RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/03 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 5/03 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna May: Govera magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! Vaparidzi vanofanira kuudza vanasaimba kuti vangabvisa mupiro kubasa renyika yose kana vachida. Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, edza kugovera bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei. June: Govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. Vanasaimba pavanenge vachitova nemabhuku aya, shandisa rimwe bhurocha rakakodzera iro ungano inaro. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waJune 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Vamwe vaparidzi vanopupurira norunhare nguva nenguva uye vari kuwana mufaro murudzi urwu rwebasa. Tingada kutaura kuti, kusiyana nokunge muchipupurira pamba nemba kana kuti mumugwagwa, hamufaniri kutaura mupiro kana urongwa hwomupiro pamunenge muchipupurira norunhare, nokuti izvi zvingagona kunzwisiswa nenzira isiri iyo sokukumbira mari norunhare. Ushumiri hweZvapupu zvaJehovha hahusi bhizimisi zvachose.—2 VaK. 2:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe