RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/04 p. 5
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 2/04 p. 5

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naFebruary 23, 2004. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 5 kusvika kune yaFebruary 23, 2004. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Tingaitei kuti tive nechokwadi chokuti kushanda kwemashoko ari kutaurwa kuri pachena kuvateereri vedu uye kunonyatsovabatsira? [be-CA p. 158 ndima 2-4]

2. Nei tichifanira kunyatsosarudza mashoko edu? [be-CA p. 160 ndima 1 nebhokisi rechipiri]

3. Chinhui chinokosha chinodiwa pakutaura kwakanaka chiri pana 1 VaKorinde 14:9, uye tingashandisa sei pfungwa iyi mukudzidzisa kwedu? [be-CA p. 161 ndima 1-4]

4. Sezvinoonekwa pana Mateu 5:3-12 naMako 10:17-21, ndeapi madzidzisiro aJesu akaisvonaka atingatevedzera? [be-CA p. 162 ndima 4]

5. Muushumiri hwedu kana kuti patinopindura pamisangano yeungano, nei tichifanira kufarira kushandisa mashoko anobudisa simba, manzwiro edu, uye anojekesa? (Mat. 23:37, 38) [be-CA p. 163 ndima 3–p. 164 ndima 1]

HURUKURO NHA. 1

6. Musoro mukuru wehurukuro chii, uye kuramba tichiufunga kuchatibatsira sei pakusarudza nepakuronga mashoko ehurukuro? [be-CA p. 39 ndima 6–p. 40 ndima 1]

7. (a) Zvinorevei kuva akachena mumudzimu, uye nei rucheno rwomudzimu runganzi ndirwo rucheno runokosha kupfuura rwose? (b) VaKristu vangarega sei kugamuchira tsika dzisina kuchena dzakazara munyika? [w02-CA 2/1 map. 5-6]

8. Panheyo dzemitemo dzose dziri muBhaibheri, ndedzipi dzinokosha kupfuura dzimwe? [w02-CA 2/15 p. 5 ndima 1, 4, 6]

9. Tsitsi chii, uye Jesu akadziratidza sei? [w02-CA 4/15 p. 25 ndima 3-4]

10. Zvirevo 11:11 inoshanda sei kuungano dzevanhu vaJehovha? [w02-CA 5/15 p. 27 ndima 1-3]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Chii chinomiririrwa no“muti woupenyu” unotaurwa pana Genesi 2:9?

12. Nei mudzimai waRoti akarasikirwa noupenyu hwake? (Gen. 19:26) [w90-CA 4/15 p. 18 ndima 10]

13. Muchiitiko chouprofita chaGenesi chitsauko 24, ndiani anofananidzirwa (a) naAbrahamu, (b) naIsaka, (c) naEriezeri muranda waAbrahamu, (d) nengamera gumi, uye (e) naRibheka?

14. Mwari akatemera mugumo Jakobho naEsau here? (Gen. 25:23)

15. Munzirai umo Rakeri akava muenzaniso wakanaka womunhu akaita zvinhu nomwoyo wose izvo zvakakomborerwa naJehovha? (Gen. 30:1-8) [w02-CA 8/1 map. 29-30]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe