Zivisa Chokwadi Pamusoro paJesu
1 VaKristu vakazodzwa, vachibatsirwa neshamwari dzavo dzemamwe makwai, “vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvak. 12:17) Iri ibasa rinokosha, sezvo kupona kuchingobvira kuburikidza naye.—Joh. 17:3; Mab. 4:12.
2 ‘Nzira, Chokwadi, Noupenyu’: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu,” Jesu akadaro. “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Joh. 14:6) Tinogona kutaura naMwari mumunyengetero ndokuva noukama hunotenderwa Naye kuburikidza naJesu bedzi, uyo ari “nzira.” (Joh. 15:16) Jesu ndiye “chokwadi” mukuti uprofita nemimvuri iri muMagwaro echiHebheru zvakava chinhu chaicho maari. (Joh. 1:17; VaK. 2:16, 17) Chaizvoizvo, chinangwa chinokosha chouprofita hwechokwadi ndechokuvhenekera basa rake rinokosha mukuzadzika kwechinangwa chaMwari. (Zvak. 19:10) Uyezve, Jesu ndiye “upenyu.” Kuti tiwane chikomborero choupenyu husingaperi, tose tinofanira kutenda muchibayiro chake chorudzikinuro.—Joh. 3:16, 36; VaH. 2:9.
3 Musoro uye Mambo Anotonga: Vanhu vanofanirawo kuziva chiremera chine simba zvikuru icho Jehovha akaronzesa Mwanakomana wake. Jesu akagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari—‘vanhu vose vanofanira kumuteerera.’ (Gen. 49:10) Uyezve, Jehovha akamusarudza kuva Musoro weungano. (VaEf. 1:22, 23) Tinofanira kubatsira vatinodzidza navo Bhaibheri kunzwisisa kuti Jesu anotungamirira ungano sei uye anoshandisa sei “muranda akatendeka, akangwara” kupa ‘zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira.’—Mat. 24:45-47.
4 Mupristi Mukuru Ane Ngoni: Jesu “anokwanisa kuyamura avo vari kuedzwa,” nokuti akasangana nemiedzo uye akatambura paaiva munhu. (VaH. 2:17, 18) Zvinonyevenutsa mwoyo kwazvo kuvanhu vasina kukwana kuti vadzidze kuti Jesu anonzwira tsitsi utera hwavo uye anovakumbirirawo nomutsa! (VaR. 8:34) Nokuda kwechibayiro chaJesu uye kuburikidza nebasa rake soMupristi mukuru, tinogona kutaura naJehovha “norusununguko rwokutaura” kuti ‘tibatsirwe panguva yakafanira.’—VaH. 4:15, 16.
5 Kuedza kwedu kuzivisa vamwe chokwadi pamusoro paJesu ngakuvakurudzire kumuteerera uye kumushumira pamwe chete nesu.—Joh. 14:15, 21.