RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/03 p. 6
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 4/03 p. 6

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naApril 28, 2003. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 3 kusvika kune yaApril 28, 2003. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Zvinhu zvipi zvingakutadzisa kutaura uchitsetsenura? [be-CA p. 93]

2. Chokwadi kana Nhema: Kumbomira hakufaniri kuitwa, sezvo kungaita kuti pfungwa dzevanhu dzidzungaire ndokuvapa mikana yokuti vapindire. Tsanangura.

3. Kusimbisa pfungwa kwakakodzera kunokosha zvakadini kumukurukuri kana kuti kumunhu anoverengera vamwe? (Neh. 8:8) [be-CA p. 101]

4. Munhu angakudziridza sei kusimbisa pfungwa kwakakodzera? [be-CA map. 102-3]

5. Ipfungwa huru dzipi dzinofanira kusimbiswa pakuverenga zvinonzwika mubhuku pachidzidzo cheBhaibheri kana kuti pamusangano weungano? [be-CA p. 105]

HURUKURO NHA. 1

6. Vabereki vangaitei kurovedza vana “kuti vanzwe, vadzidze” pamisangano yechiKristu? (Dheut. 31:12) [be-CA p. 16]

7. Paradhiso yomudzimu chii? [w01-CA 3/1 map. 8-10]

8. Zvirevo 8:1-3 inoratidza sei kuti uchenjeri hwaMwari hunowanikwa kune vose, uye maererano naVaKorose 2:3, hungawanikwa kupi? [w01-CA 3/15 map. 25, 28]

9. Tingaita sei kuti zita raMwari rizivikanwe? (Joh. 17:6) [be-CA map. 273-5]

10. Mashoko api anokosha anofanira kuzivikanwa nevanhu maererano ne“mashoko akanaka oumambo”? (Mat. 24:14) [be-CA map. 279-80]

KUVERENGA BHAIBHERI KWEVHIKI NEVHIKI

11. (a) Muzana remakore rokutanga, “chinhu chinosemesa” chakataurwa pana Mako 13:14 chaiva chii? (b) ‘Kumira kwacho pachisingafaniri’ kwairevei?

12. Evhangeri yaRuka inoratidza sei kuti Jesu aiva mugari wenhaka chaiye wechigaro choumambo chaDhavhidhi? (Ruka 3:23-38) [w92-CA 10/1 p. 9 ndima 3]

13. Mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 12:2 airevei?

14. Mumufananidzo waJesu wemari yedhirakema yakarasika, nei zvakaitwa nengirozi zvakanaka kwazvo? (Ruka 15:10) Muenzaniso wadzo unofanira kuita kuti tinzwe sei?

15. Ndedzipi sungano mbiri dzinotaurwa pana Ruka 22:29?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe