Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira, goverai bhurocha raAnodei, muchiita nepamunogona napo kuti mutange zvidzidzo zveBhaibheri. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nemabhuku aya, mungagovera rimwe bhuku rekare. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana musina iri, mungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano.
◼ Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2002 hahufaniri kupiwa vaparidzi kusvikira ungano yapinda kokorodzano yoruwa yayakagoverwa.
◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano vangava vachida kudzorerwa.
◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi nomwedzi isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo pachavo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva mabhuku eodha chaiyo.
◼ Nharireyomurindi inobuda kamwe pamwedzi iri pakaseti yevhidhiyo ichawanikwa muMutauro Wemasaini wokuAmerica kutanga neyaSeptember 1, 2002.
◼ Ungano dzinokurudzirwa kugara dzichitarira kwadzinotambirira tsamba dzadzo. Zvakanaka kutarira kanenge kamwe pavhiki. Tsamba dzinotumirwa kune dzimwe ungano kazhinji dzinodzorerwa kuhofisi yedu nokuti dzinenge dzisina kutorwa kwounopfuura mwedzi. Izvozvo zvinoshandawo pakutumirwa kwemabhuku nemagazini. Tapota yeukai kuti nguva nenguva panodzorerwa tsamba kana kuti pasuru, ipapo bazi rinofanira kubhadhara imwezve mari yokuitumirazve ikoko. Panguva iyoyo, ungano inenge isina zvokudya zvomudzimu.
◼ Dzimwe nguva, panova nezvinetso zvinobva kumatare edzimhosva zvine chokuita nokunamata kwedu. Kabhuku kaDefending and Legally Establishing the Good News kakabudiswa muna 1950 kuti kabatsire munhau idzi. Zvisinei, mashoko omutemo akainawo haachafambirani nenguva. Saka, vaparidzi uye matare evakuru havafaniri kuedza kubata nhau dzomutemo vachishandisa mashoko ari mukabhuku ikako.
◼ Tinofara kuzivisa kuti Nharireyomurindi Yemabhii Makuru mumutauro weZulu yava kuwanikwa. Ungano dzinoda kuwana magazini aya dzinofanira kutumira odha dzadzo pafomu rinonzi Odha Yemagazini Eungano (M-202).
◼ Musi woMugovera, October 5, 2002, zvivako zvebazi muHarare zvichange zvakavharwa nokuda kwokuchenesa kunoitwa muchirimo. Pachange pasina urongwa hwokuratidza vanhu zvivako kana kuti hwokuti ungano dzizotora mabhuku zuva iroro.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2003 ichapiwa nomusi weSvondo, April 27. Musoro wehurukuro yacho uye pepa rehurukuro zvichagoverwa gare gare. Ungano dziya dzichange dzichishanyirwa nomutariri wedunhu kana kuti dzine gungano kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro inokosha yacho vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro inokosha April 27, 2003 asati asvika.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
A Satisfying Life—How to Attain It—Chichewa, chiRungu
Batsirwa Nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri—Chichewa, chiRungu, chiShona, Venda, Xhosa, Zulu
New World Translation of the Holy Scriptures—Afrikaans
Une Mudzimu Usingafi Here? (Turakiti Nha. 25)—Chichewa, chiRungu, chiShona, Venda, Xhosa, Zulu
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II—Chichewa, chiRungu, chiShona, Venda, Xhosa, Zulu
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II—Mabhii Makuru—chiRungu
◼ Makaseti Matsva Aripo:
Remekedza Chiremera chaJehovha—chiRungu
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo:
Remekedza Chiremera chaJehovha—chiRungu
◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:
The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 5—Mutauro Wemasaini wokuAmerica
The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 6—Mutauro Wemasaini wokuAmerica
(Mavhoriyamu aya ndeokuwedzera kuVhoriyamu 7 ne8 akaziviswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwakapfuura.)