RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/04 p. 1
  • Kukosha Kukuru Kwouchenjeri hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukosha Kukuru Kwouchenjeri hwaMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzo Inobva Kuna Mwari Inokosha Kupfuura Dzidzo Yenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kushandisa kwaJehovha “Upenzi” Kuti Aponese Avo Vanotenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • ‘Chokwadi Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama!’
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Uchenjeri Hwechokwadi Huri Kushevedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 1/04 p. 1

Kukosha Kukuru Kwouchenjeri hwaMwari

1 Vamwe vanhu vanofunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kushingairira zvakananga pakubatsira kuderedza zvinetso zvinotarisana nevanhu nhasi. Vanhu vakadaro vanokundikana kuona kukosha kukuru kwebasa redu rokudzidzisa Bhaibheri. Zvakaita sezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti: “Kutaura pamusoro pedanda rokutambudzikira upenzi kune avo vari kuparara, asi kunesu vari kuponeswa isimba raMwari.” (1 VaK. 1:18) Chokwadi, tinoziva kuti ushumiri hwechiKristu ndiro basa rinokosha kupfuura ose riri kuitwa pasi pano nhasi.

2 Upenyu Huri Nani Zvino: Kuedza kwevanhu kupedza zvinetso zvavo hakuna kunyatsobudirira. Mitemo haina kumisa kuwedzera kuparwa kwemhosva. Zvibvumirano zvorunyararo uye mauto anochengetedza runyararo haana kugumisa hondo. Zvirongwa zvokuyamura zvakundikana kupedza urombo. (Pis. 146:3, 4; Jer. 8:9) Kusiyana neizvi, shoko roUmambo rachinja upenyu hwemamiriyoni nokuabatsira kupfeka unhu hutsva hunofadza Mwari. (VaR. 12:2; VaK. 3:9, 10) Nokuita kudaro, vanova noupenyu huri nani iye zvino.—1 Tim. 4:8.

3 Nguva Yemberi Inofadza: Kuwedzera pakutibatsira kukurira zvinetso zvoupenyu zvinotovapo, uchenjeri hwaMwari hunoita kuti tigone kuronga nguva yemberi zvinobudirira. (Pis. 119:105) Hunoita kuti tisatambisa nguva tichiedza kuchinja gadziriro yezvinhu iripo. (Mup. 1:15; VaR. 8:20) Tinofara zvikuru kuti hatisi kutambisa upenyu hwedu tichitevera zvinangwa zvokungofungidzira! Pane kudaro, tinonangidzira zvatinoita pachipikirwa chaJehovha chechokwadi che“matenga matsva nepasi idzva” umo kururama kuchagara mazviri. Zuva raJehovha rokutonga parichasvika, zvichava pachena kuti vaya vakavimba nouchenjeri hwaMwari vakaita chisarudzo chakanaka.—2 Pet. 3:10-13; Pis. 37:34.

4 Kunyange zvazvo uchenjeri hwaMwari hungaita sohusingashandi kune vaya vakanyura mu“uchenjeri hwegadziriro ino yezvinhu,” chokwadi ndiyo nzira chete inoshanda yokutevera. (1 VaK. 1:21; 2:6-8) Saka, tinoramba tichizivisa pasi pose shoko rinobva kuna Mwari, uyo ari iye “akachenjera oga.”—VaR. 16:27.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe