RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/03 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naDecember 8
  • Vhiki Inotanga naDecember 15
  • Vhiki Inotanga naDecember 22
  • Vhiki Inotanga naDecember 29
  • Vhiki Inotanga naJanuary 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 12/03 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naDecember 8

Rwiyo 221

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaDecember 1 uye Mukai! yaDecember 8. Mumienzaniso yacho, taura nezvemagazini imwe chete asi ogoverwa ari maviri.

20 min: “Batsira Vaya ‘Vanoda.’”a Shandisa mibvunzo iripo. Dzokorora mazano okudzokerazve ari mubhokisi riri papeji 3 muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997.

15 min: “Chikoro chaMwari Choushumiri Cha2004.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Taurawo mashoko ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2003.

Rwiyo 108 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 15

Rwiyo 71

10 min: Zviziviso zveungano. Kurudzira vose kuona vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights pakugadzirira kukurukurirana kwepaMusangano Webasa wevhiki yaDecember 29. Kurukura bhokisi rakanzi “Tapota Kurumidza Kushanya.” Ratidza zvakaita fomu rinonzi S-70 kana riripo. Taura urongwa chaihwo hwebasa romumunda hwaDecember 25 naJanuary 1.

15 min: Kudzidza Woga—Chiito Chokunamata. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaOctober 1, 2000, mapeji 14-15, ndima 6-10.

20 min: “Kubatana kwechiKristu Kwechokwadi—Kunowanikwa Sei?”b Pakukurukura ndima 5, kumbira vateereri kurondedzera zvavakaona zvine chokuita nekokorodzano dzemarudzi akawanda, mabasa okuvaka echiKristu, kana kuti basa rokuyamura vanowirwa nenjodzi rinosimbisa kubatana kwedu kwechiKristu.

Rwiyo 42 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 22

Rwiyo 10

12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaDecember 15 uye Mukai! yaJanuary 8. Yeuchidza vose nezvoMusangano Webasa unokosha wevhiki inouya, patichakurukura nezvevhidhiyo inonzi Patient Needs and Rights uye patichakurukurawo nokupa vaparidzi vachangobhabhatidzwa makadhi eAdvance Medical Directive/Release.

15 min: Zvinodiwa muungano.

18 min: “Kutsvaka Vakafanira.”c Ita kuti mashoko acho akodzere nharaunda yenyu. Vanhu vangangova pamba rini? Zvii zvakaguma zvawanikwa nokushanda zuva rovira kana kuti nguva yorubvunzavaeni? Inzira dzipi dzingashandiswa kutaura nevanhu vasingawanzovi pamba?

Rwiyo 209 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 29

Rwiyo 200

5 min: Zviziviso zveungano. Kurudzira vaparidzi vose kuendesa mishumo yavo yebasa romumunda yaDecember. Taura mabhuku anogoverwa muna January.

17 min: “Vhidhiyo Inoratidza Kurapa Kunokosha Kwava Kufarirwa Nevoruzhinji.” Inofanira kupiwa nomukuru anokwanisa. Verenga Mabasa 15:28, 29, uye nokupfupikisa taura uchisimbisa kuti chikonzero chikuru nei vaKristu vachiramba kuwedzerwa ropa kuremekedza mutemo waMwari pautsvene hweropa. Zvadaro ibva watanga kukurukurirana nevateereri vhidhiyo inonzi Patient Needs and Rights, uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Gumisa nokuverenga ndima yokupedzisira. [Kana ungano isingakwanisi kuona vhidhiyo yacho, mukuru anokwanisa anofanira kukurukura nyaya inoti “Rumbidza Jehovha ‘Pakati Peungano’” inobva muNharireyomurindi yaSeptember 1, 2003 mapeji 19-22.]

23 min: Kutarisana Nezvinetso Zvokurapwa Nechivimbo. Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa, achishandisa pepa rehurukuro rakabva kuhofisi yebazi. Kurukura pfungwa huru dziri mubhokisi rakanzi “Urongwa Hwokutibatsira Kuti Tirege Ropa.”

Rwiyo 182 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 5

Rwiyo 103

5 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Basa Renyu Harisi Pasina. (1 VaK. 15:58) Kukurukurirana nevateereri. Fanoronga kuti vaparidzi vave vachishingaira kwemakore akawanda varondedzere mashoko pamusoro pebasa mumazuva ekare. Vangani vaisonganirana neungano? Ungano yakanga yakagoverwa kushanda ndima yakakura sei? Vanhu vaidavidza sei kushoko roUmambo? Makasangana nokushorwa kworudzii? Basa roUmambo rawedzera sei munharaunda yenyu mumakore ose aya?

12 min: “Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 1.”d Pakukurukura ndima 3-6, kumbira muparidzi mumwe kana kuti vaviri kuti varondedzere zvavakava nazvo zvinokurudzira, mubasa repamba nemba, rokupupurira pamugwagwa, uye pakudzokerazve nepazvidzidzo zveBhaibheri.

13 min: “Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 2.”e Pakukurukura ndima 2-6, kumbira muparidzi mumwe kana kuti vaviri kuti varondedzere zvavakava nazvo zvinokurudzira, pavaipupurira zvisina kurongwa, nokunyora tsamba, uye norunhare.

Rwiyo 7 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe