Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
Tichitevedzera muenzaniso waJesu, tinonyengetera nomwoyo wose kuna Mwari tichiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” Chido chedu chakasimba chokurarama maererano nomunyengetero iwoyo chinoratidzwa nemararamiro edu seZvapupu zvaJehovha. Chokwadi, zvakawanda zvinodiwa kwatiri pane kungoziva zita raMwari. Tinofanira kushandisa mukana wose kukudza zita iroro. Zvechokwadi, hapana kumwe kukudzwa kwatingada kungapfuura kushevedzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.—Mat. 6:9; Isa. 43:10.
Maererano nePisarema 110:3, vanhu vaJehovha vanoda kuita basa rakanzi naJehovha rinofanira kuitwa. Nei vanhu vemazera ose vane mamiriro ezvinhu akasiyana vari kushanda zvakaoma mubasa rokuparidzira? Zvikurukuru nokuti vanoda Mwari uye vakazvipira kwaari somunhu mumwe nomumwe. Pana Dheuteronomio 6:5, 6 tinorayirwa kuda Jehovha ‘nomwoyo wedu wose, nomweya wedu wose, nesimba redu rose.’ Rudo urwu runobva pamwoyo runoita kuti tishandise nguva yedu, simba redu, nepfuma yedu kuti tifambisire mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo hwaMwari, zvinosanganisira kuita zvizere ushumiri sezvingabvumirwa nemamiriro edu ezvinhu.
Kuda vanhu kunoita Jehovha ndiko kunoita kuti arayire kuti mashoko akanaka oUmambo hwake aziviswe munyika yose. Hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vapfidze panzira yavo yakaipa vodzoka kuMusiki wavo kuti vararame. (2 Pet. 3:9) Jehovha anoti, “Handifariri rufu rwomunhu akaipa, asi kuti munhu akaipa atendeuke panzira yake, arambe achirarama.” (Ezek. 33:11) Patinenge tichiita ushumiri, tiri uchapupu hunooneka hwokuti Jehovha anoda vanhu. Hapana mubvunzo kuti izvi zvinoita kuti tiwane mufaro uye tigutsikane patinoita basa iri rinokosha.
Kuda kwatinoita Jehovha zvakadzama kunoratidzwawo nemaonero atinoita Shoko rake rakafuridzirwa, Magwaro Matsvene. Pasina Bhaibheri, tingadai tisina kusvika pakuziva Mwari uye kuswedera pedyo naye, sezvatinokurudzirwa kuti tiite pana Jakobho 4:8. Tingadai tisingaziviwo kuti nei tiri pano uye zvichaiitika mune remangwana. Taisazoziva kuti tateguru vedu tose Adhamu ndiye akakonzera zvinetso zvedu. (VaR. 5:12) Hataizozivawo nezvorudo rukuru rwaMwari rwokupa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi sorudzikinuro nokuda kwedu. Mune dzimwe nzira dzakawanda, Jehovha ari kutipa zivo yake, uchenjeri hwake uye kunzwisisa kwake. Tinofanira kukoshesa zvikuru chipo chaakatipa, Shoko rake rakafuridzirwa nomudzimu! Kuonga kwatinoita chipo chinokosha ichi kunoita kuti ‘titenge nguva’ yokuverenga, kudzidza uye kufungisisa zvaanotaura. (VaEf. 5:15, 16; Pis. 1:1-3) Hatimbofaniri kunyunyuta nezvenguva yatinofanira kutora kuti tiverenge Shoko raMwari mazuva ose. Asi kuda kwatinoita Mwari kunofanira kuita kuti tide Shoko rake, zvichiita kuti tiwedzere kumunzwisisa uye kudzamisa kumuda kwatinoita.
Takadzidza kubva muBhaibheri kuti Adhamu paakatadzira Jehovha, akapinza vana vake vose vaaizobereka, kusanganisira mumwe nomumwe wedu, mumamiriro ezvinhu anorwadza neasina tariro. Zvisinei, Mwari aigona uye akatopa nzira yokuti vanhu vabude nayo, achitora matanho okuti chinangwa chake nokuda kwepasi chizadzike.—Gen. 3:15.
Hapana mubvunzo kuti tose zvedu tine chido chakasimba chokutsvenesa zita rakanaka zvikuru raMwari wedu. Sezvatinowedzera kuziva kuti Jehovha ndiMwari akanaka sei, tinonzwa tichida kushanda pamwe naye uye nesangano rake pakuita kuti zita rake guru uye chinangwa chake zvizivikanwe. Tine chivimbo chokuti anotifarira uye anotikomborera iye zvino uye tichava neramangwana risingagumi munyika itsva.
Isu nhengo dzeDare Rinodzora tinoda kukuudzai kuti tinokudai imi hama nehanzvadzi. Tinodawo kukuongai zvakadzama nokushingaira kwamunoita kushandisa nguva yasara “kutambudzika kukuru” kusati kwasvika kuti muudze vanhu vakawanda mashoko akanaka sezvingabvira. (Zvak. 7:14) Nokuita kudaro, munovapa mukana wakafanana nowamakapiwa wokuwana zivo pamusoro paMwari naKristu inoita kuti vave noupenyu husingaperi.—Joh. 17:3.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha