Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJune 9
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 uye Mukai! yaJune 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa. Verengawo rugwaro pamuenzaniso mumwe nomumwe.
15 min: “Ushumiri hwechiKristu—Basa Redu Guru.”a Kurudzira pwere kufunga zvikomborero zvadzingava nazvo nokupinda mubasa renguva yakazara. Taurawo mashoko ari pasi pomusoro muduku unoti “Apo Tsika Nehana Zvinosiyana,” uri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2000, pamapeji 19-20.
20 min: “Kurega Basa—Musuo Webasa Rakawedzerwa Here?”b Kana zvichibvira, bvunzurudzawo muchidimbu muparidzi akashandisa kurega basa rokunyika kuti aite zvakawanda mubasa raJehovha. Mubvunze kuti zvii zvaakagadziridza uye kuti zvikomborero zvipi zvaakava nazvo somugumisiro.
Rwiyo 190 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 16
8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
12 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Shingaira ‘Kupupurira Kwazvo.’”c Shandisa mibvunzo iripo. Wapedza kukurukura ndima 5 ne6, ivawo nomuenzaniso mupfupi wokupupurira zvisina kurongwa kuna mabharani wechitoro nokumugovera turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? Usati wakurukura ndima 7 ne8, ita kuti dziverengwe zvinonzwika. Pakugumisa, verenga ndokukurukura bhokisi rakanzi “Musavakanganwa!”
Rwiyo 131 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 23
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 15 uye Mukai! yaJuly 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kuratidzirwa. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza muparidzi ari kupupura mumugwagwa.
20 min: Chii Chingaitwa Nokuora Mwoyo? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 1999, mapeji 28-9, kusanganisira musoro muduku unoti “Kuramba Uine Maonero Akanaka.” Kurukura mazano anobatsira pamwe nemazano eMagwaro. Fanoronga kuti muparidzi mumwe kana vaviri vanobudirira vatsanangure zvinovabatsira kuramba vachifara muushumiri hwavo.
15 min: “Kuparidza Munyika Inoramba Ichichinja.”d Pakukurukura ndima 2-3, bvunza vateereri kuti zviitiko zvemazuva ano zvipi zvingashandiswa kutanga kukurukurirana mundima yenyu. Pakukurukura ndima 4, iva nomuenzaniso mupfupi, uchishandisa imwe yemharidzo dzataurwa.
Rwiyo 15 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 30
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaJune. Taura mabhuku achagoverwa muna July naAugust. Taura mabhurocha maviri ane ungano. Iva nemienzaniso yakanyatsogadzirirwa yokugoverwa kwaangaitwa muushumiri. Nokuda kwemharidzo dzingangoshandiswa, ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 1998, peji 8. Mharidzo dzokuwedzera dzingawanikwa muWatch Tower Publications Index pasi pomusoro unoti “Presentations” (Mharidzo) uye pamusoro muduku uri pakati wakanzi “List by Publication” (Dzakarongwa maererano neMabhuku).
15 min: “Vakaremara—Asi Vanobere- ka Zvibereko.”e Taurawo mashoko okubatsira kungaitwa nevamwe, ari muMukai! yechiRungu yaAugust 22, 1990, pamapeji 22-3, pasi pomusoro muduku wakanzi “What Can Be Done?”
20 min: Shandisa Shoko raMwari Zvakanaka Kuparidza Umambo. Kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomutariri webasa. Tinoedza kutaura nomunhu mumwe nomumwe watinosangana naye muushumiri pfungwa inovaka yoRugwaro pamusoro poUmambo. Zvisinei, tinoda kuita zvinodarika kungoverenga magwaro eBhaibheri. Tinoda kuatsanangura, kuaenzanisira, uye kuashandisa. Ratidza kuti izvi zvingaitwa sei, uchishandisa mamwe emagwaro ari mubhuku raKurangarira semienzaniso, papeji 86, pasi pomusoro muduku wakatsveyamiswa unoti “Vabati ushe vohunhu havasati vari kugovera izvo vanhu vanoda nokukurumidzira.” Pashure pokukurukurirana kwacho, ita kuti muparidzi akanyatsogadzirira aenzanisire kushandiswa zvakanaka kungaitwa rugwaro rumwe pakudzokerazve, achipa tsanangudzo yakananga pfupi, muenzaniso uri nyore, otaura muchidimbu mashandiro azvinoita anoratidza saimba kubatsirwa kwaangaita nokutonga kwoUmambo. Tanga muenzaniso wacho nokuita kuti muparidzi averenge rugwaro. Muenzaniso wapera, taura kuti rugwaro rwatsanangurwa, rwaenzanisirwa, uye rwashandiswa sei. Kurudzira vose kukudziridza unyanzvi hwokushandisa Shoko raMwari zvakanaka.
Rwiyo 171 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 7
5 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Zvakaitika zvomuungano. Rondedzera kana kuti enzanisira semaitikiro azvakaita izvo vaparidzi veungano vakasangana nazvo (1) pavaipupurira mapoka emadzinza akasiyana-siyana kana vanhu vanotaura mimwe mitauro kana kuti (2) pavaipupurira mudzimwe nzira dzisiri basa repamba nemba uye romumugwagwa. Kurudzira vose kushandisa zvakanaka kabhuku kaGood News for All Nations uye fomu rinonzi Tapota Muonei (S-43) pavanosangana nevaya vanotaura mumwe mutauro.
25 min: “Kuita Kuti Zita raMwari Rizivikanwe.”f Shandisa mibvunzo iripo. Pakukurukura ndima 4, taurawo mashoko ari mubhokisi rakanzi “Kuzivisa Zita raMwari,” riri papeji 124 yebhuku raVazivisi. Ita kuti muparidzi ane unyanzvi aenzanisire kudzokerazve. Uchishandisa magwaro maviri kana kuti matatu kubva mubhuku raKurangarira, papeji 93, ratidza kuti nei zvichikosha kuziva ndokushandisa zita raMwari pachake.
Rwiyo 197 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
f Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.