Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rine Zita Redu
1 “Ishoko rinotaurwa mumitauro inopfuura 200. Ishoko rinonzwiwa munyika dzinopfuura 210. Ishoko rinopiwa nomunhu pachake kwose kungawanikwa vanhu. Nderimwe rebasa rokuparidza iro nyika yati yamboziva, shoko rinobatanidza mamiriyoni pasi pose. Zvapupu zvaJehovha zvave zvakarongwa kuita basa iri kwemakore anopfuura zana!”
2 Ndiwo matangire erondedzero yevhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Inoenderera mberi ichipindura mibvunzo inoti: Zvapupu zvaJehovha ndivanaani chaizvoizvo? Basa razvo rinorongwa sei? Rinotungamirirwa sei? Rinowanirwa mari sei? Inosimbisira vaoni chokwadi chokuti “Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvakadzidziswa sesangano kubatsira vavakidzani vazvo kuti vatende Bhaibheri,” uye inovakurudzira kuti vazvionere sangano rine zita redu. Pashure pokuona iyi vhidhiyo, mumwe mukadzi akanga achidzidza, akayerera misodzi yomufaro nokuonga uye akati: “Munhu angatadza sei kuona kuti iri ndiro sangano raMwari wechokwadi, Jehovha?”—Enzanisa na1 VaKorinde 14:24, 25.
3 Mumwe mukadzi akanga adzidza Bhaibheri achimborega kwenguva yakareba, asi akanga asingagoni kubvuma kuti Utatu idzidziso yenhema. Ipapo iye nomurume wake vakaratidzwa vhidhiyo yedu. Vakaororwa zvikuru nezvairi uye vakaiona kaviri manheru iwayo. Pavakadzidza nguva yakatevera, mudzimai wacho akataura kuti aida kuva Chapupu. Akataura kuti akanga achiisa pfungwa pakudavira kwake Utatu ndokukundikana kutarira sangano redu nevanhu vari mariri. Kubva muvhidhiyo yacho akaziva kuti akanga awana sangano raMwari rechokwadi. Aida kubva atotanga kuparidza pamba nemba. Atsanangurirwa matanho anodiwa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, akati: “Ngatizviitei.” Akaoneka kuchechi kwake, akatanga kuita basa romumunda, uye akava nyanzvi pakuramba Utatu.
4 Zvave zvichinyatsozivikanwa kuti vadzidzi veBhaibheri vanofambira mberi zviri nani uye vanokurumidza kuva nezivo yezvokunamata yakakura apo vanoziva sangano raJehovha ndokusonganirana naro. Zvinokosha kuti pashure pokunge 3 000 vabhabhatidzwa paPendekosti, “vakaramba vachizvipira kukudzidzisa kwevaapostora nokusonganirana pamwe chete.” (Mab. 2:42, NW; Ref., mashoko omuzasi) Zvinokosha kuti tibatsire vadzidzi kuita izvozvo mazuva ano. Tingazviita sei?
5 Takura Mutoro Wacho: Wose anodzidza nomumwe munhu anofanira kuziva kuti ibasa rake kutungamirira mudzidzi weBhaibheri kusangano raMwari. (1 Tim. 4:16) Purogiramu yokudzidza imwe neimwe inofanira kuonekwa sedanho rokuenda kuzuva rinofadza apo mutsva acharatidzira kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Mumwe wemibvunzo yaachabvunzwa muhurukuro yorubhabhatidzo ndouyu: “Unonzwisisa here kuti kuzvitsaurira kwako nokubhabhatidzwa zvinokuzivisa somumwe weZvapupu zvaJehovha uchisonganirana nesangano raMwari rinotungamirirwa nomudzimu?” Saka, zvinokosha kuti azive kuti haagoni kushumira Mwari pasina kusonganirana nokushingaira neungano yechokwadi yechiKristu.—Mat. 24:45-47; Joh. 6:68; 2 VaK. 5:20.
6 Ramba uchidzidzisa mudzidzi wacho nezveungano yomunharaunda imomo uye sangano remarudzi akawanda reZvapupu zvaJehovha. Ita izvi papurogiramu imwe neimwe yamunodzidza Bhaibheri, uchitangira pokutanga chaipo. Kubva pakutanga chaipo, koka mudzidzi wacho kumisangano, uye ramba uchimukoka.—Zvak. 22:17.
7 Shandisa Zvishandiso Zvinogoverwa: Mabhuku edu akanakisisa okushandisa mukuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha ibhurocha raMwari Anodei Kwatiri? uye bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Ose anosimbisa kudiwa kwokusonganirana neungano. Panogumira chidzidzo 5 mubhurocha raAnodei panoti: “Unofanira kuramba uchidzidza pamusoro paJehovha nokuteerera zvinodikanwa zvake. Kupinda misangano [paImba] yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbomo kuchakubetsera kuita kudaro.” Bhuku raZivo rinoramba richikurudzira mudzidzi kupinda misangano. Chitsauko 5, ndima 22, chinokoka seizvi: “Zvapupu zvaJehovha . . . zvinokukurudzira noushamwari kugoverana nazvo mukunamata Mwari ‘nomudzimu nezvokwadi.’ (Johani 4:24)” Chitsauko 12, ndima 16, chinoti: “Sezvaunopfuuridzira iyi fundo ndokukuita muitiro wako kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, kutenda kwako kuchasimbiswa zvinotova zvikuru.” Chitsauko 16, ndima 20, chinoti: “Kuite muitiro wako kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha.” Chinotizve: “Ikoku kuchakubetsera kunzwisisa uye ipapo kushandisa kuziva Mwari muupenyu hwako uye kuchakuunzira mufarwa. Kuva rutivi rwouhama hwechiKristu hwenyika yose kuchakubetsera kuramba uri pedyo naJehovha.” Chitsauko 17 chinokurukura zvakakwana mawanire anoita munhu kuchengeteka kwechokwadi pakati pevanhu vaMwari. Sezvatinodzidza nevamwe, ibasa redu kusimbisa izvi zvikamu zvemashoko.
8 Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose chishandiso chakanaka kwazvo chakabudiswa kuitira kuti vanhu vajairane nesangano rimwe bedzi rinooneka iro Jehovha ari kushandisa nhasi kuita kuda kwake. Mashoko akazara arinawo pamusoro poushumiri hwedu, misangano, uye sangano achakurudzira muverengi kusonganirana nesu mukunamata Mwari. Kana chidzidzo cheBhaibheri changotangwa, zvinokurudzirwa kuti tipe mudzidzi kopi yeiri bhurocha kuti averenge oga. Hapana chikonzero chokuridzidza naye sezvaiitwa munguva yakapfuura.
9 Mavhidhiyo akabudiswa neSosaiti zvishandiso zvakanaka kwazvo zvokutungamirira vadzidzi kusangano rine zita redu. Zvaizova zvakanaka kana vangagona kuaona ose: (1) The New World Society in Action, kudzokororwa kwefirimu ra1954 rairondedzera kushanda zvakanaka, kwakarongeka uye kune rudo kwesangano raJehovha; (2) United by Divine Teaching, inoongorora chinzwano chorugare chave chichiratidzwa pakokorodzano dzedu dzemarudzi akawanda muEastern Europe, South America, Africa, neAsia; (3) To the Ends of the Earth, inoratidzira kupembererwa kwegore negore kwechi50 kweChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi uye inoratidza migumisiro iyo vafundisi vakava nayo pabasa rokuparidza pasi pose; (4) Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault, inotaura nhau inofadza youshingi hweZvapupu norukundo mukutarisana nokutambudzwa kwavo kune utsinye naHitler; uye, chokwadi, (5) Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name.
10 Iva Nezvinangwa Zvinofambira Mberi Nokuda Kwemisangano: Vadzidzi vanofanira kutsanangurirwa kuti tinoda zvose zviri zviviri kudzidzisa munhu ari oga pachidzidzo cheBhaibheri chepamusha uye kukurukurirana mukirasi kunoitwa pamisangano yeungano. (Joh. 6:45) Munhu mutsva anofanira kufambira mberi zvakaenzana mukunzwisisa kwaanoita Magwaro uye sangano. Nechikonzero ichi, hapana chinotsiva kupinda misangano. (VaH. 10:23-25) Tanga kukokera munhu wacho kumisangano yeungano pakarepo. Vamwe vachangobva kufarira vanotanga kupinda misangano kunyange vasati vava kudzidza Bhaibheri nguva dzose. Chokwadi, tinoda kuratidza muenzaniso wakanaka isu pachedu nokupinda nguva dzose.—Ruka 6:40; VaF. 3:17.
11 Udza mudzidzi mashoko akakwana pamusoro pemisangano uye maitisirwe ayo kuitira kuti agonzwa akasununguka paanopinda musangano wake wokutanga. Sezvo vamwe vanhu vasingasununguki zvikuru pavanoenda kunzvimbo itsva kwenguva yokutanga, zvingabatsira kuperekedza mudzidzi wacho kuImba yoUmambo paanopinda musangano wake wokutanga. Achanzwa akasununguka zvikuru kana unaye sezvaanosangana nenhengo dzeungano. Nepaunogona napo, iva mugamuchiri akanaka womueni wako, uchimuita kuti anzwe achigamuchirwa uye akasununguka.—Mat. 7:12; VaF. 2:1-4.
12 Kurudzira mudzidzi wacho kupinda zuva regungano chairo, gungano redunhu, kana kuti kokorodzano yoruwa pamukana wokutanga. Zvichida unogona kumubatanidza muzvirongwa zvako zvechokufambisa.
13 Zvishoma Nezvishoma Ita Kuti Akoshese Nomwoyo Wose: Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, peji 92, rinotsanangura kuti: “Kana kunzwisisa kwako umene kukuru sangano raJehovha kuchioneka mukurukurirano dzako navanhu vanofarira, kuchava nyore zvikuru kwavari kukura mukunzwisisa nokudaro kuchavakuchidzirira kukuita fambiro mberi huru zvikuru mukuziva Jehovha.” Gara uchitaura zvakanaka, usambotaura zvakaipa, pamusoro peungano yako. (Pis. 84:10; 133:1, 3b) Muminyengetero yaunopa pachidzidzo cheBhaibheri, dudza ungano uye kuti mudzidzi anofanira kusonganirana nayo nguva dzose.—VaEf. 1:15-17.
14 Zvechokwadi tinoda kuti vatsva vatange kuonga nomwoyo wose ushamwari hunofadza uye kuchengeteka mune zvokunamata kunowanikwa pakati pevanhu vaMwari. (1 Tim. 3:15; 1 Pet. 2:17; 5:9) SeZvapupu zvaJehovha, ngatiitei zvose zvatinogona kutungamirira vadzidzi veShoko raMwari kusangano rine zita redu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Vadzidzi vanofambira mberi nokukurumidza mune zvokunamata pavanozvionera sangano racho
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Usanonoka kukoka vadzidzi kuti vapinde misangano