Basa Rinoda Kuzvininipisa
1 Shoko raMwari rinotikurudzira kuva ‘vanozvininipisa, tisingatsivi zvakaipa nezvakaipa asi, panzvimbo paizvozvo, tichikomborera.’ (1 Pet. 3:8, 9) Zvechokwadi zano iroro rinoshanda mubasa rokuparidza. Chokwadi, ushumiri hwechiKristu hunogona kuva muedzo wokuzvininipisa kwedu.
2 Kuzvininipisa unhu hunotibatsira kutsungirira mamiriro ezvinhu asingafadzi. Patinoparidza, tinosvika kune vanhu vatisingazivi tisina kukokwa, tichiziva kuti vamwe vachadavidza nenzira isina kunaka. Kuramba tichiparidza pasinei nokubatwa kwakadaro kunoda kuzvininipisa. Mune imwe ndima yakaoma zvikuru, hanzvadzi mbiri dziri mapiyona dzaienda pamba nemba zuva nezuva kwemakore maviri pasina kana munhu mumwe akadzigamuchira! Zvisinei, dzakaramba dzichidaro, uye nhasi munzvimbo iyoyo mune ungano mbiri.
3 Kana Vanhu Vachivirima: Kuzvininipisa kuchatibatsira kutevedzera Jesu vamwe pavanenge vasina mutsa kana kuti vachivirima. (1 Pet. 2:21-23) Pane mumwe musha imwe hanzvadzi yakatukwa, kutanga nomudzimai uye zvadaro nomurume wacho, uyo akaidzinga pamusha pacho. Hanzvadzi yacho yakangonyemwerera ndokuti yaitarisira kuzotaura navo pane imwe nguva. Izvi zvakashamisa mukadzi nomurume ava kwazvo zvokuti vakateerera Chapupu chakatevera kuvashanyira uye vakabvuma kukokwa kuti vapinde musangano paImba yoUmambo. Hanzvadzi iya yaiva yatukwa pakutanga yakavamhoresa ndokuvapupurirazve. Isuwo tinogona kuita kuti vaya vasingadi kuteerera vade nokuratidza “unyoro noruremekedzo rukuru.”—1 Pet. 3:15; Zvir. 25:15.
4 Usadada: Zivo yedu yeBhaibheri haipi chikonzero chokuti titarisire vanhu pasi kana kuti titaure mashoko anozvidza pamusoro pavo. (Joh. 7:49) Pane kudaro, Shoko raMwari rinotirayira ‘kusataura zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi.’ (Tito 3:2) Patinova vanozvininipisa mumwoyo, sezvakanga zvakaita Jesu, tinozorodza vamwe. (Mat. 11:28, 29) Kusvika kwokuzvininipisa kunowedzera kufarirwa kwemashoko edu.
5 Hungu, kuzvininipisa kunotibatsira kutsungirira mundima yakaoma. Kunogona kuita kuti vaya vasingadi vanzwe vachida, uye kunokwezvera vamwe kumashoko oUmambo. Kupfuura zvose, kunofadza Jehovha, uyo “anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.”—1 Pet. 5:5.