Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna October: Nharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira, govera bhurocha raAnodei, uchiedza nepaunogona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nawo, bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi kana kuti rimwe bhuku rekare ringagoverwa. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana musina iri, mungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rakabudiswa 1988 asati asvika iro ungano ingava naro. Kana musina mabhuku aya, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mamwe mabhuku ekare okuwedzera amungagona kushandisa. Ungano dzisina mabhuku ekare dzingagovera bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri ya2004” uye inofanira kuchengetwa kuti ishandiswe muna 2004 mose.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2004 ichapiwa nomusi weSvondo, April 18. Musoro wehurukuro yacho uchaziviswa gare gare. Ungano dziya dzichange dzichishanyirwa nomutariri wedunhu kana kuti dzine gungano kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro inokosha iyi vhiki inotevera yacho. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro inokosha April 18, 2004 asati asvika.