RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/02 p. 4
  • ‘Rambai Muchiita Zvakanaka’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Rambai Muchiita Zvakanaka’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Muenzaniso Wemabasa Akanaka Kwazvo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2008
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • “Zvinhu Zvenyu Zvose Ngazviitike Norudo”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • “Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Pakati Pemamwe Marudzi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 7/02 p. 4

‘Rambai Muchiita Zvakanaka’

1 Mararamiro echiKristu anosanganisira ‘kuramba tichiitira vanhu vose zvakanaka.’ (1 VaT. 5:15) Patinopinda kokorodzano dzedu dzoruwa, tine mikana yakawanda yokuitira vamwe chimwe chinhu chakanaka. Panguva iyoyo, vanhu vanenge vachitiona, uye vose vatinosangana navo pane zvavanofunga zvichibva panzira yatinovabata nayo. Kuti tirambe tiine mukurumbira wakaisvonaka seZvapupu zvaJehovha, tinoda kuratidza nezviito zvedu kuti ‘tinokudza vanhu vose.’ (1 Pet. 2:17) Izvozvo zvinosanganisira kuti ‘tisaramba tichiva nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asi tichiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’—VaF. 2:4. Fungai nezvokuti izvi zvinoshanda sei paurongwa hwekokorodzano hwepokugara.

2 Makaronga kugara kumba kwehama here? (1) Sezvo hama dzedu dzichida kushandisa makamuri ose aripo, musakumbira mamwe makamuri kunze kweamunoda kushandisa. (2) Musatarisira munhu anokugamuchirai, kana iri hama, kuti ichakupai zvokudya zvepachena. (3) Ratidzai kushivirira uye ruremekedzo kuvanhu vanokugamuchirai sezvavanoedza kukuwanisai pokugara. (4) Remekedzai zvinhu zvomunhu anokugamuchirai.

3 Kudzidzisa Vana Maitirwo Ezvakanaka: Pane dzimwe nguva, vana vakanga vasingatarisirwi zvakanaka nevanhu vakuru pamisha yehama vakakonzera zvinetso. (Zvir. 29:15) Mune zvimwe zviitiko, vabereki vakanga vachiita zvimwe zvinhu ndokusiya vana vavo vasina anotarisira. Vamwe vana vakaita misikanzwa zvokuti vakavhiringidza vanhu vakavagamuchira uye vamwe vaenzi.

4 Vabereki, kokorodzano isati yasvika, zvaizobatsira zvikuru kana mukapedza nguva muchikurukura nevana venyu tsika dzechiKristu dzavanotarisirwa kuva nadzo nguva dzose uye munzvimbo dzose. (VaEf. 6:4) Somuenzaniso, vataurirei kuti rudo rwechiKristu rwechokwadi “haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi.” (1 VaK. 13:5) Vanhu vakura vanogona kusimbisa mashoko aya nokuratidza muenzaniso wakanaka kuti vose vaone. Vana, munogona kuramba muchiita zvakanaka nokuteerera vabereki venyu, nokuremekedza zvinhu zvevamwe, uye nokufunga vaya vamuinavo. (VaK. 3:20) Sezvatinoedza kuitira vose zvakanaka pamwe chete, ‘tinoshongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.’—Tito 2:10.

5 Mufambiro wedu wakanaka une mugumisiro wakanaka kwete bedzi pane vanhuwo zvavo vanotiona asiwo pane vaya vave vachititsoropodza nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana. Pane zvose zvatinoita pakokorodzano uye muguta rose rinoitirwa kokorodzano kana kuti taundi—tingava tichifamba mumugwagwa, tichidya muresitorendi, kana kuti tichipupura zvisina kurongwa—kutaura kwedu kwechiKristu uye zviito zvedu zvinofanira kuratidza kuti tinoda kuramba tichiita zvakanaka.

[Bhokisi riri papeji 4]

Tapota Yeukai:

■ Shivirirai uye remekedzai vanokugamuchirai

■ Musatarisira kuti munhu anokugamuchirai achakupai zvokudya zvepachena.

■ Tarisirai zvose zvinoitwa nevana venyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe