RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/02 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMay 13
  • Vhiki Inotanga naMay 20
  • Vhiki Inotanga naMay 27
  • Vhiki Inotanga naJune 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 5/02 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naMay 13

Rwiyo 37

15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso yakasiyana yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 15 uye Mukai! yaJune 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokukurukura nomunhu anoti “Ndakabatikana.”—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 19-20.

15 min: “Kushandira Pamwe Kunoita Nhengo Dzemhuri Kuti Dzigoverane Zvakazara—Mukudzidza Bhaibheri.” Kukurukurirana kunoitwa neboka remhuri. Vanoongorora kushandisa kwavari kuita mazano ari muNharireyomurindi yaMay 15, 1996, mapeji 14-15, uye Nharireyomurindi yaOctober 15, 1992, mapeji 16-17.

15 min: “Kushandira Pamwe Kunoita Nhengo Dzemhuri Kuti Dzigoverane Zvakazara—Muushumiri.” Kukurukurirana kunoitwa neboka remhuri. Dzokorora kurudziro iri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1993, mapeji 17-19, ndima 9-12. Kumbira vabereki vari muvateereri kuti varondedzere kuronga kwavanoita basa revhiki nevhiki zvinobudirira.

Rwiyo 115 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 20

Rwiyo 13

15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura Bhokisi Remibvunzo.

12 min: “Kushandira Pamwe Kunoita Nhengo Dzemhuri Kuti Dzigoverane Zvakazara—Pamisangano Yeungano.”a Taura nzira idzo nhengo dzemhuri dzingabatsirana pakuitawo chimwe chinhu uye zvinofanira kuitirwa vose kuti vasvike kumisangano nenguva.

18 min: “Vabereki—Ratidzai Vana Venyu Muenzaniso Wakanaka.” Sumo pfupi inopiwa nomukuru, ichiteverwa nokukurukurwa kwenyaya yacho nehama mbiri dziri vabereki. Vanoratidza kuva nehanya pamusoro pokuchengetedza vana vavo pamiitiro inokuvadza yavanoona kuchikoro, muterevhizheni, uye kuvanhu vasiri Zvapupu. Vanokurukura maitiro asiri okuremekedza, kutaura uye mupfekero unoitwa nevanhu venyika, uye varaidzo isina kunaka. Pavanenge vakurukura kudiwa kwokuratidza muenzaniso wakanaka, vanokurukura nzira dzokuita nadzo kuti pave nokufarira zvikuru mabasa echiKristu.—Onai Nharireyomurindi yaJuly 1, 1999, mapeji 8-22.

Rwiyo 169 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 27

Rwiyo 208

12 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuunza mishumo yebasa romumunda yaMay. Uchishandisa mazano ari papeji 8, ita kuti muparidzi akura aenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 uye muparidzi wechiduku aratidze kugoverwa kungaitwa Mukai! yaJune 8. Muenzaniso mumwe nomumwe wapera, taura kuti rugwaro runogona kubatanidzwa sei zviri nyore mumharidzo yacho.

15 min: “Ungano Yenyu Ine Ndima Yakakura Here?” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomutariri webasa. (Ungano dzine ndima duku dzingakurukura nyaya inoti “Shandisa Nguva Yako Zvinobatsira,” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1999.) Taura kuti ungano ine ndima yakakura zvakadini uye indima yakadini yakashandwa gore rapera. Tsanangura kuti mazano apiwa angashandiswa sei muungano. Taura zvirongwa zviri kuitwa zvokupedza ndima isingawanzoshandwa munguva pfupi iri kutevera.

18 min: “Uri Kushandisa Bhurocha raAnodei Kutanga Zvidzidzo Here?” (Tose tinofanira kuva newedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002 pakukurukurirana uku.) Tanga nokuita kuti muparidzi akanyatsogadzirira aenzanisire kutangwa kungaitwa chidzidzo, achishandisa muenzaniso uri mundima 3. Apedza, taura pfungwa huru dzebhurocha racho, uye tsanangura kuti rakanyatsogadzirirwa sei kutanga zvidzidzo. Ratidza kukosha kwokudzokorora mharidzo dzingangoshandiswa dziri muwedzero yaJanuary 2002. Bvunza vateereri kuti mazano api avave vachiona achibudirira. Gumisai nokudzokorora muenzaniso uri pamusoro.

Rwiyo 93 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 3

Rwiyo 178

15 min: Zviziviso zveungano. Ronga kuti vaparidzi varondedzere zvikomborero zvavakawana nemhaka yokuita basa roupiyona hwebetsero muna March, April, uye May kana kuti hwenguva dzose.

15 min: Mashandisiro Anoita Bhuku raKurangarira Dzimwe Shanduro dzeBhaibheri. Hurukuro pfupi ichiteverwa nokukurukurirana nevateereri. Verenga ndima 2 papeji 8 yebhuku raKurangarira, wobva watsanangura chikonzero nei Bhaibheri richifanira kushandiswa kakawanda muushumiri hwedu uye sei. Taura mazita eBhaibheri akadimburirwa ari papeji 6, uye tsanangura kuti nei tichishandisa mashoko anobva mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri. Kurukura nyevero dziri muNharireyomurindi yaOctober 1, 1997, papeji 16, ndima 2, uye papeji 20, ndima 15. Uchishandisa misoro iri mubhuku raKurangarira inoti “Kutsiviwa Kwavaapostora,” “Mifananidzo,” uye “Utatu,” kumbira vateereri kuti varatidze kuti kuenzanisa shanduro dzeBhaibheri kungabatsira sei pakudzidzisa chokwadi.

15 min: “Kutenda Kwedu Kunotikurudzira Kuita Mabasa Akanaka.”b Pakukurukura ndima 2, bvunzurudza zvishoma Chapupu chinoshingaira. Ita kuti muparidzi wacho ataure kuti kupupurira vamwe kunoratidza uye kunosimbisa sei kutenda kwake.

Rwiyo 56 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe