Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 12
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 4, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye Mukai! yaJanuary 8. Mumienzaniso yacho, taura nezvemagazini imwe chete asi ogoverwa ari maviri. Pashure pomuenzaniso mumwe nomumwe, taura zvinhu zvakanaka zvaitwa.
15 min: “Kukosha Kukuru Kwouchenjeri hwaMwari.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kutsinhira magwaro aripo.
20 min: Mabhuku Matsva Atakafara Kugamuchira! Kukurukurirana nevateereri. Takafara kugamuchira mabhuku matsva maviri paKokorodzano Yoruwa yaiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari.” Bhuku ra“Ona Nyika Yakanaka” rakasiyana nemamwe mabhuku ose ari muraibhurari yedu. Peji imwe neimwe yaunovhura ichakuratidza chimwe chinhu chitsva cheNyika Yakapikirwa. Ratidza zvimwe zvezvinhu zviri pamepu dzakasiyana-siyana. Taura kushandiswa kungaitwa bhuku racho. Bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru richabatsira vana vedu mune zvokunamata. Taura mimwe misoro yakakodzera nguva irimo, inoratidza kuti vabereki nevaduku vangabatsirwa sei. Kumbira vateereri kutsinhira kuti vari kushandisa sei mabhuku matsva aya zvakanaka.
Rwiyo 186 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 19
5 min: Zviziviso zveungano.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.
15 min: Zvinodiwa muungano.
15 min: “Tingabatsira Sei Vasingatendi Vakaroorana neZvapupu?”b Bvunzurudza mumwe kana vaviri vakava vashumiri vaJehovha pamusana pomuenzaniso wakanaka wewavakaroorana naye akanga awana chokwadi.
Rwiyo 73 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 26
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Uchishandisa mazano ari papeji 4, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 15 uye Mukai! yaFebruary 8. Mumienzaniso yacho, taura nezvemagazini imwe chete asi ogoverwa ari maviri. Mune mumwe muenzaniso wacho, ratidza zvaungaita pakugovera magazini kumuvakidzani.
15 min: Shandisa Shoko raMwari Muupenyu Hwako Zuva Nezuva. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kurudzira vose kushandisa zvakanaka kabhuku kaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2004. Kurukura mashoko okutanga ari pamapeji 3-4. Bvunza vateereri kuti inguva ipi yavanoona yakanakisisa kuti vadzidze rugwaro rwezuva. Kurukura neungano rugwaro netsinhiro zvezuva iroro. Kumbira vateereri kutsinhira kuti tinganyatsoshandisa sei mashoko acho. Kurudzira vose kufunga kwekanguva kuti vangashandisa sei mashoko acho pavanokurukura rugwaro rwacho mazuva ose.
18 min: Kukudziridza Ushamwari Nevatinonamata Navo. (Zvir. 18:24; 27:9) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaDecember 1, 2000, mapeji 22-3. Chimwe chezvikomborero zvokunamata kwechokwadi mukana wokuita shamwari chaidzoidzo. Kushamwaridzana kwedu pamisangano, mubasa romumunda, uye dzimwewo nguva kunotikurudzira zvikuru. Tingakudziridza sei ushamwari nevamwe muungano? Dzokorora bhokisi rinoti “Nhanho Nhanhatu Dzokuita Ushamwari Hunogara,” uye kumbira vateereri kutsinhira kuti pfungwa imwe neimwe ingashandiswa sei pakubata nehama dzedu.
Rwiyo 177 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 2
10 min: Zviziviso zveungano. Taura mabhuku anogoverwa muna February. Dzokorora mharidzo dzokugovera bhuku raSwedera Pedyo naJehovha dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2003, peji 3.
20 min: “Rambai Muchinyatsongwarira Mashandisiro Amunoita Nguva.”c Kumbira vateereri kuti vataure zvavanoita kuti zvinhu zvisina nebasa rose zvisavapedzera nguva yezvinhu zvine chokuita nokunamata.
15 min: Tevedzera Pauro Sezvaakaita Kristu. (1 VaK. 11:1) Kukurukurirana nevateereri. SaJesu, Pauro akashandisa mikana yokupupurira “avo vaivapo.” (Mab. 17:17) Mikana ipi iripo yokuita izvi mundima yedu? Ndivanaani ‘varipo’ patinenge tichitenga, tiri kubasa, tiri kuchikoro, kana kuti tiri muchifambiso chavose? Ndivanaani vatingataura navo kana tiri pamba? Kumbira vateereri kuti varondedzere zvavakasangana nazvo pavaipupurira vanhu mumabasa ezuva nezuva.
Rwiyo 151 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.