Tingabatsira Sei Vasingatendi Vakaroorana neZvapupu?
1 Vashumiri vaJehovha vakawanda vakaroorana nevanhu vanofarira hama uye ungano asi vachirega kuva vashumiri vaMwari. Mumwe murume akati: “Kuenda pamba nemba kwaiva chipingamupinyi chikuru kwandiri.” Vamwe vangave netsika dzisiri dzepamagwaro dzavanoda kukurira, kana kuti vangafunga kuti havangambokwanisi kuita purogiramu yezvose zvinodiwa zvechiKristu sezvinoita wavakaroorana naye. Tingavabatsira sei?
2 Vafarire: Kufarira vamwe uye kucherechedza zvinovanetsa kungazarura nzira yokuti vabvume chokwadi cheBhaibheri. (VaF. 2:4) Vaya vaisadavira zvinotendwa newavakaroorana naye vanowanzotaura nezvorudo rwavakaratidzwa nevamwe. “José, mumwe mukuru muungano, akandifarira zvikuru,” akatsanangura kudaro murume ambotaurwa pakutanga. “Ndinofunga kuti kukurudzira kwake ndiko kwakazoita kuti nditange kudzidza nomwoyo wose.” Mumwe murume anoyeuka kuti hama dzaimushanyira dzaiedza kutaura pamusoro pezvaaifarira. “Ndakatanga kuona kutenda [kwomudzimai wangu] nemaonero akasiyana zvachose,” akadaro. “Shamwari dzake dzaiva vanhu vakangwara zvikuru avo vaigona kutaura nhau dzakasiyana-siyana.”—1 VaK. 9:20-23.
3 Ipa Rubatsiro Runodiwa: Vasingatendi vakaroora Zvapupu vangafara kwazvo nokuyamurwa kwavangaitwa nenzira yomutsa. (Zvir. 3:27; VaG. 6:10) Apo motokari yomumwe murume asingatendi yakafa, rimwe jaya rechiKristu rakamubatsira. “Izvi zvakandifadza kwazvo,” anodaro. Imwe hama yakapedza zuva rose ichibatsira murume asingatendi weimwe hanzvadzi kuisa waya pamusha pake. Pavaishanda vachikurukurirana, vakatanga ushamwari. Vhiki mbiri gare gare, murume uya akaudza hama iyi kuti: “Yava nguva yokuti ndichinje upenyu hwangu. Mungandidzidzisa Bhaibheri here?” Akakurumidza kufambira mberi uye iye zvino Chapupu chakabhabhatidzwa.
4 Sezvatinoramba tichitsvaka vakafanirwa vari mundima yedu, ngatirambei tichibatsira vaya vasiri Zvapupu vakaroorana nevatinotenda navo.—1 Tim. 2:1-4.