhabhatidzwa, zvimwe ungaita upiyona hwebetsero mumwedzi wezororo rechikoro. Kana usingagoni kushanda sapiyona webetsero, ungavavarira kuwedzera basa rako uye kunatsiridza ushumiri hwako mumwedzi iyoyo here? Kana wave uchishanda muushumiri nevabereki vako asi usati wava muparidzi asina kubhabhatidzwa, zvino yaizova nguva yakanaka yokuti uedze kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Haufaniri hako kufunga kuti unofanira kuva nyanzvi pakupindura mibvunzo yeBhaibheri kana kuti unofanira kuziva sezvinoita vanhu vakuru vakabhabhatidzwa. Unonzwisisa dzidziso huru dzeBhaibheri here? Unoomerera kutsika dzinodiwa neBhaibheri here? Unoda kuzivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha here? Kana zvakadaro taura nevabereki vako nezveizvi. Vanogona kuronga kuti iwe navo mutaure nevakuru kuti vaone kana uchisvitsa zvinodiwa.—Ona bhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 98-9.

6. Tingabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vave vaparidzi vemashoko akanaka?

6 Kubatsira Vamwe Kuparidza: Vadzidzi veBhaibheri vanofambira mberi vangakwanisa kubatana nesu sevaparidzi mumwedzi iri kuuya yebasa rakawedzerwa. Kana uine wauri kudzidza naye Bhaibheri ari kufambira mberi zvakanaka, kumbira rubatsiro rwomutariri wako wechidzidzo chebhuku kana kuti mutariri webasa. Mumwe wavo angavapo paunodzidza naye kuti agoona kufambira mberi kwomudzidzi wacho. Kana mudzidzi wacho achikwanisa uye achida kuva muparidzi, mutariri anotungamirira angaronga kuti vakuru vaviri vaonane newe nomudzidzi wacho. (Ona Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, peji 17.) Kana mudzidzi wacho angotenderwa chete, ibva watobuda naye muushumiri uchimudzidzisa.

7. Vaparidzi vasiri venguva dzose uye vasingachaiti basa vangabatsirwa sei?

7 Vatariri vechidzidzo chebhuku vachafanira kunyatsocherechedza vapi nevapi vasingachaiti basa kana kuti vasiri venguva dzose muboka ravo. Iwe pachako vakoke kuti ushande navo muushumiri. Kana vave vasingaiti basa kwenguva refu, zvakanaka kuti vakuru vaviri vatange vataura navo kuti vaone kana vachikodzera. (Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2000.) Kushingaira kweungano mumwedzi iyi yebasa rakawedzerwa kungavakurudzira kuti vaitezve ushumiri chinhu chenguva dzose muupenyu hwavo.

8, 9. Vakuru vangaitei kuti pave nechido chebasa rakawedzerwa?

8 Gadzirira Iye Zvino Basa Rakawedzerwa: Vakuru, tangai iye zvino kuita kuti ungano ive nechido chokuita upiyona hwebetsero. Mungaita zvakawanda netsinhiro dzenyu dzinokurudzira uye muenzaniso wenyu wakanaka. (1 Pet. 5:3) Nhamba yepamusoro yemapiyona ebetsero muungano munguva yakapfuura yaiva chii? Ingagona kupfuurwa here gore rino? Vatariri vechidzidzo chebhuku nevabatsiri vavo vanofanira kutsvaka nzira dzokukurudzira nadzo vose vari muboka kuti vawedzere basa ravo. Vatariri vebasa vangaronga misangano yokuwedzera yebasa romumunda. Taurirai ungano pachine nguva zvinenge zvarongwa. Ivai nechokwadi chokuti vaparidzi vane unyanzvi ndivo vanokumbirwa kuti vazotungamirira uye kuti misangano yebasa ichatanga nokuguma panguva. (Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2001.) Mutariri webasa anofanirawo kuronga kuti pave nendima, magazini, uye mabhuku zvakakwana.

9 Gore rapera vakuru veimwe ungano vakatanga vaine chido chikuru uye pachine nguva mberi kuti vakurudzire upiyona hwebetsero, uye vanoverengeka vavo vachiendesa mafomu avo. Vakaronga misangano yokuwedzera yebasa romumunda—wokutanga na5:30 mangwanani wokupupurira kwomumugwagwa, mumwe wacho na3:00 masikati wevaya vaibva kuchikoro, uye wechitatu na6:00 manheru wevaya vaibva kubasa. Uyezve, misangano mitatu yebasa romumunda yakarongwa pamisi yoMugovera. Ungano yakava ne66 vakanyoresa semapiyona ebetsero muna April!

10. Mhuri dzingagadzirira sei kuwedzera basa radzo?

10 Pamuchadzidza semhuri, madii kutsaura nguva yokuronga zvamuchakwanisa kuita mumwedzi inouya? Mukashandira pamwe uye kuronga zvakanaka, vamwe kana kuti mose mumhuri mungagona kuita upiyona hwebetsero. Kana izvozvo zvisingabviri, rongai kuwedzera basa renyu nokurebesa nguva yamunowanzopedzera mubasa romumunda kana kuti nokubuda imwe nguva yokuwedzera. Nyengetererai nhau yacho semhuri. Munogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achakomborera zvamunoita.—1 Joh. 3:22.

11. (a) Ndezvipi zvinhu zvikuru zvakaitwa nechibayiro chaKristu? (b) Chirangaridzo chenyu chichaitwa nguvai uye kupi?

11 Basa raMwari Rinoshamisa Kupfuura Ose: Kuratidzwa kukuru kworudo rwaJehovha kupa kwaakaita Mwanakomana wake kuti atidzikinure. (1 Joh. 4:9, 10) Chibayiro chorudzikinuro chinopa chikonzero chepamutemo chokudzikinura vanhu muchivi norufu. (VaR. 3:23, 24) Ropa raJesu rakadeurwa rakasimbisa sungano itsva, richiita kuti vanhu vasina kukwana vakwanise kugamuchirwa sevanakomana vaMwari vaine tariro yokutonga muUmambo hwokudenga. (Jer. 31:31-34; Mako 14:24) Zvinotokosha zvikuru, upenyu hwaJesu hwokuteerera kwakakwana hwakatsvenesa zita raJehovha. (Dheut. 32:4; Zvir. 27:11) Musi weSvondo, April 4, zuva ranyura, Chirangaridzo chorufu rwaKristu chichachengetwa pasi pose.

12. Kuvapo paKudya kwaShe Kwemanheru kungabatsira sei vanofarira?

12 Kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru kunokudziridza mabasa aJehovha anoshamisa. Hurukuro yacho inowedzera kuonga zvakaitwa naJehovha mukupa rudzikinuro. Vanofarira varipo vachagona kuona mamwe mabasa aMwari anoshamisa. Vachagona kuona kubatana uye rudo rwoushamwari izvo Jehovha ave achidzidzisa vanhu vake kuti varatidze. (VaEf. 4:16, 22-24; Jak. 3:17, 18) Kuvapo pachiitiko ichi chinokosha kungachinja chaizvo kufunga kwomunhu, saka tinoda kuti vakawanda sevanobvira vavepo.—2 VaK. 5:14, 15.

13, 14. Ndivanaani vatinofanira kukoka kuChirangaridzo, uye sei?

13 Kukoka Vamwe Kuti Vapinde: Tanga iye zvino kugadzirira nokunyora vaya vauchakoka. Unofanira kunyora vomumhuri vasingatendi, vavakidzani, vaunozivana navo kubasa kana kuti kuchikoro, vawakambodzidza navo kana kuti vauri kudzidza navo Bhaibheri, uye vose vaunodzokera kunoona. Vatariri vechidzidzo chebhuku vanofanira kuwedzera vaparidzi vose vasingachaiti basa pane vavanonyora.

14 Shandisa mapepa akadhindwa okukokera Chirangaridzo, uye ataipe kana kuti anyore zvakatsvinda nguva nenzvimbo inoitirwa Chirangaridzo. Kana kuti ungada kushandisa zvakanyorwa pabutiro rokuseri kweNharireyomurindi yaMarch 15, 2004, kana kuti Mukai! yaApril 8. Sezvo April 4 anoswedera pedyo, yeuchidza vaya vawakanyora, nokuvashanyira kana kuti kuvaridzira runhare.

15. Tingaratidza sei kuti tinogamuchira vaeni manheru eChirangaridzo?

15 PaChirangaridzo: Edza kukurumidza kusvika manheru eChirangaridzo. Ratidza kuti unogamuchira vaeni nokukwazisa vatsva noushamwari. (VaR. 12:13) Une mutoro chaiwo kuvaeni vaunokoka. Ita kuti vanzwe kuti vanogamuchirwa, uye vasume kune vamwe vomuungano. Zvichida ungavabatsira kuwana chigaro chiri pedyo newe. Uye kana paine vasina Bhaibheri kana kuti bhuku renziyo, ronga kuti uone navo kana kuti nomumwe munhu. Kana Chirangaridzo chapera, iva anowanikwa kuti upindure mibvunzo yose yavangave nayo. Kana paine vauya kwenguva yokutanga, bvunza kana vangada kudzidza zvakawanda nezveShoko raMwari nechinangwa chake. Vaudze kuti ungada kudzidza Bhaibheri navo.

16. Chii chingaitwa kubatsira vaya vanenge vapinda kuti vafambire mberi mune zvokunamata?

16 Ramba Uchibatsira Vaya Vakapinda: Muvhiki dzinotevera Chirangaridzo, vaya vakapinda vangada kuramba vachibatsirwa. Izvi zvinosanganisira vaya vaimbopinda misangano nguva dzose asi zvino havachawanzosonganiri neungano. Vakuru vachava vakagadzirira kuona kuti vakadaro havasi kusiyiwa, vachida kuziva kuti nei vakarega kufambira mberi mune zvokunamata. Vabatsire kuona kuti nguva yatiri kurarama ndeyokukurumidzira. (1 Pet. 4:7) Batsira vose kuona zvakanakira kuteerera zvinorayirwa neMagwaro zvokuungana pamwe chete nguva dzose nevanhu vaMwari.—VaH. 10:24, 25.

17. Nei tichifanira kuramba tichitaura nezvemabasa aJehovha anoshamisa?

17 Mabasa aJehovha anoshamisa chaizvo kuti tianzwisise zvizere kunyange kana tikararama nokusingaperi. (Job. 42:2, 3; Mup. 3:11) Naizvozvo, zvinhu zvokuti timurumbidze hazvimbofi zvakapera. Mwaka uno weChirangaridzo tinogona kuratidza kuonga kwedu mabasa aJehovha anoshamisa nokuedza nepose patinogona napo kuwedzera ushumiri hwedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe