RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/03 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 4/03 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna April naMay: Govera magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! Vaparidzi vanofanira kuudza vanasaimba kuti vangabvisa mupiro kubasa renyika yose kana vachida. Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, edza kugovera bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei. June: Govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. Vanasaimba pavanenge vachitova nemabhuku aya, shandisa rimwe bhurocha rakakodzera iro ungano inaro. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Pakushanda ndima isina kugoverwa, vaparidzi vangagovera bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo. Mamwe mabhuku angagoverwa kana saimba achitova nemabhuku maviri aya. Vose vanofanira kutakura maturakiti akasiyana-siyana kuitira vasiri pamisha kana kuti vanhu vasingagamuchiri mabhuku. Tinofanira kuedza kutevera vanenge vafarira, zvikurukuru kune ndima dzisina kugoverwa dzinogona kusvikwa neungano dziri pedyo.

◼ Kutanga muna April, mabheji ekokorodzano yoruwa angaodwa paFomu Rokuodha Mabhuku S-14). Zvibatiso zvepurasitiki zvemabheji acho zvingaodherwawo vapi nevapi vanozvida vari muungano.

◼ Hofisi yebazi inoda kugara nekero nenhamba dzorunhare dzevatariri vanotungamirira nevanyori vose dzinenge dzichishanda panguva iyoyo. Kana dzikachinja panguva ipi neipi, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, kusaina, uye kutumira fomu rinonzi Chinjo Yekero Yomutariri Anotungamirira/Munyori (S-29) kuhofisi yebazi nokukurumidza. Izvi zvinosanganisira kuchinja kupi nokupi kwenhamba dzorunhare dzinoratidza nzvimbo yacho (STD).

◼ Vanyori veungano vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Aya anogona kuodwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Chengetai anokwana gore rimwe kana kupfuura. Ongororai mafomu ose okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose kuti muve nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo.

◼ Nguva nenguva zvirongwa zvako zvokufamba pazvinosanganisira kupinda misangano yeungano, gungano, kana kuti kokorodzano yoruwa kune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kuhofisi yebazi iyo inotarisira basa racho munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeBhuku Regore rino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe