Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naFebruary 24, 2003. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 6 kusvika kune yaFebruary 24, 2003. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Chokwadi kana Nhema: Chinhu chinokosha pakuverenga nomazvo kuva nechokwadi chokuti zviri kuverengwa zvinoita sezvakarurama, kunyange kana zvakati siyanei nezvakanyorwa. Tsanangura. [be-CA p. 83]
2. Zadzisa Musina Kunyorwa: Kuti munhu averenge nomazvo, anofanira ․․․․․․․․, ․․․․․․․․, ․․․․․․․․ uye kuita kudaro zvinonzwika. [be-CA p. 85]
3. Nei kutaura zvakajeka kuchikosha? (1 VaK. 14:8, 9) [be-CA p. 86]
4. Zvinhu zvipi zvingaita kuti kutaura kusava kwakajeka, uye chii chatingaita kuti tinyatsotaura zvakajeka? [be-CA map. 87-8]
5. Mashoko api akashandiswa paChikoro chaMwari Choushumiri mumwedzi miviri yadarika aunofunga kuti unofanira kudzidzira kuataura nomazvo? [be-CA p. 92]
HURUKURO NHA. 1
6. Chokwadi kana Nhema: Maziso edu anogona kutibatsira kuteerera. Tsanangura. [be-CA p. 14]
7. Zadzisa Musina Kunyorwa: ․․․․․․․․, ․․․․․․․․, ․․․․․․․․ uye ․․․․․․․․ zvose zvinoshanda sezviratidzo zvenguva zvakapiwa naMwari. [si-CA p. 279 ndima 7]
8. Zadzisa Musina Kunyorwa: Parinoshandiswa muBhaibheri, shoko rokuti “zuva” rinogona kureva maawa ․․․․․․․․, maawa ․․․․․․․․, makore ․․․․․․․․, kana kuti ․․․․․․․․, zviri kutaurwa zvichiratidza pfungwa yokushanda kwaro. [si-CA p. 279 ndima 8]
9. Mienzaniso yaHana, Mako, naEriya ingatibatsira sei kurarama nokuora mwoyo? Tingashandisa sei mienzaniso iyi kubatsira vamwe? [w01-CA 2/1 map. 20-3]
10. Kunzwisisa mitambo yokumhanya yekare kunojekesa sei dzimwe ndima dzeBhaibheri? Mashoko aya anofanira kuita kuti tinzwe sei muupenyu hwedu? [w01-CA 1/1 map. 28-31]
KUVERENGA BHAIBHERI KWEVHIKI NEVHIKI
11. Chokwadi kana Nhema: Sezvo Umambo hwaMwari hwakagadzwa mudenga muna 1914, hazvisisina kukodzera kunyengetera kuti, “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mat. 6:10) Tsanangura. [be-CA p. 279; w96-CA 6/1 p. 31]
12. Chokwadi kana Nhema: Mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 11:24 anoreva kuti vaya vakaparadzwa naJehovha nomoto muSodhomu neGomora vachamutswa. Tsanangura.
13. Sarudza Mhinduro: Muranda akatendeka, akangwara akataurwa naJesu pana Mateu 24:45-47 anoreva (a) Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha; (b) vaKristu vose vakazodzwa vari pasi pano seboka panguva ipi neipi; (c) Jesu Kristu pachake. Muranda uyu anogovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira kune “veimba,” avo vanomiririra (a) vakazodzwa somunhu mumwe nomumwe; (b) mamwe makwai; (c) vose vanoverenga mabhuku echiKristu. Tenzi akagadza muranda pazvinhu zvake zvose mugore ra(a) 1914; (b) 33 C.E.; (c) 1919.
14. Sarudza Mhinduro: Utava hunotaurwa nezvahwo mumufananidzo waJesu uri pana Mateu 13:47-50 hwave huchibatanidza ungano yevaKristu vakazodzwa uye (a) Umambo hwaMesiya hwaMwari; (b) vamwe vavo vemamwe makwai; (c) chiKristudhomu.
15. Maererano nemashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 5:24, unofanira kuitei kana ukaona kuti wagumbura mumwe waunonamata naye? [w01-CA 4/1 p. 22]