RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/03 p. 1
  • Jehovha Anofanira Kurumbidzwa Kwazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anofanira Kurumbidzwa Kwazvo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kupinda Kwatinoita Misangano Kunoratidzei Nezvedu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Rambai Muchiita Izvi Muchindiyeuka”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ita Kuti Vamwe Vabatsirwe Norudzikinuro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Shingairira Kuita Zvakanaka!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 3/03 p. 1

Jehovha Anofanira Kurumbidzwa Kwazvo

Kudya kwaShe Kwemanheru Kuchachengetwa Musi waApril 16

1 Tinoramba tichiwedzera kutarisira sezvatinoswedera pedyo nomusi waApril 16, 2003. Manheru iwayo tichachengeta rufu rwaJesu, tichibatana nemamiriyoni evamwe vanamati pasi pose kurumbidza zita raJehovha. Jehovha akafanirwa nokurumbidzwa nesu nokuda kwechipo chinoshamisa chorudzikinuro. Narwo, achapa zvikomborero zvinoshamisa kuvanhu vose vanoteerera. Tinobatana nomwoyo wose nomunyori wepisarema kushevedzera kuti: “Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo.”—Pis. 145:3.

2 Iyi inguva yokufungisisa kunaka kwaJehovha uye chikwereti chokuti timuonge nokutumira kwaakaita “Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye.” (1 Joh. 4:9, 10) Kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru sezvinodiwa kunosimbisira mwoyo yedu kuti “Jehovha une nyasha, uzere netsitsi . . . une ngoni zhinji.” (Pis. 145:8) Chokwadi, rudzikinuro kuratidzwa kukuru kworudo rwaJehovha kuvanhu vose. (Joh. 3:16) Patinofunga rudo rwaMwari ndokufungisisa upenyu hwaJesu hwokutendeka, tinokurudzirwa kurumbidza Jehovha. Nokusingaperi, tichamurumbidza nokuda kworudo rwake rusina parunogumira rwakaratidzwa mukuita kuti tigone kuwana upenyu husingaperi.—Pis. 145:1, 2.

3 Batsira Vamwe Kurumbidza Jehovha: Kuonga chipo chaMwari chakanakisisa chorudzikinuro kunoita kuti tikoke vamwe kuti vabatane nesu mukurumbidza Jehovha. Munyori wepisarema akafuridzirwa kunyora kuti: “Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, nokuimbira kururama kwenyu.” (Pis. 145:7) Gore rapera roga, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvakapedzera maawa anopfuura bhiriyoni mubasa rokuparidza. Kushanda kwavo kwakaguma nei? Vhiki imwe neimwe, vanhu vanodarika 5 100 paavhareji vaibhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Nevanhu vakapinda Chirangaridzo 15 597 746, kusanganisira vanodarika mamiriyoni 9 vasati vatanga kurumbidza Jehovha sevaparidzi vemashoko akanaka, pane mukana mukuru wokuwedzerazve! Sevazivisi voUmambo, tinokoshesa ropafadzo yedu yokuzivisa mashoko akanaka neyokutungamirira mwoyo yevamwe kuna Jehovha, kuMwanakomana wake, uye kuUmambo.

4 Nzira yakaisvonaka yokukurudzira vamwe kuti vakudze Jehovha ndeyokuvakoka kuti vave nesu pakuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Wakanyora here vose vaya vaunoda kukoka uyewo vamwe vangada kuyeuchidzwa nezvezuva uye awa yacho? Wakakoka vose vaya vawakanyora here? Kana usati, shingaira kuvakoka panguva yasara. Vabatsire kunzwisisa chinangwa chokuchengeta kwacho. Pachiitiko chacho, iva akagadzirira kukwazisa vaeni. Ita kuti vanzwe kuti vanogamuchirwa, vasume kune vamwe, uye varumbidze nokuvapo kwavo.

5 Kupinda Chirangaridzo kungakurudzira vatsva kufambira mberi mune zvokunamata. Mumwe mudzidzi weBhaibheri anotambura nokunetseka kunokonzerwa nokufunga zvakaitika, zvichiita kuti zvimuomere zvikuru kuenda kunzvimbo dzine vanhu vakawanda, akauya kuChirangaridzo. Paakabvunzwa zvaaifunga nezvomusangano wacho, akati: “Hwaiva usiku hutsvene tsvene, uye ndaivapo.” Kubvira ipapo, akatanga kupinda misangano.

6 Chirangaridzo Chapera: Chii chingaitwa kubatsira ava vanofarira kuva varumbidzi vaJehovha? Vakuru vachacherechedza vatsva vanopinda Chirangaridzo ndokuronga kuti vaparidzi vanokwanisa vavashanyire nokukurumidza kuti vakurukure zvinhu zvinozorodza zvavakadzidza uye zvavakaona. Vamwe vangada kudzidza Bhaibheri. Vanofanirawo kukokwa kuti vapinde misangano yose yeungano yevhiki nevhiki, sezvo kupinda nguva dzose kungawedzera zivo yavo yeBhaibheri.

7 Zvirongwa zviri kuitwa zvokukurudzira vaya vasiri venguva dzose uye vasingachaiti basa kuti vapinde misangano nguva dzose. Kana ukakumbirwa nevakuru kuti ubatsire mumwe munhu asingachaiti basa kuti aitezve basa romumunda, iva anoda kubatsira. Kuratidza kuva nehanya nehama dzedu kwakadaro kunoenderana nokurayira kwomuapostora Pauro kwokuti: “Chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VaG. 6:10.

8 Tose zvedu ngatiedze nepatinogona napo kuvapo paChirangaridzo musi waApril 16. Hatingadi kusavapo pachiitiko ichi chitsvene kudarika zvose chokurumbidza Jehovha. Chokwadi, zvino uye nokusingaperi, ngatirumbidze Jehovha nokuda kwemabasa ake makuru!—Pis. 145:21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe