Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naOct. 27, 2003. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaSept. 1 kusvika kune yaOct. 27, 2003. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Zano rakapiwa pana 1 Timoti 2:9 rinorevei rokuti munhu apfeke “nguo dzakagadzirwa zvakanaka,” uye izvi zvingava nei chokuita nemharidzo dzedu tiri pachikuva kana kuti tiri muushumiri hwomumunda? [be-CA p. 132 ndima 4-5]
2. Nhungamiro dzeBhaibheri dziri pana 1 Johani 2:15-17; VaEfeso 2:2, uye VaRoma 15:3 dzinochinja sei chitarisiko chedu? [be-CA p. 133 ndima 2-4]
3. Nei kuva nechivimbo kuchikosha, uye tingawana sei chivimbo pakutaura pachikuva kana kuti muushumiri? [be-CA p. 135 bhokisi; p. 136 ndima 5, bhokisi]
4. Se“chapupu chakatendeka nechechokwadi,” Jesu akatiratidza sei muenzaniso mukushandisa Bhaibheri muushumiri? (Zvak. 3:14) [be-CA p. 143 ndima 2-3]
5. Tingava sei shasha pakushandisa Bhaibheri? (Tito 1:9) [be-CA p. 144 ndima 1, bhokisi]
HURUKURO NHA. 1
6. Kudzidza kunosanganisira chii, uye ndezvipi zvimwe zvinobatsira kudzidza Shoko raMwari nguva dzose? [be-CA p. 27 ndima 3; p. 32 ndima 4]
7. Maererano naJakobho 1:5, 6, chii chinokosha patinotarisana nechisarudzo chinokosha? [w01-CA 9/1 p. 28 ndima 4]
8. Misi inokosha chii, uye nei ichikosha zvikuru? [si-CA p. 282 ndima 27]
9. Munzirai umo “une makuhwa” ari benzi? (Zvir. 10:18) [w01-CA 9/15 p. 25 ndima 3]
10. Vanhu vachasvika sei pakunzwisisa zvizere maonero anoita Jehovha nguva munyika itsva? [si-CA p. 283 ndima 32]
KUVERENGA BHAIBHERI KWEVHIKI NEVHIKI
11. Chokwadi kana Nhema: Pana 1 VaKorinde 2:9, muapostora Pauro ari kutaura nezvezvinhu izvo Jehovha akagadzirira senhaka vanhu vake vakatendeka. Tsanangura. [ip-2-CA p. 366 bhokisi]
12. Mashoko akanyorwa pana 1 VaKorinde 10:13 anoshanda pamiedzo ipi, uye Jehovha ‘anoita nzira yokubuda nayo’ sei? [w91-CA 10/1 map. 10-11 ndima 11-14]
13. Muenzaniso worupo rwaJesu unei chokuita nevaKristu? (2 VaK. 8:9) [w92-CA 1/15 p. 16 ndima 10]
14. Mutemo waiva sei ‘muperekedzi anotungamirira kuna Kristu’? (VaG. 3:24) [w02-CA 6/1 p. 15 ndima 11]
15. “Zvinhu zvepakutanga zvenyika” chii, zvatinofanira kudzivisa kuti tisarasika? (VaK. 2:8)