Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Pakudzokerazve kune vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti zvimwe zviitiko zvine chokuita nokunamata asi vasingawadzani neungano nguva dzose, edza chaizvo kugovera Bhaibheri Rinombodzidzisei?, uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. June: Bhuku raMufarwa Wemhuri.
◼ Ungano dzinofanira kupa vaparidzi magazini matsva eNharireyomurindi neAwake! paanongogamuchirwa. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vajairane nezviri maari vasati vaagovera mubasa romumunda.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaDecember, January naFebruary. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).
◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Vaparidzi vanofanira kuodha mabhuku avo nokuungano. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi mumwe nomumwe isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo, kureva kuti ungano inofanira kungoaodha bedzi kana paine vati vanoada. Mafomu Okuodha Mabhuku (S-14) anofanira kutumirwa nokukurumidza mwedzi woga woga.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eWatchtower neAwake! a2006. Mabhaundi vhoriyamu aya achawanika muChinese (Traditional), Chirungu, French, nechiPutukezi. Mabhaundi vhoriyamu aya achaoneka papepa remabhuku eungano atumirwa, pakanzi zvakamirirwa kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Vatarisiri vemabhuku vanofanira kuziva kuti maArubhamu mashanu eSing Praises On Cassette (csLsb-E) anoshandiswa pamisangano yeungano haachawanikwi. MaCD masere eSing Praises on CD (cdsb-E) ndiwo anofanira kuodhwa. Zvisinei, tine makaseti mashomanana (#1-225) amunogona kuodha muchitsiva amuinawo. Kana iwaya angopera, anenge asingachawanikwizve.
◼ Tapota onai kuti nhamba dzenhare dzinotevera ndidzo dziri kushandiswa nehofisi yebazi: 04-332137, 04-332138, 04-300726; 04-300753; 011-604-892; 023-289-797; 091-472-403; 091-472-404. Bazi rine nhamba dzefax mbiri dzinoti: 04-307246; 04-307247.
◼ Zuva Chairo Remagazini: Uyu uchava musi waApril 7, 2007. Tose tinokurudzirwa kuti titsigire zvizere urongwa uhwu.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
◼ Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha—Chinese, Chinese Simplified, Chirungu, French, chiPutukezi, Shona, Swahili, Zulu.