Ushumiri hwechiKristu—Basa Redu Guru
1 Tose zvedu tine mhando dzakasiyana-siyana dzebasa ratinofanira kuita. Mwari anoda kuti tigovere zvinodiwa nemhuri dzedu. (1 Tim. 5:8) Zvisinei, basa rinobatanidzwa mune zvinodiwa naMwari izvozvo harifaniri kudzikatidza basa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi.—Mat. 24:14; 28:19, 20.
2 Jesu akatigovera muenzaniso wokutevera mu“kutanga kutsvaka umambo.” (Mat. 6:33; 1 Pet. 2:21) Kunyange aiva nezvinhu zvishoma, akanga akanyura zvizere mukuita kuda kwaBaba vake. (Ruka 4:43; 9:58; Joh. 4:34) Akashanda zvakaoma mukupupurira pamukana uri wose. (Ruka 23:43; 1 Tim. 6:13) Akakurudzira vadzidzi vake kufarira zvikuru basa rokukohwa nenzira yakadaro.—Mat. 9:37, 38.
3 Kutevedzera Jesu Nhasi: Tinogona kutevedzera muenzaniso waJesu nokuedza kurarama upenyu huri nyore hwakavakirwa paushumiri hwechiKristu. Kana tiine zvinodiwa muupenyu, ngatiteererei zano reBhaibheri rokusaramba tichiunganidza zvinhu zvakawandisa zvenyika ino. (Mat. 6:19, 20; 1 Tim. 6:8) Zviri nani zvikuru kutsvaka kuwedzera kushanda kwatinoita mubasa rokuparidza! Kana tikatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma, ngatishandei zvakaoma sezvakaitwa naJesu, tisingabvumiri zvinetso zvoupenyu zvichidzikatidza basa redu guru rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo.—Ruka 8:14; 9:59-62.
4 Kunyange vaya vane mitoro yakawanda vanoisa basa rokuparidza munzvimbo yokutanga. Imwe hama ine mhuri yakakura, ine basa rine mutoro, uye inoshanda somukuru muungano yechiKristu inoti: “Ndinoona ushumiri sebasa rangu.” Hanzvadzi piyona inoti: “Kupayona kunokosha zvikuru kudarika basa rokunyika rinobudirira.”
5 Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, ngatiteverei muenzaniso waJesu. Sei? Nokuita kuti ushumiri hwechiKristu huve basa redu guru.