Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakakodzera here kunyorera hofisi yebazi tichibvunza kero dzevanhu vatingashamwaridzana navo netsamba?
Tinokurudzira kuti vaparidzi vanoda kunyorerana tsamba nehama dziri kune mamwe maguta uye kunyange kune dzimwe nyika vanofanira kuzviitira voga. Nguva zhinji ushamwari hwakanaka hwakavapo kubva pakuzivana kwakaitika pamagungano. Zvadaro kuburikidza nokuramba vanhu vachinyorerana tsamba zvakava nyore kutanga ushamwari hwakanaka, hunoramba huripo. Hapana chakaipa nokunyorerana kwakadaro. Zvisinei, munhu anofanira kuzviwanira kero dzetsamba dzezvinangwa zvakadaro. Kero dzose dziri mumafaira ebazi neeungano hadzifaniri kuudzwa vanhu uye hadzigoni kushandisirwa zvinodiwa zvomunhu pachake.
Zvimwe zvikoro zvinokurudzira kushamwaridzana netsamba sokudzidziswa mune zvimwe zvidzidzo. Mune zvimwe zviitiko vaparidzi vechiduku vakapupurira zvakanaka vachishandisa tsamba uye vakabudirira kuita kuti vanhu vafarire chokwadi nomwoyo wose. Zvisinei, zviri kumunhu pachake kusarudza kana achabatanidzwa muchirongwa chakadaro chokunyora tsamba chinotsigirwa nechikoro. Asi vaya vanonyorera vanhu vokunyika vanoita zvakanaka kugara vachifunga nezvokupa uchapupu hwoUmambo pane kukudziridza kufarira zvinhu zvenyika, tichifunga nezveyambiro yokudzivisa “songaniro dzakaipa” iri pana 1 VaKorinde 15:33.