RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/03 pp. 2-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 2/03 pp. 2-7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna February: Bhuku idzva raSwedera Pedyo naJehovha, richagoverwa. March: Govera bhuku raZivo, uchiedza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April naMay: Govera magazini yeNharireyomurindi neMukai! Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, vangave vaya vakapinda Chirangaridzo kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingashingairi kusonganirana neungano, simbirira pakugovera bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waMarch 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa. Zivisai kugamuchirwa kwemipiro iyo ungano yakapa kubasa renyika yose uye chero kune imwe homwe yakarongwa nesangano.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuongorora basa remapiyona ose enguva dzose. Kana pane vari kuomerwa nokusvitsa maawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe. Nokuda kwemazano, dzokororai tsamba dzepagore S-201. Onaiwo ndima 12-20 dzewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1986.

◼ Musoro wehurukuro yavose yemwaka weChirangaridzo cha2003 uchava wokuti “Awa Yokutongwa kweBhabhironi Yasvika Here?” Onai chiziviso chinoenderana neichi muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2002.

◼ Sezvo urongwa hwokuti munhu azvinyorese kugamuchira magazini achiita zvokutumirwa neposvo hwakaregwa, zvinokosha kuti ungano dzikurumidze kuparadzira magazini achangobuda eNharireyomurindi neMukai! padzinongoagamuchira. Izvozvo zvichaita kuti vaparidzi vave nemagazini avo ndokujairana nezviri maari vasati vaagovera mubasa romumunda.

◼ Une zvawakasangana nazvo mubasa romumunda zvinofadza zvaungada kuudza vamwe here? Tapota zvinyore wobva waita kuti mutariri anotungamirira kana kuti mumwe wevakuru veungano yenyu azviverenge. Achaongorora kuti ave nechokwadi chokuti zvose zvinodiwa zvakadai semazita, nzvimbo, uye mamwe mashoko zvanyorwa. Kopi yokupedzisira inenge yaruramiswa inofanira kupiwa mutariri anotungamirira kuti aitumire kuhofisi yebazi. Zvakaitika zvakadaro zvingashandiswa kukurudzira vamwe.

◼ Kutanga nemagazini yaMarch 1, 2003, Nharireyomurindi ichawanikwa mumabhii makuru muChichewa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe