Ratidza Kuvimbika somuKristu Kana Mumwe Munhu Woukama Akadzingwa
1. Mamiriro api ezvinhu angaedza kuvimbika kwomuKristu?
1 Chisungo chiri pakati penhengo dzemhuri chingava chakasimba zvikuru. Izvi zvinounza muedzo pamuKristu kana waakaroorana naye, mwana, mubereki, kana kuti imwe hama yepedyo ikadzingwa kana kuti ikazvibvisa musangano. (Mat. 10:37) VaKristu vakavimbika vanofanira kubata sei hama iyoyo? Munhu wacho anofanira kubatwa zvakasiyana kana achigara pamba penyu here? Kutanga, ngationgororei zvinotaura Bhaibheri panyaya iyi, sezvo zvarinotaura zvacho zvichishanda zvakaenzana kune vaya vakadzingwa uye kune vaya vakazvibvisa musangano.
2. Maererano neBhaibheri, vaKristu vanofanira kubata sei vaya vakadzingwa muungano?
2 Mabatiro Atinofanira Kuita Vanhu Vakadzingwa: Shoko raMwari rinorayira vaKristu kuti vasafambidzana kana kushamwaridzana nomunhu akadzingwa muungano, richiti: “[Regai] kufambidzana nomunhu wose anonzi hama ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro. . . . Bvisai munhu akaipa pakati penyu.” (1 VaK. 5:11, 13) Mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 18:17 anoshandawo panyaya yacho, anoti: “[Munhu wacho akadzingwa ngaave] kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Vateereri vaJesu vainyatsoziva kuti vaJudha vomuzuva iroro vakanga vasingawadzani neVemamwe Marudzi uye kuti vakanga vasingafambidzani nevateresi vachivaona sevanhu vakaraswa. Saka Jesu akanga achirayiridza vateveri vake kuti vasawadzana nevanhu vakadzingwa.—Ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 16-18 kana kuti yeChirungu yaSeptember 15, 1981, mapeji 18-20.
3, 4. Kuwadzana kworudzii nevanhu vakadzingwa uye vakazvibvisa musangano kusingabvumirwi?
3 Izvi zvinoreva kuti vaKristu vakavimbika havakurukuri zvinhu zvokunamata nomunhu wose akadzingwa muungano. Asi zvakawanda zvinobatanidzwa. Shoko raMwari rinoti ‘hatifaniri kunyange kudya nomunhu akadaro.’ (1 VaK. 5:11) Nokudaro, tinoregawo kushamwaridzana nomunhu akadzingwa. Izvi zvingareva kusaenda naye kupikiniki, kupati, kumutambo, kana kuenda kunotenga pamwe chete kana kuti kubhaisikopu kana kudya zvokudya pamwe chete naye pangava pamba kana muresitorendi.
4 Zvakadini nokutaura nomunhu akadzingwa? Kunyange Bhaibheri risingatauri mamiriro ezvinhu ose angavapo, 2 Johani 10 inotibatsira kuona maonero anoita Jehovha nyaya yacho, okuti: “Kana munhu akauya kwamuri akasaunza dzidziso iyi, musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa.” Ichitsanangura izvi, Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, papeji 23, inoti: ‘Kungoti ‘Kwaziwa’ kune mumwe munhu kunogona kuva nhanho yokutanga inoita kuti mutange kukurukurirana uye kunyange kuva noushamwari. Tingada kuita nhanho yokutanga iyoyo nomunhu akadzingwa here?’
5. Munhu anorasikirwa nechii kana akadzingwa?
5 Chokwadi, zvakangoita sezvinotaurwa papeji 30 yemagazini yeNharireyomurindi iyoyo kuti: ‘Chokwadi ndechokuti apo muKristu anoita chivi uye achifanira kudzingwa, iye anorasikirwa nezvakawanda: Kudiwa kwaanoitwa naMwari; kushamwaridzana kwakanaka nedzimwe hama, kusanganisira kushamwaridzana kwaainyanya kuita nevaKristu vaane ukama navo.’
6. MuKristu anofanira kugura zvachose kushamwaridzana nomunhu woukama akadzingwa waanogara naye here? Tsanangura.
6 Muchigara Mose: Izvi zvinoreva here kuti vaKristu vanogara nomumwe womumhuri akadzingwa vanofanira kurega kutaura naye, kudya naye, uye kushamwaridzana naye sezvavanoita mabasa avo ezuva nezuva? Nharireyomurindi yaApril 15, 1991, pamashoko omuzasi ari papeji 22, inoti: ‘Kana mumhuri yechiKristu muine mumwe munhu akadzingwa, iyeye achiri kubatanidzwa mumabasa nezvinhu zvinoitwa zuva nezuva nemhuri yacho.’ Saka zvichasiyirwa kunhengo dzemhuri kuti dzisarudze kuti mumwe womumhuri mavo uyu akadzingwa angabatanidzwa zvakadini pakudya kana pakuita mamwe mabasa anoitwa nemhuri yacho. Asi vangasada kuita kuti hama dzavanowadzana nadzo dzione sokuti zvinhu zvose zvichakangoita sezvazvakanga zviri asati adzingwa.
7. Kuwadzana kune chokuita nokunamata kunochinja sei mumusha kana nhengo yemhuri ikadzingwa?
7 Zvisinei, nezvomunhu akadzingwa kana akazvibvisa musangano, Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, papeji 26, inoti: ‘Zvaichimbova zvisungo zvokunamata zvakagurwa zvachose. Izvi ndezvechokwadi kunyange kune voukama, kusanganisira vaya vomumhuri make chaivo. Izvozvo zvichareva kuchinja pakuwadzana kune chokuita nokunamata kwaimboitwa mumusha macho. Somuenzaniso, kana murume akadzingwa, mudzimai wake nevana havangafari kuti iye aitise chidzidzo cheBhaibheri chemhuri kana kuti atungamirire pakuverenga Bhaibheri uye kunyengetera. Kana achida kunyengetera, zvakadai sepanguva yokudya, iye ane kodzero yokuita kudaro mumusha make. Asi ivo vanogona kunyengetera chinyararire kuna Mwari. (Zvir. 28:9; Pis. 119:145, 146) Zvakadini kana munhu akadzingwa ari mumusha achida kuvapo mhuri painoverenga Bhaibheri pamwe chete kana kuti painova nechidzidzo cheBhaibheri? Vamwe vangamurega achivapo kuti ateerere kana iye asingazoedzi kuvadzidzisa kana kuti kutaura pfungwa dzake dzechitendero.’
8. Vabereki vechiKristu vane mutoro upi pamusoro pomwana muduku akadzingwa anogara mumusha?
8 Kana mwana muduku anogara pamba akadzingwa, vabereki vechiKristu vachine mutoro wokumuriritira. Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, papeji 20, inoti: ‘Sezvo vachapfuurira kumugovera zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara, vanofanira kumurayiridza nokumuranga maererano neShoko raMwari. (Zvir. 6:20-22; 29:17) Saka vabereki vane rudo vangaronga kudzidza Bhaibheri naye pamusha, kunyange iye akadzingwa. Zvimwe acharuramiswa zvinobatsira zvikuru pavanodzidza naye ari oga. Kana kuti vangasarudza kuti avepowo mhuri painenge ichidzidza.’—Onawo Nharireyomurindi yaOctober 1, 2001, mapeji 16-17.
9. MuKristu anofanira kuonana nehama yake yakadzingwa isingagari pamba kakawanda zvakadini?
9 Voukama Vasingagari Vose: ‘Mamiriro acho ezvinhu akasiyana kana munhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa musangano ari munhu woukama asingagari pamba,’ inodaro Nharireyomurindi yaApril 15, 1988, papeji 28. ‘Zvingabvira kusatomboonana zvachose nehama yacho. Kunyange kana paine nyaya dzemhuri dzinoda kuti vanhu vaonane, zvechokwadi dzaizoitwa kuti dzirambe dziri shoma,’ maererano nomurayiro waMwari wokuti ti“rege kufambidzana nomunhu wose” anoita chivi asingapfidzi. (1 VaK. 5:11) VaKristu vakavimbika vanofanira kuedza kurega kushamwaridzana kusingakoshi nehama yakadaro, kunyange kuita kuti nyaya dzebhizimisi dzive shoma zvikuru.—Onawo Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 28-29.
10, 11. MuKristu achafungei asati abvumira hama yake yakadzingwa kuuya kuzogara pamba pake?
10 Nharireyomurindi yacho yakataura mamwe mamiriro ezvinhu angamuka ichiti: ‘Zvakadini kana hama yepedyo, yakadai somwanakomana kana kuti mubereki asingagari pamba, ikadzingwa uye iye zvino yava kuda kudzoka kuzogara pamba? Mhuri ingagona kusarudza zvokuita zvichienderana nemamiriro acho ezvinhu. Somuenzaniso, mubereki akadzingwa angava achirwara kana kuti asingachakwanisi kuzvitarisira mune zvemari kana kuti mune zvoutano. Vana vechiKristu vane mutoro wepaMagwaro uye vanofanira kubatsira. (1 Tim. 5:8) Zvavachaita zvingabva pazvinhu zvakadai sezvinodikanwa chaizvo zvomubereki wacho, mafungiro ake uye kuti musoro wemhuri une hanya zvakadini nemamiriro ezvinhu okunamata emhuri yake.’—Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 27-8.
11 Kana ari mwana, nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: ‘Pane dzimwe nguva vabereki vechiKristu vakabvuma kuti mwana akadzingwa uyo airwara kana kuti airwara pfungwa adzoke pamba. Asi vabereki vanogona kuongorora mamiriro ezvinhu omwana mumwe nomumwe. Mwanakomana akadzingwa aigara ari oga zvake, uye zvino haachakwanisi kuita kudaro here? Kana kuti anoda kudzoka zvikurukuru nemhaka yokuti hungava upenyu huri nyore here? Zvakadini nezvetsika dzake uye maitiro? Achapinza “mbiriso” mumusha here?—VaG. 5:9.’
12. Ndezvipi zvimwe zvakanakira urongwa hwokudzinga?
12 Kubatsira Kunoita Kuvimbika Kuna Jehovha: Kushandira pamwe nourongwa hweMagwaro hwokudzinga uye kurega kufambidzana nevaiti vezvakaipa vasingapfidzi kunobatsira. Kunoita kuti ungano irambe yakachena uye kunoita kuti tizivikanwe sevatsigiri vetsika dzakaisvonaka dzeBhaibheri. (1 Pet. 1:14-16) Kunotidzivirira pane zvinhu zvinoshatisa. (VaG. 5:7-9) Kunopawo muiti wezvakaipa mukana wokubatsirwa zvizere nechirango chaanowana, chingamubatsira kuva ne“chibereko chine rugare, iko kururama.”—VaH. 12:11.
13. Imwe mhuri yakagadziridza chii, zvikaguma nei?
13 Pashure pokunzwa hurukuro pane rimwe gungano redunhu, imwe hama nehanzvadzi yayo vakaziva kuti vaifanira kuchinja nzira yavakanga vachibata nayo amai vavo, vakanga vachigara kune imwe nzvimbo uye vakanga vava nemakore matanhatu vakadzingwa. Gungano richangopera, murume wacho akadana amai vake, uye avavimbisa nezvokuvada kwavaiita, akatsanangura kuti vaisagona kuramba vachitaura navo kunze kwokuti kana paiva nenyaya dzemhuri dzinokosha dzaida kuti vataure vose. Pasina nguva refu, amai vake vakatanga kupinda misangano ndokuzodzorerwa. Uyewo, murume wavo akanga asingatendi akatanga kudzidza uye nokufamba kwenguva akabhabhatidzwa.
14. Nei tichifanira kutsigira nokuvimbika urongwa hwokudzinga?
14 Kutsigira nokuvimbika urongwa hwokudzinga huri muMagwaro kunoratidza kuda kwatinoita Jehovha uye kunopa mhinduro kune uyo ari kushora Mwari. (Zvir. 27:11) Kana zvadaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatikomborera. Mambo Dhavhidhi akanyora nezvaJehovha kuti: “Handizotsauki pamirau yake. Muchava akavimbika kune akavimbika.”—2 Sam. 22:23, 26.