Chii Chaunoisa Panzvimbo Yokutanga?
1 Masangano echitendero akawanda anosimbirira pakuita mabasa omutsa, akaita sokuvaka zvivako zvedzidzo yokunyika kana zvipatara. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha nepo zvisingakanganwi “kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe,” zvinoisa kubatsira vanhu mune zvokunamata panzvimbo yokutanga.—VaH. 13:16.
2 Muenzaniso Womuzana Remakore Rokutanga: Jesu akaita mabasa akanaka akawanda muushumiri hwake pasi pano, asi basa rake guru raiva rokupupurira chokwadi. (Ruka 4:43; Joh. 18:37; Mab. 10:38) Akarayira vateveri vake kuti “naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa.” (Mat. 28:19, 20) Uye akaratidza kuti vaya vanotenda maari vaizoita basa racho pamwero mukuru zvikuru pane raakanga atanga. (Joh. 14:12) Jesu aiisa basa rokuparidza panzvimbo yokutanga nokuti rinobatsira vanhu kuwana nzira yoruponeso.—Joh. 17:3.
3 Muapostora Pauro aiona basa rake rokuparidza so“musengwa,” chimwe chinhu chinodiwa chaaisagona kurega. (1 VaK. 9:16, 17) Aiva akagadzirira kurega chinhu chipi nechipi chaaida, kutsungirira muedzo chero upi, kana kutambura nhamo chero ipi kuti aite ushumiri hwake. (Mab. 20:22-24) Muapostora Petro neshamwari dzake vakaratidza pfungwa yakadaro. Kunyange pavakaiswa mujeri uye pavakarohwa, “vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”—Mab. 5:40-42.
4 Ko isu? Tinoisa basa rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo uye rokuita vadzidzi panzvimbo yokutanga here? SaJesu, tine hanya chaizvoizvo nevaya vano‘batwa zvisina kufanira uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi’ here? (Mat. 9:36) Zviri kuitika munyika panguva ino uye uprofita hweBhaibheri zvinonyatsoratidza kuti nguva iri kuperera nyika ino yakaipa! Kunyatsofungisisa kukosha kwebasa rokuparidza kuchatiita kuti tirambe tichiparidza nokushingaira.
5 Ongorora Mamiriro Ako Ezvinhu: Sezvo mamiriro ezvinhu omunhu pachake anowanzochinja, zvakanaka kuti apo neapo tifunge kana tingaagadzirisa kuti tiite basa rokuparidza zvakazara. Imwe hanzvadzi yakanga iri piyona wenguva dzose mumakore okuma50, ma60, nema70, asi yakaona zvakakodzera kuti imire nemhaka youtano husina kunaka. Zvisinei, nokufamba kwenguva utano hwayo hwakavandudzika. Munguva pfupi yapfuura yakaongororazve mamiriro ayo ezvinhu ndokusarudza kuti yaigona kupayona zvekare. Yakafara zvikuru kupinda Chikoro Chebasa Roupiyona pazera remakore 90! Ko iwe? Wava pedyo nokurega basa kana kuti kupedza chikoro here? Mamiriro ako ezvinhu akachinja angakubvumira kupayona here?
6 Jesu paakaona kuti Marita “akatsauswa nokutarisira zvakawanda,” akataura nomutsa kuti aizowana zvikomborero zvakawanda kana aizoita kuti zvinhu zvirambe zviri nyore. (Ruka 10:40-42) Ungaita kuti mararamiro ako ave nyore here? Chaizvoizvo zvinokosha here kuti murume nomudzimai vashande kunyika? Kana mukagadzirisa, mhuri ingararama nemari yomunhu mumwe chete here? Vakawanda vakabatsirwa mune zvokunamata kuburikidza nokugadzirisa upenyu hwavo kuti vaite zvakawanda muushumiri.
7 Tose zvedu ngatitevere muenzaniso wakaitwa naJesu nevaapostora! Tinogona kuva nechokwadi chechikomborero chaJehovha pane zvatinoedza kuita zvechokwadi kuti tishande zvakazara mubasa rinokosha rokuparidza mashoko akanaka oUmambo.—Ruka 9:57-62.