Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 13
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 4, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 15 uye Mukai! yaFebruary 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, magazini acho ose ari maviri anofanira kugoverwa pamwe chete, kunyange zvazvo imwe iriyo iri kugoverwa.
15 min: Vawanwe Pasina Shoko. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Mufambiro wechiKristu wakaisvonaka uchapupu hwakasimba. Wakaita kuti varume kana vakadzi vasingatendi vave vanamati vaJehovha. (1 Pet. 3:1, 2) Rondedzera zvakaitika zviri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1999, papeji 4; Nharireyomurindi yaOctober 1, 1995, mapeji 10-11; uye Bhuku Regore ra1995 rechiRungu, papeji 46. Fanoronga kuti vaviri kana vatatu vataure zvavakaona zvakanaka pakutevera mazano eBhaibheri munhau iyi.
20 min: “Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwedu.”a Wakurukura ndima 3, bvunzurudza kwenguva pfupi wechiduku abva zera kana achiri kuyaruka akabhabhatidzwa. Zvinetsoi zvaakasangana nazvo kubvira paakabhabhatidzwa? Chii chakamubatsira kukurira zvinetso izvozvo? Akabatsirwa sei nokutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha?
Rwiyo 22 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 20
8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: Uri Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva Here? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kurudzira vose kuti vashandise zvakanaka Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2003. Kurukura tsanangudzo dziri pamashoko okutanga, pamapeji 3-4. Taura mazano okukurukura rugwaro rwacho pamwe chete kungaitwa nemhuri. Kuti uratidze kubatsira kwokukurukura rugwaro rwacho zuva rimwe nerimwe, kurukura mienzaniso miviri kana mitatu yorugwaro netsanangudzo zvichakurukurwa mwedzi unotevera. Ivawo nomuenzaniso mupfupi womurume nomudzimai vari kukurukura pamwe chete rugwaro rwanhasi netsanangudzo dzarwo.
22 min: “Dzidzisa Vamwe Mutauro Wakachena.”b Wakurukura ndima 6, ita kuti muparidzi ane unyanzvi aenzanisire kutangwa kungaitwa chidzidzo cheBhaibheri pakudzokera, achishandisa imwe yemharidzo dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002, papeji 4. Ngaakurukurewo ndima imwe mubhurocha raAnodei. Ita kuti muparidzi wacho agumise nokubvunza mubvunzo uri pandima inotevera obva aronga kuupindura paachashanya munguva inotevera. Kurudzira vose kuona kana upi noupi wevaya vavanoshanyira angada kudzidza Bhaibheri nenzira iyi.
Rwiyo 68 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 27
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda. Uchishandisa mazano ari papeji 4, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye Mukai! yaFebruary 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ita kuti muparidzi wacho agumise nokupa saimba turakiti raUnoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?—kuna saimba asina kutora magazini uye kune atora. Tsanangura kwenguva pfupi kuti tingatevera sei kune vatakagovera magazini kana tikasiya turakiti racho.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2001, p. 4, ndima 10.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Batsira Vamwe Kuswedera Pedyo naJehovha. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Tichagovera bhuku idzva racho muna February. Kurukura mashoko akanyorerwa vaverengi ari papeji 3, uye taurawo zvimwe zvikamu zvebhuku racho. Chimwe nechimwe chezvikamu zvaro zvina chinotaura nezvechimwe chezvinhu zvikuru zviri muunhu hwaJehovha. Rine chitsauko chinoratidza kuti Jesu akaratidza sei unhu ihwohwo uye chitsauko chinokurukura maitiro atingaita izvozvo. Rine mifananidzo 17 inozadza peji yose yezviitiko zvomuBhaibheri. “Mibvunzo Yokufungisisa” inotibatsira kufungisisa zvimwe zvinokosha pamusoro penyaya yacho. Kurukura bhokisi rakanzi “Mharidzo Dzingangoshandiswa Pakugovera Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha,” uye ita kuti muparidzi ane unyanzvi aenzanisire imwe yemharidzo dzacho.
Rwiyo 124 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 3
15 min: Zviziviso zveungano. Kurukura Bhokisi Remibvunzo. Kurudzira vaparidzi kushandisa fomu rinonzi Tapota Muonei (S-43) pavanosangana nevanhu vanotaura mumwe mutauro. Kazhinji, fomu racho rinofanira kushandiswa nokuda kwechinangwa ichi kunyange kana munhu wacho asingaratidzi kufarira mashoko oUmambo.
12 min: Tevedzerai Kutenda Kwavo. Bvunzurudza mukuru muungano ashumira Jehovha nokuzvininipisa uye nokutendeka kwemakore akawanda. (VaH. 13:7) Akadzidza chokwadi sei? Akakurira zvipingamupinyi zvipi kuti arambe akasimba? Urongwa hupi hwokunamata kana kurudziro zvakamubatsira kufambira mberi? Chii chaakaita kuti asvasvavirire nzvimbo youtariri muungano? (1 Tim. 3:1) Chii chakamubatsira kuva pakati nepakati mumabasa eungano nebasa rokunyika uye mitoro yemhuri? (1 Tim. 5:8) Anonzwa sei nezveropafadzo yokubatsira vamwe muungano?
18 min: “Basa Rinoda Kuzvininipisa.”c Pakukurukura ndima 3, kumbira vateereri kuti vataure mazano okupindura kwatingaita kana mumwe munhu ari mundima akaedza kutituka kana kuti achivirima, aine nharo, kana akatsamwa. Pakukurukura ndima 4, taurawo mashoko ari muInsight, Vhoriyamu 1, papeji 1160, ndima 3.
Rwiyo 133 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.