Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo Pasi Pose Mune Dzimwe Nyika dzeEurope
1 Mumakumi emakore achangodarika basa reZvapupu zvaJehovha munyika dzakati kuti dzeEurope, kusanganisira Eastern Europe, rakarambidzwa. Muzviitiko zvizhinji, kurambidzwa kwacho kwaiva kwakaoma zvikuru. Zvakanga zvakaoma kuita misangano pachena, uye kuva neImba yoUmambo yokupindira kwakanga kwakaoma chaizvo. Zvisinei, mumakore achangodarika, “Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; isu tinofara.”—Pis. 126:3.
2 Kutanga muna 1983, kudzvinyirirwa kweZvapupu zvaJehovha kwakatanga kuderera. Pakasvika 1989, Poland neHungary dzakanga dzabvumira Zvapupu zvaJehovha kuti zvizivikanwe zviri pamutemo. Muna 1991, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo muRussia. Kubvira ipapo, basa rabudirira muRussia uye mune aimbova maripabhuriki eSoviet Union. Pakati paMarch 1996 naOctober 1998, Dare Rinodzora rakatendera zvikwereti 359 zveDzimba dzoUmambo kubva kumahofisi emapazi anotarisira nyika 11 dzokuEurope.
3 Sezvaunotarira mifananidzo iri muwedzero ino, fungisisa zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa izvo Jehovha akaitira vanhu vake. (Pis. 136:4) Fara kuziva kuti mipiro yehama pasi pose iri kushandiswa zvakanaka kwazvo, zvichiratidza zvakataurwa naJesu, sezvakanyorwa pana Johani 13:35 kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”
4 Panyika dzokuEurope dziri kubatsirwa nechirongwa chokuyamura kuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma pane Romania, umo Dzimba dzoUmambo 36 dzakavakwa kubvira muna July 2000. Nokushandisa purani yakafanana paDzimba dzavo dzoUmambo dzinenge dzose, Ukraine yakavaka 61 mugore ra2001 uye dzimwe 76 muna 2002. Mazana eDzimba dzoUmambo akavakwa muBulgaria, Croatia, Macedonia, Moldova, Russia, neSerbia neMontenegro, vachiyamurwa nemari inobviswa muHomwe yeDzimba dzoUmambo.
5 Kuvaka Dzimba dzoUmambo mune dzimwe nyika kwave kusiri nyore, uye basa rakawanda rinofanira kutanga raitwa kuvaka chaiko kusati kwatanga. Kazhinji basa racho rinodya nguva yakawanda. Kwozotiwo mari yokuvaka Imba yoUmambo kudivi iroro reEurope yakawanda zvikuru kudarika munzvimbo dzakawanda dzeAfrica kana kuti South America. Zvisinei, nemhaka yokuwedzera kukuru kwevaya vanonamata Jehovha, mazana eDzimba dzoUmambo achiri kudiwa munyika dzomuEurope dzisina kupfuma!
6 Zvinoshamisa zvikuru kuona kuwedzera kukuru kwakadaro mukuvakwa kweDzimba dzoUmambo idzi! Uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa munharaunda dzakavakwa dzimba idzi, sezvinoratidzwa nezvakaitika zvakawanda. Mune dzimwe nzvimbo, zviremera zvomunzvimbo dzacho zvinoororwa nechido chokutevedzera mirayiridzo yokuvaka chinoratidzwa.
7 Isaya akaprofita zvakakodzera nezvokuwedzera mukunamata kwechokwadi panguva ino. Achishandisa muprofita wacho, Mwari akafanotaura kuti: “Ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isa. 60:22) Chokwadi, makore gumi adarika akaratidza kuva nguva yaJehovha yokuwedzera muEastern Europe. Jehovha ngaarambe achidurura chikomborero chake chakapfuma pane zvatinoedza kuita kuti kuvakwa kweDzimba dzoUmambo munyika dzakawanda kukurumidze sezvatinowedzera kutsigira Homwe yeDzimba dzoUmambo! Izvi zvichaguma nokuwedzerwa kweDzimba dzoUmambo dzakawanda munyika dzisina kupfuma. Zvichabatsira kuwedzera kunamata kwakachena munyika zhinji dzeEurope uye kuwedzera uchapupu hwakakura huri kupiwa “kusvika kumigumo yepasi.”—Mab. 13:47.
[Mifananidzo iri papeji 3]
Zvivako zveDzimba dzoUmambo Moscow, Russia
[Mifananidzo iri papeji 4]
Dzimba dzoUmambo Itsva muEastern Europe
Strumica, Macedonia
Daruvar, Croatia
Ruwa rweSokal, Lviv, Ukraine
Bitola, Macedonia
Mladost, Bulgaria
Plovdiv, Bulgaria
Krasnooktyabrskiy, Maykop, Russia
Bački Petrovac, Serbia neMontenegro
Tlumach, Ruwa rweIvano-Frankivsk, Ukraine
Rava-Ruska, Ruwa rweLviv, Ukraine
Stara Pazova, Serbia neMontenegro
Zenica, Bosnia neHerzegovina
Sokal, Ruwa rweLviv, Ukraine
Zhydachivl, Ruwa rweLviv, Ukraine