Kutsvaka Vakafanira
1 Mirayiridzo yaJesu yokuita basa rokuparidza inogona kuva yakaoma. Akati: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri akafanira.” (Mat. 10:11) Nhasi nguva iri kupedzerwa nevanhu pamba iri kuenda ichiita shoma, tingavatsvaka sei zvinobudirira?
2 Ongorora Ndima Yako: Tanga nokuongorora ndima yako. Vanhu vangangowanikwa rini pamba? Vangawanikwa kupi masikati? Pane mumwe musi wevhiki kana kuti nguva yezuva pavangangofarira kushanyirwa here? Kugadziridza ushumiri hwako kuti huenderane nepurogiramu uye mamiriro ezvinhu evanhu vomundima yenyu zvingakubatsira kuita zvakanakisisa.—1 VaK. 9:23, 26.
3 Vaparidzi vakawanda vave vachibudirira panguva yorubvunzavaeni. Vamwe vanasaimba vanenge vakazorora zvavo uye vangangoda kuteerera panguva iyoyo. Masikati akati rebei mwedzi yaDecember naJanuary. Tingashandisa maawa aya okuwedzera kutsvaka vakafanira here? Kushanda mundima yebhizimisi uye kupupurira munzvimbo dzavose ndedzimwewo nzira dzokuudza nadzo vanhu mashoko akanaka.
4 Mumwedzi webasa rakawedzerwa, imwe ungano yakaronga kupupurira zuva rovira misi yoMugovera neSvondo uye kupupurira manheru misi yeChitatu neChishanu. Yakarongawo kupupurira norunhare uye kushanda ndima yebhizimisi. Urongwa uhwu hwakaita kuti ushumiri hufarirwe zvikuru zvokuti ungano yakasarudza kuramba ichihuita.
5 Kurumidza Kushanya: Kana zvakaoma kuwana vanhu pamba mundima yenyu paunodzokerazve, edza kunyatsorangana navo pamugumo wokushanya kumwe nokumwe, kusanganisira kokutanga, kuti muchazoonana rini. Zvadaro, iva nechokwadi chokuita zvamarangana. (Mat. 5:37) Kana zvakakodzera, ungakumbira nhamba dzenhare dzasaimba wacho. Izvi zvingakubatsirawo kutaurazve nomunhu wacho.
6 Kushingaira kwedu kutsvaka vakafanira uye tovashanyirazve zvechokwadi kuchakomborerwa naJehovha.—Zvir. 21:5.